‘Our way is unity, love for each other’ President Mugabe
President Mugabe addresses multitudes of zanu-pf supporters who thronged Mkoba for the revolutionary party’s 7th leg of Presidential Youth Interface rallies in Gweru yesterday. — (Picture by Tawanda Mudimu)

President Mugabe addresses multitudes of zanu-pf supporters who thronged Mkoba for the revolutionary party’s 7th leg of Presidential Youth Interface rallies in Gweru yesterday. — (Picture by Tawanda Mudimu)

We publish here the full address by President Mugabe on the occasion of the Seventh Presidential Youth Interface Rally in Mkoba, Gweru yesterday.

Pamberi ne Zanu-PF! neZanu-PF! Nekubambana!

Pamberi neYouth League, neWomen’s League, nekuhwina maelections, pamberi nerukudzo, kunzwanana pakati pedu, kudanana pakati pedu, kubatsirana pakati pedu.

Pamberi nekubatsira varwere!

Pamberi ne Youth League!

Pasi neMDC!

Ndoda kuvamba nekukutendai ma youth leaders vedu, mapamhidza zvakare rwechinomwe, kurakidza nyika yose kuti hapana mumwe musangano zvakare watinoda, hapana zvakare humwe hutungamiriri hwatinoda, hapana mumwe leader watingade wedu muZanu-PF, musangano wedu — Zanu-PF, maitiro edu — Zanu-PF.

Takamira takabatana tose kuti twii.

Isu veMidlands, taigara tichiti Midlands nokukura kwayakaita ndiyo musimboti wedu muparty kubvira kareko tichinana VaMuzenda nevamwe.

Nhasi maratidza zvimwechete izvozvo, nhasi maratidza zvimwechete izvozvo, vadiki vedu.

Ah, yova fundowo kune vamwe vose vemamwe maprovince. Ivowo vakaita zvatakafundawo kuno kuMidlands; yovafundowo kana kuvakuru vedu kuti honai isu vadiki venyu patasvika, aya manomwe maprovince tichingoita zvimwechete izvozvo zvichibuda shudhu, shudhu, shudhu.

Shudhu nomwe, upon upon nomwe. Ah, pane angasvike ipapa?

Ah ndingade kumunzwa muno munyika.

Sekutaura kwandakamboita kune mimwe misangano kuti izvi zvamurikuita, zvamaita kumaprovinces ose manomwe aya kareko, aiwa, hatina kumbozvifunga maitirwo azvo.

Hongu taiita marally ataiti tiri kuenda kurally yekuMidlands, rally yekuMasvingo, rally yekuBulawayo, kwaMutare ari marally.

Asi zvekuti timboti ngatiitei misangano yakasimba yekukokorodza munhu wese adzike province-by-province, ah ah.

Hongu taiita ma campaigns nema rallies akadaro asi aive simple rallies and simple election campaigns, saka rambai makadaro.

Rambai makadaro muine gwara.

Follow the ideological direction, that’s very important.

And to follow that direction, all of you, there is need for unity.

You must be united, think alike, act alike. Be in step with each other, in step with the march. Kwete kuti VaChipanga vachikuti left-right, left-right, iwe urikuti right-left, right-left. Aiwa! Hazviite!

Zvinoratidza kuti unenge usingazive gwara. Vamwe vakatarira kumabvazuva, ah, iwe wakatarira kumadokero; pavanotarira kumadokero, iwe ndipo powotarira kumabvazuva. Hatidaro.

Zvinobva zvawonekwa kuti haiwa.

Vamwe mbuya vangu vaingonzi nevasikana huyai tiende kuchurch, huyai tiende kuchurch. Vaendwa navo kuchurch, rimwe zuva, vane kasha yavo yefodya yepamhuno, ah, vakuvaviwa paya apa.

Zvonzi nhai hapana anetufodyawo here imo muno? Muchurch imomo (laughs). Hapana anetufodyawo imo muno? Vasikana vakadoti haiwa mbuyaka hazvitaurwi. Hanzi naivo ah ah hamuputwe? Ndizvo zvamandidaidzira imo muno? Vamwe pavanopfugama vakatarira mberi kune mufundisi kualtar, ivo vanopfugama vakatarira kudoor. Taivaseka back iyi ndoyopiwa minister vari kumberi. Ah, ndo maitiro avo. Bhutsu idzi, ah, vapesanisa: yeku right yaenda kuleft, yekuleft yaenda kuright.

Unoona kuti, ah, vanga vasati vaziva ka. Zvino hatidi kuti mudaro.

Imi hamusimi munganzi Midlands inodzidziswa nemamwe maprovince, not Midlands. No! Asika vatungamiriri venyu vananaMackenzie, vose vananaMachaya vose nevari shure vananaJuly Moyo, be in step mova vanhu vane experience-wo yekuti, ahh, kwatakabva kure.

Kwatakabva kure nevatungamiriri ava, kwete kufurirwa kuti, ahh, mungabva matituka, kutitukirira, eh, tenge tichiti ko zvava zviiwo izvi?

Kwatakabva kure takabatana tose nevakomana vamuri kuona ava.

VanaMphoko navanaEdson vari papa ava. Takabatana. Warwara ipapo ndini ndarwara. Ndinosuruwara ndirikuda kunzwa kuti chii.

Ndoda kunzwa kuti wakadii ari kunaChiremba; aenda kuhospital ndinoda kunzwisisa kuti arikubudirira here kana haasi.

Imi munenge musingazvizive izvozvo.

Saka munomuona kana ari leader wenyu ava kune vamwe vatisinganzwanane navo veimwe province ndivo varoi.

Varoi vazomuka nhasi?

Havangave varoi, vanova maopponents kana vari maopponents.

Huroi ndirikutounzwa iye zvinoizvi.

Mazuvaano takagara tisina varoi isu, tisina kumbonzwa zveuroyi muparty.

Party ine gwara. Ine bumbiro rinosungirwa kuteverwa.

Ine maprinciples anosungirwa kuteverwa. Vanenge vakanganisa maprinciples iwayo, negwara iroro, vatsautsa, havatsvagirwe mushonga, aiwa, mushonga uripo tongovaranga muparty — garai pasi.

Chii chamuri kuita?

Tichiri tose here kana hatichiri tose?

Kana wava nedzimwe pfungwa wobva mubato redu reZanu-PF. Redu rine gwara, rine hunhu huripo, rukudzo ruripo.

Asi kana wavakuita zvanaTsvangirai, buda muno. Hatikude.

Hausisiri wedu.

Vakabudaka vakanga varasa gwara.

Chionai zvavari kungoita sezvitaunhau. Munozviziva zvitaunhau?

Vanotauka vachienda kwakati.

Vabvarurana ipo pakati pavanenge vati taita chedu ichi chakadai, mozonzwa kuti, ah ah, ah, vatobvarurana pakati: uyu wava kwake uyu wa kwake.

Ndozvazvinoita kana vanhu vasina gwara. Imi hamudaro nokuti makasungana, munoziva kwamakabva.

Kufirwa kwamakaitwa nevazhinji. Wha Wha iripanoka; Wha Wha paseri apa.

Ndopataizaridzana ipapa apa tichitutirwa ipapa navavengi.

Zvavaiita vavengi izvi kwaive kusimbaradza musangano kuti tive nesimba.

Ivo vakanga vasingazive kuti zvavari kuita izvi zvinotovapa simba kuti varambe vachirwira nyika yavo.

Vaifunga kuti, ah, tirikupanichwa.

Haa, vakaenda kuWha Wha vanochema.

Ehe, taiva nevamwe vakanga vasina simba.

Taivati, aiwa, dzokera zvako kumusha iwewe, kumbira udzoserwe kumusha nekuti kwaita, manzi endai ku Wha Wha munogara.

Svondo risati rapera wainzwa, waive vashoma mumwe achiti haa mukadzi wangu wandakasiya, mukadzi wangu wandasiya kumusha ndowana atorwa, atorwa nani?

Ko ndiwe wega wasiya mukadzi kumusha here?

Vese vari pano, tese tiri pano tasiya vakadzi kumusha tinowana vatorwa here?

Haa, iye waiona abva abata musoro obva atsauka zuva nezuva.

Avo vozoenda kunokumbira kuti, haa, ini hapana zvandakaita ndakangonziwo nevamwe huya ujoine. Woburitswa, woenda kumusha toti, ah, good riddance. Kosara vakasimba vane misana yakasimba.

Saka takadzokorora Wha Wha, tikauya kuKwekwe.

Kwekwe ndiyo yakamboti, ah, iyo yakatidhambisa chaizvoizvo.

Chakatidhambisa imvura yekuKwekwe. Ukaisa sipo kudai haayaimbopupuma kana, kuti ugeze kudai mbatya hapana sipo, ungapedze godo resipo rakadai haipupume.

Pamusana pei? Ndiko kuzere ikoko ka iron ka, zvino, haa.

Saka takazofara tichibviswa ipapa tichiendeswa kuWha Wha, tichizoendeswa kuSikombela, tichidzoswa zvakare kunana Harare — yaive nyika iyoyo yatairwira.

Raive gwara rataitara, asi 1979 takazokurukura nemaBritish ivowo vaona kuti hapana kwavachaenda, ndokubva vati aiwa nyika yenyu tabvuma kuti muchitora.

Taive nezvinangwa zvakasimba — ivhu redu ngaridzoke, hatibhadhare kana kobiri nekuti harina kumbotengwa, hapana chakambopiwa vakuru vedu saka hatingaritengi patsva.

Takamira takadaro nana VaNkomo.

Ikoko chionai, we were the two leaders leading delegations, the Zapu and Zanu, but takazenge tabatana tava Patriotic Front.

Kuno kumusha vakanga vaitawo yainzi People’s Movement; takavadaidzawo kuti vave padhuze tichi consulter navo vese vananaBanana, VananaMarere, vose vananaJ.Z. Moyo.

Saka taitova a huge huge group, asi vaienda kumeeting vari vashoma vachitungamirirwa nesu vaviri.

Asi tichiti zuva nezuva zvatinenge tataura tinokokorodza vamwe ava kuti vanzwewo, ndomaitiro edu nekuti musangano hausi waleader, aiwa.

Musangano ndewevanhu, mutungamiriri, leader, is a leader of the people. Kwete kuti iye pfungwa dzake oga, oga, oga zvake ndodzotungamirira musangano — hatidaro muZanu-PF. No! Pfungwa dzako iwewe inzwawo vamwe kuti vanotii padziri, topanana mazano ipapo and then we move forward; that’s how we have done it.

Ndaive ku South Africa two weeks ago, ndichiti, ko, imi makamboitasei? Ndaitaura naMinister anoshanda muOffice yavaZuma anonzi Radebe (Minister in the Presidency, Jeff Radebe) kuti seiko panyaya yevhu iyi, sei makasiya mabhunu akangobata kwese kwese? Akati iye neChirungu, ask your friend Mandela, as if Mandela is still present. Zvakanzi ask your friend Mandela.

Handina kuzoenderera mberi nekuti ndakanga ndanzwa kuti pavakaita matalks avo nemabhunu nevamwe, vanaMandela vabuda, iye Mandela akati, aiwa, ini ndine ruzivo rwakakwana, mose hapana zvamungandibatsire, sarai ndinono negotiator ndiri ndoga.

Saka aka negotiator ari oga, bhururu wangu Mandela.

Zvino ruzivo rwake honai ndozvarwakabudisa izvi. Ndozvavakabvumirana.

Iye achibva kujerika, jeri rinovava ka iri.

Ehee kwemakore nemakore you feel it.

Chaive chikuru kwaari, freedom yekubuda mujeri, usingazive kuti chikuru ndeicho chawakamboendeserwa kujeri kwete nhasi uno, freedom yauri kupihwa nhasi uchinzi, haa, takuburitsa, zvino ndozvaakafunga kuti ndozvikuru izvozvo.

Zvese zvimwe, zvikanzi, ah, taenzana iye zvino nemabhunu, hapana achatorerwa chake, tava equal, kana riri basa hapana achabiswa pabasa, tava equal tese.

Kana zvangu makabata hazvitorwe nevamwe nekuti we are now equal. Ah, what sort of equality?

Ava vakafana vazvipaka ava, kareko kubvira Van Riebeeck achiuya muna1652 kuCape Town vachangoita pass, vachiti apa ndopatinombomira kuti maboat edu ogombotariswa, ogoitwa maintained vozoita rwendo rwekuenda kuEast, ndokumira kwavakaita. 1652 vana Van Riebeeck vakachitarisa, vakati, aah, paCape pakaisvonaka.

Ndokubva vazoudza vamwe kuti kune nzvimbo iri kuCape uku yakaisvonaka, vamwe ndopavakazouyaka vachipinda kuCape kuya uku.

Vachibva kuCape, mabhunu vachikwira kumusoro vakuto kutoaccusaner nemaBritish ndipo pavaiita ka yavaiti Great Trek vanakirwa nenyika iyi vaona kuti yakanaka, vachibva vaenda vatora mapurazi, vatora nyika dzinevanhu vachivatanda munzvimbo dzakanaka dakara vazoita four provinces vaita occupy Orange Free State, vaita occupy zvino Transvaal, vakanga vaita occupy Cape ka kare kwavaibva nako, vozoita occupy zvino Natal ndokubva zvino dzava four. Aiva mabhunu.

Vaitora nyika ipapo kuma Zulu ekuNatal; vaitorerwa kumaXhosa eku Cape; vaitorerwa nzvimbo dzakanaka. MaSuthu pakati apa vaitorerwa.

Vozodiscover madiamonds kuKimberley kuya, ndopakauya vanaRhodes ka, vakuita rush.

Ndozvaaida Rhodes izvi, usiku achibvutira vamwe hoko achinodziisa kwake kuti apapa ndini, maclaims ndiwaya aya sezvirikuita vanhu vedu, madiamonds eku Kimberley.

Razowanikwa gold zvino kuJohannesburg zvakare, vaindimuka zvino vakubva kunyika dzavo dzakasiyana-siyana — kunanaEurope. Kupi kupi?

Kuenda kugold rawanikwako, achiri mabhunu arikutonga. MaBritish vakada kuvasunda, vakaita hondo vakaona kuti ah vakasimba, hatingavagoni.

Ndokubva vazoita njere dzekuti maprovince aya ose ari mana anga akatorwa kare nemabhunu vari ivo varikuatonga, maBritish akati toita njere dzekuabatanidza.

Mabhunu akabvuma akati zvakanaka. So, 1910 ndokuabatanidza. On 31st of May, ndopakaitwa Union of South Africa to bind these four provinces together.

So tichirwisa isu struggle navana Tambo, taiti ko imi muri kungorwisa Apartheid chete, yekuti freedom chete, ko hamusi kuda Independence here? Zvikanzi, haa, independence yakauya kare muna 1910. Ah!

Iyo yemabhunu ndoyamuri kubvuma? Zvikanzi, aaah, aiwa, hatingarwise iyoyo, it’s a legal certainty.

Hoo, legality inobatsira ani? Varunguka? Saka takangozovasiya. Takatambura na nhingi, na aive ani wataive naye weku Zapu? NaSilundika.

T.G Silundika tichida kuti vave pamwe chete nesu isu.

Taiti zvamakapa vana Smith masimba — aa, vakavapa avo, haasi edu — ndopatakasiyana navo ipapo.

Ivo vakafarira freedom yekungoti hatisisiri mumajere, zvinotasvika patiri apa, voti vanhu tati hapana achabata chemumwe nekuti we are all free.

We all have equal rights.

Ava vakaita marights over land akugambira kare kare kwandataura ikoko ikoko, kunana van Riebeeck.

Vava ndovane macompanies, industrial companies, vachiita employ vanhu vatema, havachagona kuzvisunungura izvo zvavakaitirwa naMandela. Varungu vanoti makatika we are equal, now hapana achatorera munhu chake.

Ko mavakubata zvevhu sei?

Kana kumaindustry, havagoni kubata bata zvese, asi kuenda kunoshanda muJohanesburg imomu nekumigodhi.

Saka uyo Radebe ndozvaaireva achiti ask your friend Mandela. Zvino ndanga ndichamuona kupi friend wangu akaenda kare?

So ndiri kukudzai izvi kuti nemiwo maleaders ema youth ensure that there is sufficient discussion and understanding or cooperation, shall I say, as you discuss ma issues enyu, kwete kuti pozobuda mumwe kozobuda achiti, haa, ini haandibvumirani kana umwe wozobuda ipapa achitsautsira, then iyeyo ndiye ari kukanganisa, is out of step and anosungirwa kurangwa.

But I am you have put together your thinking, you have put together your grievances and your requests tichange tichiongorora marequest iwaya anoti magrants, ku universities, zvese, land. Where it is, maplots anokwanisa kupiwa vanhu etc, zvichiendera mberi kudaro. We will look at them properly nePolitburo.

Ehe, tinoziva kuti dambudziko riripo.

Asi chandingangobvunzawo ndechekuti: VaSecretary venyu VaChipanga vati, ah, vaakugusa ndebvu, mati mazvinzwawo ka izvi?

Vaakugusa ndebvu vasati varoora? Vakaroora. Hamuna kunge mapihwawo munda?

Vari kuti ndakapihwa.

Zvino vaye vaakugusawo ndebvu saVaChipanga vakapihwa, motiudzawoka kuti vamwe vakapihwa tirege kudzokorora.

Tirege kudzokorora nekuti ivhuka ndiro ratakapihwa naMwari iroro iri chete.

The land mass is just what the geographers have put as a map of Zimbabwe. Kumwe uku hatikwanise kuenda tichiti vanaMunhumutapa vaitonga vachinopinda KuMozambique, ukuku kuzasi vachipinda kwese kuSouth Africa kune Zimbabwe yavo ikoko inonzi Mabwe, something Mabwe, kwese ikoko.

Yaisvika ikoko yanaMunhumutapa, but hatichagona ka kuti tiende tisvike ikoko nokuti pakaitwa OAU muna1963 vakati, ah, tikada kuenda kumuganhu yakudhara yakanga isina kunyorwa yevakuru vedu tingavambe dzimwe hondo pakati pedu, ngatichibvumai kuti izvizvi zvakauya nevarungu vakatara muganhu yavakatarawo Rhodesia, Southern Rhodesia, Zambia, Malawi, Tanzania, Kenya totambira zvakadaro.

Tiregere kuita rimwe bopoto pakati pedu, saka the boundaries that were set by our erstwhile colonisers become the boundaries we recognise. Saka hatigone kupfuura muganhu iwoyo tichipinda muMozambique. Aiwa, tenge takubiridzira, asi kana VeMozambique vakati huyai kumafarmers edu sezvavari kuita, that’s different.

Saka please tinoda manumbers evasina pokubata, vasina pokurima chose and we will do something, we will definitely do something for you nekuti tichine nzvimbo nenzvimbo dzine free land, which we can use for a purpose. Ehe, zvichemo zvimwe zvanga zvakawanda, thank you.

Tinoda zvakare kuti imiwo the leaders of tomorrow ka, vakomana, muve ne ideology yakakwana. You should know the party well, you should know the history of the party well, know the struggle that was waged.

Yaiva history zvayo, asi know why there was that fighting, why our people suffered, being put into keeps, into prison, into detections and into restrictions.

Isusu takangozita zvekuudzwa navabereki kuti takabvuviswa paChimurega. Isu tobvunzurudza kuti pamusana peyi, zvikanzi pamusana pekuti vana Nehanda, nana Kaguvi, nanaLobengula vakanga vabvumirana kuti titande varungu munyika muno umu, vakauya vachiti vari kuuya kuzokwasha kana kuchera zvicherwa zvepasi asi havo vakuvaka, havo vane misha, havo vakutanda vanhu munzvimbo dzakanga dziri dzevanhu.

Ndopatakavamukira and vakamukirwawo zvechokwadi, kungoti vanhu vedu vanga vasati vava ne pfuti dzemazuva ano, vaive nemudhindwa yangoita apo napapa pangoita two or three people vanayo; dziye dzemudhindwa dzepowder idzi.

Kazhinji aive mapfumo avakashandisa noakangasina mapfumo ane njere semapfumo aShaka, saka akati ukaita pfumo refu ukari kanda uku rikapotsa ratoenda, woita pfoma rine chekubata and you must get to the enemy wakabata, kana ukamubaya unoramba wakabata pfumo rako hariende.

Aya ekukanda aya, warikanda rikapotsa rapotsa saka ndopfumo rakauya naShaka iro ndokusaka aihwina mabattles ose airwira masoldier ake, mauto ake.

Akanga ava mauto chaiwo aiti agere pamwechete, vachidya nyama dzemombe dzavainotora kune mamwe matribe.

So it was the kind of weapon the Europeans had that made them succeed, but even then, vakanga vatokurirwa kwakati kuti.

Ndipo pavaka kumbira kuti vamwe vaive kuNatal vauye nekukurumidza kuzobatsira vakanga vari muno munyika. Vakanga vapera kurakashwa paMashayamombe, haa, vakadonha vakawanda, kuMatebelaland kuchidonha vakawanda, nzvimbo nenzvimbo nekuti vaiitwa zvekuhwandirwa. Ndochechiposhi icho.

Chepiri chedu nemi chakava chenjere. Vakuru vedu vakambokurirwa nepamusana pekuti vakanga vasina zvombo zvakakwana.

Ngatitsvageiwo zvombo izvozvo zvine varungu ndosaka takaita hushamwari nana China nana Russia vaitipa AK rifles, ma light machine guns, heavy machine guns nezvema bomb zvese, ndokusaka takahwina.

Vana Smith could not vanquish us but as guerrilla warfare, technology goes, you don’t want to defeat the enemy conditionally, unless makwanisa kumboita build up ma secure points amaiti ava ma free zones.

But, in the meantime, it’s a running system: you hit and run away nekuti ivo vanenge vane zvombo zvikuru as against your rifles. So you tire the enemy out, ndiyo struggle yedu yatakaita — guerrilla struggle.

So by 1979 this was the case. VanaSmith vakanga vaku surrender, ndosaka takazoenda kuLancaster.

Okay, Mai vataura nenyaya yediscipline. Ehe, kana tonzwa kuti kuri kubuda shoko rekuti, ah, kune varoyi.

Vamwe vakadya ice cream, ah, iceream dzedu dzinoisvonaka, hanzi tobva taisa poison. VaMnangagwa vozoti aiwa handina kumbodya ice cream. Ah, kune varoyi.

VanaSekeramayi nana Dr Parirenyatwa vana chiremba vataive navo kuhondo vagara vachirapa masoja, vachirapa vanhu vedu.

Chifungai zvino kana toti vakadaro, ha, ndiwe wakarauya, kana vakapa mushonga wekukuvadza mumwe wedu.

Zviri kungotaurwa izvi nevanhu vari kungo bvotomoka, vanhu kana kungoda kuyedza here, but madaro ka chivai neruzivo kuti, iii, kuti kunanga munhu zvakadaro chivi. Kana mabhunu vakanga vasingazvide, ndosaka vakaita murau wekuti Witchcraft Act yekunanga munhu kuti uyu mawitches, uyu muroyi, uyu moroyi unoenda kujeri straight.

Hazviitwe. Ko ava vauri kudaro, vanofungawo sei nokuti pachokwadi vanenge vasina zvavakaita. VaMnangagwa vakazodawo kuti ini ndive neruzivo rwokuti vakatambura sei, vakazobatsirwa sei, saka chiremba wavo akauya about three days ago, three or four days.

Akanditsanangurira zvakanakisisa.

Takagara one hour kuState House na doctor wavo achiti, ah, VaMnangagwa wava patient wangu for 20 years. Vachiti, ah, kana iri food poisoning yavati, kana, iri nyama inokupa toxin yakasiyana siyana, muriwo wakati unokupa toxin. Matoxin aya ndiwo ka aya mapoisons anobva ka kunezvizvi kana zvakaunda.

Hanzi takatora zvose, hapana, tichitarisa muropa. Aiwa, hapana food poisoning yakavapo chose.

Asi chakatishamisa chete ndechekuti uyu mumwe wedu uyu wakarwara — diarrhoea, kuvhomita — dakara asisagone kuvomita.

Achifenda nekuzvimba. Hanzi kuzvimba zvikurukuru, asi takangochichirira chete. Ropa ranga risisakwane, akanga asisina zvino samba, nyama iyi kangova katanda kakabatana nebvupa, takarwira chete kuti timuponese nekubisa kuzvimba kwakavapo uku.

Saka, aah, taive nemanhingi aya avanoisa e intravenus ari about four or five, rimwe rikapera kubooka riinesolution yekuenda mublood make, rimwe robva ravambawo achidaro achipera kuti muviri wake utambire. Uvambe zvakare kuzvivaka patsva.

Ehe, wakanga wakuenda murume uyu; kana iye anoti, aah, ndanga ndisingazive.

Taive tese ka, hapana chaanondivanzira ini. Ndakanga ndisisazive, ndisisazive ende vanotiwo, yah, brain yake futi was getting affected, asi takangosimbirira chete kuti we must build up his strength, his body, zvimwe izvi tozotarisa afterwards.

Zvichinzi takakwanisa, President, ndozvatinoda kukuudzai. He is now fit again, wasimba. He is back. Asi tichirikuda kuziva, kuongorora kuti zvakambouya sei izvi. And tichaita maresearch eduwo akakwana. Tinoramba tichimuita review tichiona kuti hazvichadzokera pakare here.

But it is not food poisoning, no, tongotarisa kwazvingadai zvakabva.

Tikati, ah, yes, we need that very badly, saka akazobva achimhanya kuti ndakunotora ndege, asi tinoramba tichimuita review tichiti, ehe, zvoregawo kuuya nepakai, akativhundutsawo nesu tose. Saka ngatiregei zveuroyi.

Vanhu vanorwara, tinorwara tese, moyo iyi inoneta dzimwe nguva, maorgans edu mukati umu anoneta dzimwe nguva, munhu mongonzwa kuti adonha, zvinoitika.

Hurwere humwe hunokwanisa kuuyawo hwokubata nokuti muviri wako unenge usisina zvino simba, saka hameno kuti ava kudya chii nekuti wakarambidzwa kudya zvakati nezvakati. Toti mudzimai musabata zvose izvozvo. Muriwo waakanzi uyu ndiwo une simba, aah, ndomuriwo wandakati kuna Mai Mugabe handidi kuuona pandiro pangu ipapo. Unonzi chiiko zviya? No! No! No! Wandaiti wega he does not also want it. The vegetable, broccoli.

Ah, ukandibikira sadza ne broccoli ndinoti aiwa ndaguta, asi zviri kunzi ndiwo muriwo unosimbisa muviri, kana kumba ndiwo vawanoda kuti iwoyo wopota uchiita soup yaanodya.

Hameno zvako. Nyama wakanzi rega kubataka. Saka tikati kana wanga uine mbudzi chitondipa ndinodzitinha nehwai.

Yemombe rega kubata, yose nyama rega kubata. Hove rega kubata, hameno zvako.

Mudzimai wako ndiye achaona kuti izvi nezvizvi ndozvandati ndibike.

Ndati ndikuudzei chokwadi chakavapo, mumwe wenyu wamupenyu zvakakomba nesimba. He is now strong.

He is back to normal and ndidoctor wake aizviti anonzani zviya, Crestesky.

Asi rinenge rechiJudha , ndomadoctor ari kuWits. KuWits vane huge, huge nhingi company yanzi Libecure — something — and doctors are about 84, vane macompanies akasiyana siyana ikoko. Ndozvinoita dzimwe nyika izvozvo, kuti ma doctors ese woungana panzvimbo imwe chete, asi vari pasi dzimwe nguva pehurumende, dzimwewo nguva peGovernment

Uyu ndewemaziso, uyu ndewemudumbu, uyu ndewei — vose vaine zvinangwa zvinoenderana nezvirwere zvavakafundira kurapa, zvavaine experience nazvo. N

dozvavakaita kuWits ikoko varipaWitswatersrand University, we have few students vakafunda ikoko nevamwe vachiriko ikoko.

Anyway, we are happy.

God bless. Takati God bless.

We must pray and pray and pray. So we are together again and lets be together, no insults. Our way is one of unity, one of love for each other.

Ndoda kukutendai, kukutendai mese youth province nekuuya kwamaita.

Continue to work together. Continue to work neleadership yenyu vanaMcKenzie vanaMachaya nevamwe vose.

Don’t get disunited, aiwa unity, unity, unity.

So as I say all the time in remembrance of John Nkomo: “Peace begins with me. Peace begins with you. Peace begins with all of us.”

Tatenda.

You Might Also Like

Comments

Take our Survey

We value your opinion! Take a moment to complete our survey