Zanu-PF is people-oriented President Mugabe
President Mugabe

President Mugabe

Below is the full text of the speech by His Excellency President R. G. Mugabe, who is Zanu-PF President and First Secretary as well as Patron of the Zimbawe National Liberation War Veterans’ Association, to a meeting of war veterans, war collaborators and other wings of the ruling party at the Zanu-PF Headquarters in Harare yesterday.
Pamberi neZanu-PF!
NeChimurenga!
Nokubatana! Nokubatana!
Pasi nevasingadi kubatana nevamwe.
Icho! Icho! Icho!
MaVice President vedu VaMnangagwa naVaMphoko, Mai Mugabe, Minister VaSekeramayi, Minister VaChombo, Minister VaTshinga Dube vari pano, nevamwe maMinisters vangadai vari pano!

Nhengo dzese dzeparty, dzePolitburo dziri pano! Vatungamiri veWar Veterans’ Association vauya pamusangano uno uyu vakakumbira kuti uuye vari nhengo dzeparty, vari maWar Veteran chete, asi vari vatungamiri zvakare, vamwe vakarwadziwa pane zvakanga zvaitika, zviri kuitika kuti vazotiudza zviri pamoyo pavo zvavarwadza.

Tinoda kukutendai nekuuya kwamaita mose. Vazotsigira mose, vatsigiri vabva kuparty, vatsigiri vese, vanana Mujibha vari pano, tinovatenda vese vari pano, tinovatenda nekuuya kwavaita. Tauya pano kuti titeerere, tinzwe chaizvo izvo zviri pamoyo pavo. Vamwe vakuru vatagara navo vatinonotsa tichiri muoffice, vataura zvimwe zvavasina kugona kutaura pano nokuti nguva yaenda – zvokuti vanochemedzeka nekutukwa kuri kuitwa President.

Vanochemedzeka zvakare neshoko rekuti vamwe vari kuti President ngaachibva. Asi zvikonzero zvekuti ngaachibva zvavanopa hazvinzwikwe. Vanochemedzeka zvakare nokuti varipo vangodyarana, vamwe kunze kwenyika, vamwe vari kuSouth Africa vari kutumira mashoko ezvinhu zvinonzi maWhat? What? Vachituka, vachityisidzira vamwe. Vari kuti vakawanda vari kunze kwenyika,vatoti tazviwanira pano.

Asi vati ivo, vauya vachida kuzopika pano kuti aiwa zvose zviri kuitwa izvi musazviteerere, tinemi. Tine rutsigiro rwatakakupai kubvira chinyakarecho. Tisu takakusarudzai neruzhinji rwevanhu. Nyaya yekuti ah kunonzi chikwata chainzi chekuMugagao ndicho chakakusarudzai, aiwa, makasarudzwa kuno kumusha zvakanakanaka, mukaenda kwafa VaChitepo; mukaenda kunze kwenyika, mukafamba mukadakara mukasvika kuMaputo. Ikoko mukavamba kumutsiridza hondo yeChimurenga, nomusangano weZanla.

Takazobatanawo zvakare tamutsiridza kudaro, tikada kumutsiridza nekuti kuOAU vakanga vadzima Zanu, vadzima Zapu, saka takada kumutsiridzawo Zapu zvakare. Vakanga vadzimirei? Pamusana pokuti zvakanga zvanzi mabatana mose, mava muANC yava kutungamirirwa naVaMuzorewa, saka zvose izvi hazvichareva chinhu.

Ndozvavanga vainazvo mupfungwa izvozvo zvekuti misangano yedu yanga yaparara. Mukazoibatanidza ikoko moita Patriotic Front.

Takazouya tatova nePatriotic Front. Ndokusaka nhasi uno tiri Zanu-Patriotic Front. Saka tateerera zvose izvi, vati ivo ko sei munoramba muchingotungamidza vananaMutsvangwa vananaMahiya nevamwe takavadzinga kare kare?

Ndikati, ah, tanga tisingazive kuti makavadzinga vose. Vakati aiwa taka passa vote of no confidence. Tikati tanga tichingoziva zvaVaMutsvangwa chete.

Tikati tipei mochitipa magwaro anoratidza kuti vakadzingwa isu tichazonge togara pasi toti association yenyu ngaichigara pasi yosarudza vamwe vatsva vachatitungamira musangano.

Ava vadzingwa vane shungu yekuti takadzingwa. Zvatadzingwa ah regai tichiparadza zvose, zviparare neparty iite zita rakashata.

Saka vachiita zvinyorwa zvekutuka party, zvinyorwa zvekuti President ngaachibva, zvinyorwa zvekuti taakuda kuti tive negwara idzva; hamheno kuti gwara idzva ramunoda nderipi rinopfuura reZanu-PF.

Zvino tateerera zvose izvozvo, asi ini pachangu nekuteerera kwandaita ndinoda kukutendai, kukutendesesai norutsigiro.

Mufunge icho chitsamba chavakanyora ichocho chakaparadzirwa, hecho chakanga chaakusevenzeswa kunze kwenyika kunana Britain zvaakunzi, yah ndozvatanga takamirira, regime change iye yazouya, vasingazive kuti kwete, party ine mutsindo, party ine midzi yakasimba, party haife yakarigwa nechipepa.

Chipepa chaunoti ichi chinoenda nemhepo, chonzi chariga musangano? Saka vanga vatofarira kunze kwenyika kuti yeah ndozvatanga takamirira. Vamwe vakanga vakatimirira kuSouth Africa. Saka munovaratidza kuti aiwa hapana zvakaitika – madhaka aya, haa, anoti zuva kana rati bhanan’ana ivhu rinooma.

Ndinoda kuti kuma War Veterans tichakupai zuva ratinoti musangane mugova nerusaruro rwehutungamiriri hutsva sezvandataura, sezvo makati mune vachiri kubata vari kuita act – let those who are acting continue to act.

Isuwo takasarudza vakuru muparty kuti vaongorore kuti chitsamba ichochi chakambobva nekupi vatipe ruzivo rwevakanyora tsamba yacho nevakazoipembedza vachiiendesa kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Kuti tavaziva musangano uchazovaranga, and marangiro emusangano anenge akaoma.

Tichiri kuhondo takaita vapanduki vakanga vakawanda pamastages akasiyana-siyana. Vairangwa zvakaoma vamwe taivacherera pasi pedzimba dzataicherera pasi kuti vagare vari pasi tichivapa sadza vari pasi.

Vada ivo kuti vapidigure musangano, ah takange tisingavauraye kwete, vaigara pasi ipapo. Takanga tatochera kuita dzimba dzepasi. Sadza taivapa hongu kuti vararame, vakazobuda Hurumende nemaBritish tabvumirana kuti rusununguko rwochiuya kuZimbabwe 1980.

Ndopatakazobvisa mapango acho tichiti chibudai zvino, saka vanga vari pasi sembeva. Ndozvazvinoitwa!

Zvino zvimwe chete nekuno kumusangano. Tava nenyika yedu and vakadaro mochenjerera, vanenge vapindwa nemhandu dzimwe dzedu dzatinadzo dzinoshanda nemamwe maembassies umu, ingave embassy yemaBritish, ingave yeAmerica, ingave yemaFrench vanenge vakarongwa imomo kuti imi ndimi munofeya-feya zviri kuitika muZimbabwe nehushamwari muchivapa tumazano muchiyedza kuvafurira dzimwe nguva, dzimwe nguva kuvapa mari vachienda navo kunovadyisa mumahotera vachivapa mari yekuti vafambe vaende kunze kwenyika vachiedza kuita hushamwari pachiwande, zvanga zvichiitika izvozvo.

Mhandu dzasanduka kuWar Veterans hwuzhinji hwedu Zanu-PF, Zanu-PF ndiyo inotungamirira ka maassociations ese – the War Veterans Association, inana ZILWACO vese, mastudents ese vari affiliated kwatiri, mabusiness tinenge tinawo saka tinenge tichiti gwara redu rimwe chete, gwara rekuti tisimudzire nyika tidzivirire tirambe tichiidzivirira yakatorwa kumaBritish asi nesimba rinoiswa nemaBritish vanoramba vachipfekenyedzeka kuti vapinde nepasi kubisa hutungamiriri huripo, yavanoti regime change yandanga ndichireva.

Kana vadaro voona kuti aaah pazopinda wavanonzwanana navo ndozvavakaita kunyika dzema French kune vatungamiriri vanotya, kudemba vanotodedera kuti vaMugabe vakauya kuno oooh tozonzi chii kuvakoka kuti vauye kuno vanombobvuma kuti vauye kana kuzovhura show yedu vamwe vanobvuma kwasara masvondo maviri voti aah hatichakwanisa kuuya nekuti zvakati zvakati. Tazoita misangano yakati inotitadzisa maFrench vanenge vati munoda kuenda kupi, kungaphi ufuna hamba.

Zvizhinji zvinoitika zverudzi irworwo zvino isu hatina kudaro takakwachura hukama chose nemaBritish. We are totally free, ndokusaka takati imi vana Blair mune nyika yenyu tongai iyoyo isu tine yedu tinotonga yedu. Zvino ndozvavasingade ka izvozvo. Kwazvo kwazvo kuma French vanobva vati kumaFrench hupfumi huri pasi penyika, goridhe, chii chose chiri pasi penyika ndezve France. Mochererwa imi, ndivo vachazoti tinokupai zvakati ipercentage yakati, hamungave nenyika inonzi hupfumi hwenyu hwamunahwo ndewe macolonialists anga achikutongai sezvo takanga tichitongwa nemaBritish zvonzi madiamonds ese ari pasi penyika, goridhe zvese, chrome, all minerals zvonzi they belong to the British.

Ndozvatakarambaka kunoku. Zvino kuma French havana kukwachura. Ndovakaramba vakabata zvohupfumi hwenyika, ndokusaka vazhinji vatinoti vari kuFrancophone countries, vazhinji kungangove ne 1 or 2 but vazhinji ndiyo nyaya iyoyo, dzinongova bwende.

Now ndinoda kuti, mukuona kwedu uku, kuma comrades vese, kwazvo kwazvo kuma war veterans, tongorega kuti tisati taona chokwadi kuti haa uyu ndiye mukuru wazvo, uyu ndiye ari kuita zvakati. Nguva iripo, wonai zvinhu mova nekuchenjera kuti vavengi vanoda kuti divider pakati pedu vachisevenzesa mazita edu nenzira dzisiri idzo.

Chokwadi chinobuda pachena, asi toita maziso dwanana, nzeve dzinoteerera, muchiona chokwadi chacho. Asiwo isu vakuru kana tanenedzerwa zviri kwatiriwo kuti titi kuvanhu aiwa ichi hachisi chokwadi, izvi hatimo mazviri” vanhu vova nechokwadi. Nokuti unongoramba uchinzi nevanhu ndiwe, ndiwe, ndiwe.

Zvino tinenge tisingade kudividwa, ndozvatisingade izvozvo, I don’t like it. We want to keep together. But it’s our duty to denounce these together, to denounce these developments together, outrightly, not to hesitate, so the people will continue to have total confidence in us.

So let’s keep together and help us also with your unity at the base. The unity of ZANU-PF in the provinces and I want to thank the provincial chairpersons who are here. Your unity is crucial because that is the basis of the whole party. We can’t talk of a united party when the provinces are not united. We can’t talk also of a united party when the wings of the party – the Youth League, the Women’s League, when these are not united. So the unity of the party is crucial and I am glad that so far we have maintained that unity and we shall maintain it until 2018. We shall keep together at the top.

The unity of the party is crucial and I am glad that so far we have maintained that unity and I hope we shall maintain it until 2018.We shall keep together at the top. We shall remain united. We know that accusations will continue to be made.

Allegations naturally, some true, some false. But Zanu-PF knows how to settle its contradictions. Takafunda tichiri kuhondo tichiona nekuongorora maitiro aiitwa kuChina ichatungamirirwa naVaMao. Nekunge vafa zvavo, asi kuChina vakasiirwa nhaka iyoyo yemaitiro anosungirwa kuitwa kana vanhu vapesana. Vanogara pasi vokurukura.

Ava vachipa maonero avo. Ava vachipa mazano avo. Mazano iwawo kana achipikisana kozowonekwa kuti ndezvipi, ndedzipi ndima dzatinowirirana nadzo, ndepapi patisingawirirane napo. Totora apo patinowirirana napo tose, ndopototi ndopotipa gwara. That is how macontradictions were settled in China. That`s how we were settling them also in our camps kunze kwenyika. Torega kurovana kwete. Zvondo hatidi. Violence hatidi.

Twuma party tumwe utu kana twoda kuita mademonstrations atwo nehasha, hongu dzedu hasha dzingamutswe zvadzo asika tinenge toti aiwa mapurisa ndeedu, wonai kuti twakandwa mumajeri tumbono ravirawo sadza romujeri.

Ko zvino ava vanoshumaira nechechi dzemazuvano dzemari idzi. Vanounganidza vanhu hongu nekuti mazwi anotapira, munobva manzi huyai kuno ndiko kuneruponeso. Vanhu voonzvoka vachienda ikoko. Vosiya chechi dzavanga vachizivana nadzo dzemazuva ose. Dzine mamission dzanga dzichivapa gwara rakanaka rorufundiso nedzidzo futi dzakavaka mamission akawanda sezvandataura.

Vamwe vomhanyira kuna idzo dzemazuva ano idzi kuti hande unonzwa zviri kutaurwa uku. Kuri kunzi ava vanokwanisa kuita mari, vanokwanisa kupa mazano emberi, kunyangwe usingashande ekuwana mari nawo. Vanokwanisa kukupa ruponeso pazvirwewe zvaunenge uinazvo, vanhu vowiridzana ikoko.Vepamusoro soro futi vakafunda, nema misisi angu mamwe anotoendawo ikoko. Ko nhamo imi wee kana yakuwira urwere kana wava narwo hauzoziva zvekuita. Kana vehakata ungatoende kunokandira hakata uchiti uwane upenyu.

Zvino ivavo chiona zvavarikuita. Varikuda kupinda, kupindira mune zvematongo enyika. Tinoda kuvaudza kuti kwete! Bible renyu mati mariverenga mukaripedza here nhai? Rinokupai nzira dzekutungamirira vanhu nadzo. Zveparty dai mambotisiirawo isu zvekuronga izvi takavamba nazvo kare. Zvino kana makupinda, makupindira muchibva mati ahhh party ngaiti zvakati, vanhu vatambura, vanhu havachaziva zvekuita ngavachibuda vachi protestor vaende muma streets Hurumende ngaichichinjwa. Kugozouya hurumende yakaita sei inopfura hurumende yakarwira nyika? Hurumende yakatipa ivhu redu, nyika yedu, hupfumi hwedu, rusununguko rwedu. Zanu-PF ngaichibva? Kwouya ipi? Izvo zvese zvinogumhina izvi.

Chatisingazode ndechekuda kukoka vanhu kuti vaite mademonstrations, haa no! And I want to warn them ana Mawarire ivava nevamwewo. I want to warn them very strongly. Zanu will not tolerate any nonsense, any nonsense that is done in the name of religion, so keep to your religious side and we will respect you. Once you begin to interfere with our politics you are courtinmg trouble, you are courting real trouble. We know how to deal with our enemies who have been trying all along to bring about regime change in the country. We have the means to defend and protect our hard-won freedom. That is crucial to us.

We have brought unity. Unity to the country and the people are united please don’t disunite our people Saka ndinoda kuvayambira and maembassies, the embassies, foreign embassies in the country that are interfering with our politics. Intervening, although they are doing it privately, clandestinely, I want to warn them to desist from it. The rules that govern them do not allow them to interfere with our politics, to try to subvert our system of government and to do things that amount to subverting the present Government and its authority. Please stop it. And I have the lady “Stop It” in here.

Aiwa magara kwenguva ndefu, ndoda kukutendai ndoda kukutendai kuti ini hongu zvinotaurwa, ava vangamhanye uko nekokoko vachiti ah, President ibva, ibva. I am created as President by the people, the people of Zimbabwe. I have always and always been, whether acting as President now as I am doing or yesterday in the party as secretary-general, as publicity secretary, I have always and always been a product either of my party earlier on, and later on of both my party and Government.

If the party, when the moment comes says we want change, sure we will have that change. If the party, and the party overrides Government, you know, our policies overrides the policies of government. In fact the policies of government derive from the policies of the party. Once the party says you rest, fine or if I ask the party that now I think the time has come for me to rest, I will tell the party that. But as long as the party still wants me to serve, and I still have the energy and still have the life and blessings of God, I will continue. So it’s the people, the people, the people all the time the people. The people’s right, the people’s authority over me and I am sure that it is also the position over all of us in the leadership of the party and in the leadership of the government.

We are people-oriented and when we say we are people oriented, we mean we are governed by the wishes of the people, by their interests. Once we cease to be so governed then we have gone astray. Hatisisina gwara kana tatsauka mugwara rezvido zvevanhu, tatsauka mugwara rekuitira vanhu tavakuda kuzviitira isu takutopanduka sevana ava vapanduka.

Tatenda, tatenda zvikurukuru. Journalists, tell those you are representing that Robert Mugabe is still here, well and strong. There before his headquarters. The headquarters of his party, that is where we decide all the policies as they become party policies and party programmes, then the next stage they become Government policies. Zvinenge zvabuda umu, and that is the door through which they come.

So this is me, and my people will have me for yet sometime, a long time, and those outside who don’t like me I say well that is your own concern. I say I don’t mind it, but please don’t interfere with us. We are a free people. We are a free people. We are a free people and keep out of our country.

I thank you. Pamberi neZanu- PF, pamberi neZanu-PF, pamberi nekubatana. Pamberi, nekubatana, pasi nevasingadi kubatana nevamwe. Ndatenda.

You Might Also Like

Comments

Take our Survey

We value your opinion! Take a moment to complete our survey