Full text of First Lady’s speech in Masvingo First Lady Amai Grace Mugabe addresses zanu-pf supporters at Mucheke Stadium in Masvingo
First Lady Amai Grace Mugabe addresses zanu-pf supporters at Mucheke Stadium, Masvingo, yesterday

First Lady Amai Grace Mugabe addresses zanu-pf supporters at Mucheke Stadium, Masvingo, yesterday

Pamberi ne One Party State. Pasi nevasingadi kushanda nevamwe. Pasi ne MDC. Pasi naMorgan Tsvangirai. Makadiniko zvenyu mose uko, vanaBaba nanaMai. Pamusoroi mambo. Mambo Charumbira vanova ndivo president ve Chief’s Council. Nemamwe madzimambo aripano. Tinokuremekedzai nekuti nyika idzi ndedzenyu. MaDzimbabwe ndeenyu. Pamusoroi chairman veprovince vaGwanetsa, aah tinototekama kutyoka rurimi tichiti gwanetsa, gwatonetsa.

Listen to the full speech below

Minister of State for Provincial Affairs vaBhasikiti, pamusoroi chairperson veWomen’s League kuno Mai Uyoyo. Pamusoroi Mai Muchinguri neexecutive yenyu yese veWomen’s League varipano nekuti ndikadoma mazitaka, tinoenda mangwana, but Mai Mahofa tinokuremekedzai nekuti muri munhu mukuru. Tinotora gwara kubva kwamuri nekuti mave munhu abve zera.

Na president of the Senate tinongoti tinokutendai nekuti kuta kwamaita.
Member dzese dzePolitburo dziri pano, member dzeCentral Committee. MaWar veterans edu, akaita kuti tikwanise kuti tive vanhu vakasununguka. Hatikanganwi basa ramakatiitira.
VeZilwaco vari pano, ma ex-restrictees, ma ex-detainees vari pano. Vana baba vese vana mai, nema ministers ese andaona akawanda vabva kune mamwe maprovinces. Ve Youth League yedu, ndaona vakasimba varipano, vadururukira pano paMasvingo. Tinokutendai ne support yamurikupa kudai.

Mai Muchinguri vanga vachirova bazooka ka, musoja. Bazooka zvekutoti ndirikutotya izvezvi kuti nhasi pano apaka apa pangangodonha mvura nekuti bazooka rarohwa rinenge richanosvika rikangovhura ma flood gates. Saka ndoda timbosununguka timbo kanganwa zve bazooka.

Kwakanga kunemumwe murume we chiChinese akauya kuno ku Zimbabwe. Ndokuroora mudzimai wake mu Zimbabwean, munhu mutema. Munongonzwa kuti kuChina kune zvinhu zvisina kusimba zvinouya kuzotengeswa muno. Asi dzimwe nguva munhu ndiye anosarudza zvino enderana nehomwe yake. Saka kune zvimwe zvakawanda ku China zvakatonaka, zvine quality yepamusorosoro chaiyo.

China ndiyo irikutogadzirira dzimwe nyika zvakatowanda saka its up to you iwe unenge wanotenga kuti unonotengei.
Saka uyu murume wechiChinese auya kuno mu Zimbabwe, akabva aroora. Vakabva vaita mwana wavo. Six months down the line mwana ndokufa. Aah mai vakatambura. Tete vakauyavo vemudzimai vakati ndaizviziva kani, ndaizviziva kani, ndaizviziva kani ini. Vachingo chema. Vakaita nguva six hours vachingochema. Ndaizviziva kani, ndaizviziva kani, ndaizviziva kani. Ko tete muri kuti ndaizvizivaka ini, zvii zvacho? Ndaizviziva kani, ndaizvizivaka ini, ndaizvizivaka ini. Aah ko hamutauri. Vaona tete vati dzikamei, vakabva vaenda pana tete. Ko maizviziva zvinyi tiudzei? Ndaizviziva kani kuti zvinhu zvechi Chinese hazvigari. Nevana zvese hameno zvenyu mukabariswa nemaChina hameno zvenyu.

Munoziva ukange wauya wakapfeka, ukauya wakapfeka, munoziva kuti Mwari, Mwari ndiye anotitungamirira pane zvose zvatinoita. Ukaona wakapfeka huwori ukasvika panzvimbo, musashamisike kuti sei vanhu vachive confused.

Kana munhu amira pamuri avakuti don’t be surprised, confusion inouya kana usiri pachokwadi, ndozvazvinoita izvozvo.
Takanga tiine maBishop, nemaArchbishop. VaMutendi vanga vaine band ravo randinoda nhamba yavareva ndinoifarira. Vangavaripo, vakazara but not neuwandu wamakaita, vaitoda kuuya vakawanda.

Saka fungai unobva waita seusingaoni kana kugona kutaura, nekuti takanamatirwa kuti Zimbabwe tinoda mutinamatire tive vanhu vane gwara, vanhu vari forthright.
Munosimbondiona ndichiuya nababa, sekutaurwa kwaitwa navaGwanetsa kuti tinosikuonai muchiuya nababa. Vana vaBhasikiti vakati munouya naBaba.
Mwana kana azvarwa haumbotange wamudzidzisa kuti, unless baba vasipo. Unotanga kumudzidzisa kuti ita baba, ita baba. Handiti. Womudzidzisa ita baba,kusvika zvadini? Zvaita. Kuti baba.

Makandiona ndichiuya ini, ndakagara zvangu ndiri kamusikana ndichinyara. Maiti ndaiiteyi? Maindidzidzisa imi kuti ita baba. Maindidzidzisa. Saka nhasi munogoshamisika sei kuti muri kundi chooser kuti ndikumirirei? Chinokushamisai chii?

Ndimi, ndimi makandiita ndive zvandiri. Mwana unongomuudza chete kuti, iti baba, asi zvimwe zvese kana kuti kuno dyiwa, unongoti idya, idya, anoti saka kudya kunonzi idya. Gara pasi kunonzi kugara pasi.
Mwana anenge achikopa. Ndaikopa kubva kwamuri. Ndimi makaita kuti zuva ranhasi rivepo.

Proverbs 16 verse 9 inotaura kuti izvo, in their hearts women plan their course, but the Lord establishes their steps. Kutaura kuti izvo isu tine urongwa hwedu sevanhu venyama, asi urongwa watinahwo hausihwo, kune vakuru vari kudenga. Saka hazvifaniri kumboshamisa kana zvichiitika nenzira iyi.

Ndakanga ndine urongwa hwanguvo, ndichingoti aah pane zvandinoda kuita, imi muchindirongera, asi kuona kwandiri kuita ini kuti urongwa hwamanga muinahwo huri kubva kuna Ishe vari kudenga.

Vakaimba vakati ”ndirikuona humambo wekudenga, ndiri kuona humambo hwekudenga. Ndiri kutouona humambo wekudenga…”
Ndanga ndakatarisa madzimai vachipfuura paine picture yangu neya President ndikati ah kudhara vaingova vababa chete vatova vanguwo, ah, inga umambo wekudenga ndiri kutouona pano. Zvinoshamisa zvinoita Mwari.

Kuno kuMasvingo muri kutaura izvo kuti zita rekuti Dzimbabwe rinobva kuno kuMasvingo. Zvino kana zita iri rinonzi Dzimbabwe richibva kuno kuMasvingo, zvinorevei?
Nyika yedu inyika yanga iri pasi peupambi kwenguva yakareba. Tisingambokwanisi kutombova ne freedom yokuita zvatinoda kuita munyika yedu yemadzitateguru. Ikarwirwa nyika iyoyi vanhu vakafa, vakakuvara.

In fact kumakuva ariko nema mass graves, ini ndino believer kuti madzimai nevana ndivo vakanyanya kuwanda ikoko, nekuti kwai targetwa anga ari macamps evanhu vanga vasingambogoni kuzvidzivirira. Vaivekowo madzimai. Vachitiza zvanga zvichiitika muno vamwe vachino trainer kuti isusu nyangwe tisina samba racho asi tinoda kunozvidzidza kuti tizviite, tisunungure nyika yedu.

Saka nyika yedu ino yeZimbabwe, inyika yekuti kana takatarisa, tino fanira kufunga takatsinzinya maziso kuti takabvepi. Tikangotsinzinya maziso tikaona kuti takabvepi, zvichatipa gwara iroro. Gwara ratinogara tichitaura muZanu-PF, kuti munhu kana ukange uchimira pane vanhu uchitaura chokwadi hapana chinokuremera.

Ndakange ndichitaura nezuro kuHarare. KuHarare nezuro kwakaitika chishamiso. Nezuro ndofunga kana majournalists haana kufara nekuti vakange vachitarisira ma fireworks kuHarare.

But kwakabuda ma fireworks aibva kuna Mwari, ekubatana. Zvino ino, ino, Masvingo, ndiko kwama tauraka isu hatichangoni kuzvitaura hanzi acknowledge this and that. Ndokwamuri kuno uku.

Saka Masvingo, ko zvatinonzwa zvii zvirikuitika. Ini pandauya ndanga ndichitotya nokuti ndanga ndanzwa kuti hanzi madzimai akati varume vese toda kuvabvarurira mabhurukwa.
Ndanga ndichitarisira kuona varume vasina kupfeka kuno. Ndozvandakangonzwawo. Kuti hanzi varume zvavari kuita vari kukanganisa zvechokwadi kunonzi kuno zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Handifunge kuti chinhu chinofadza. Ndofunga vamwe venyu kuno vakambodeedzwa vakatsiurwa, asi muri nhinhi. Muri nhinhi. Munoziva, chinonzi mutungamiri. Utungamiri hunobva kudenga kuna Ishe.

Ndinozviziva kuti even ipapa ndichinzi inini Mai Mugabe, tava kuda kuti mutitungamire. Kune vanhu yes vanenge vane ma preferred candidates avo, zvinobvumirwa handiti ndiyo freedom of expression iyoyo.

Zvinobvumirwa, asi kana une candidate yako unodirei kuenda nayo kuseri kwe door. Uya nayo uidisplaye apa. Zvatinoita vedu vanonzi vaMugabe. Tinovaisa pamberi masikati kuti uyu ndiye watiri kuda. Iwe kana uine preferred candidate yako uya nayo uiise pamberi apa, ugotiudza chayakakosha candidate yako.

Kana isu taona kuti inogona kupfuura watiri kuda, then tinoti hongu. Asi kuti uti convince ipapo ndofunga panonetsa. Handifunge kuti chinhu chakanaka kuti kuno kuMasvingo, one party state. Makaita upon upon nyangwe dai one iri kumwe asi mwana wenyu.

Takataura nenyaya yekuregererana. Saka iyi nyaya yekuti muri kuda kuti hanzi ngatirambe tichienderera mberi nenyaya ye factionalism. Ndiri kuona chiri chinhu chinoshoresa.
Muri vanhu vekuMasvingo vatinoremekedza. Inga baba vanoti kunana Hungwe nana sekuru vaera Gumbo, vose vanhu vari kuno vanoera Gumbo vachivaremekedza nekuti ndiwo mutupo wamai vangu.

Kozvino chaipa chii? Munovhiringidza madzimai. Madzimai aya saka muchizoona kana vamira havachaziva zvekutaura nekuti munovavhiringidza nemari.
Nekuti chinoitika ndechekuti, mumusangano wedu we Zanu-PF, isusu madzimai mukaita zvekutamba nesu isusu, we will take over isusu madzimai nekuti munofanira kuziva kuti 52 percent yepopulation yeZimbabwe madzimai.

Asi kazhinji, kazhinji ndinongoona varume vakangomira vakangoisa maoko muhomwe madzimai achifizuka achirwira musangano.
Saka varume vanotozviziva kuti ndikarega kutenga madzimai hapana changu.

Zvino ichasvika nguva yekuti mari iyoyo icharamba kushanda, yatosvika. Mari yechokwadi inenge yakanangana nemunhu wese. Ichizoita kuti munhu wese ave neugaro hwakanaka inopihwa pachena.

Inga tikaenda kubasa wani ukanoshanda unopiwa mubhadharo wako vamwe vakatarisa. Imi munodireyi kutibhadha tisina kuchaisa? Ngazvipere zve factionalism. Zvirikuitwa nevanhu vakuru kuru kuru vemuno, vakuru kuru kuru vemuno. Musakanganwe, musakanganwe kuti vanhu vanenge vachiona. Ndakati isusu tinenge tiri kure asi kure kwemeso nzeve dzinonzva.
Ndaona write up, handingaitaure pane vanhu because handidi kukunyadzisai. Handimboda kuti ndikunyadzisei. But iwewe ugere mu chair ndichitaura iye zvino chair ichipisa. Tarisa pa side pako uone kana nedikita rava kutoerera, nekuti tajaira kuita zvinhu zvisina musoro.

Baba Mugabe vakati uya pano ndinoda kukugeza. Varikuzviziva. Vakadeedzva vakagezwa. Wakadeedzva ukabvudzva ukanzi dzokera ukarega kubaiwa netsono woziva zvazviri kureva.
Nekuti kana waudzwa ukarega kuteerera. Waudzwa ukarega kuterera urikuziva chichatevera. Uzive kuti you are appointed, iwe wakapiwa chigaro. Waudzwa iwe kuti wapiwa chigaro haikona ku abuser chigaro ichocho.

To be continued…

You Might Also Like

Comments

Take our Survey

We value your opinion! Take a moment to complete our survey