A life dedicated to the struggle President Mugabe addresses mourners at the burial of Cde Don Muvuti at the National Heroes Acre yesterday
President Mugabe addresses mourners at the burial of Cde Don Muvuti at the National Heroes Acre yesterday

President Mugabe addresses mourners at the burial of Cde Don Muvuti at the National Heroes Acre yesterday

This is the address by President Mugabe at the burial of National Hero Cde Don Kwaedza Muvuti at the National Heroes Acre in Harare yesterday.

The bereaved Muvuti family, vana mai nana baba vekwaMuvuti, vanakomana, vanasikana. Ndakamirira musangano wedu weZanu-PF, ndakamirirawo Hurumende, pachanguwo nemhuri yangu, ndinoda kuti kwamuri zuva ranhasi tine hurombo zvikuru-kuru nekurasikirwa kwamaitwa, kwataitwa nemumwe wedu, gamba redu Don Muvuti.

Tanzwa hurukuro yatipawo zvimwe zvatanga tisingazive yabva kumwana. Tinoitenda. Honourable Vice President Cde Emmerson Mnangagwa, Honourable Vice President Phelekezela Mphoko, Chief Justice Honourable Luke Malaba, President of the Senate Mai Edna Madzongwe, Speaker of the House of Assembly Advocate Jacob Mudenda, the Honourable Minister of State for Harare Metropolitan Province Cde Mirriam Chikukwa, other ministers here present, members of the Politburo.

Vanababa nanamai, tose taungana pano, taunganidzwa norufu rwemumwe wedu Don Muvuti. Vazhinji vanga vasingamuzive asi isu tanga tichimuziva, kumuzivurura semumwe wedu anga achishanda nesu, anga asingavhaire, anga asina zviedzo zvine vamwe. Kwangu uku ndinobva kwakati ndiko kwangu, ndivo vanhu vangu. Vamwe hongu, vangave nhengo dzeparty asi havasi vanhu vekwangu.

Wanga asina izvozvo Don Muvuti. Waigara paHeadquarters paye musoro wakatarira pasi ruoko rwakabata penzura, ari kunyora, ari kunyora, ari kunyora. Tinoda kuti zvose zvinyorwa zvake izvozvo kuInformation kana kune mamwe madepartments eparty zviunganidzwe, tizviise kulibrary yedu, kuna Chitepo zvigova zvimwe zvinosungirwa kuverengwa nezvizvarwa zvedu.

Wanga asingakumbire, handina kudya kumba, ndarara nenzara, handina chekufambisa ndipei mota. Aah, handina kumbonzwa Don Muvuti achidaro. Isu taiona kuti ah, mumwe wedu arwara, warwarisisa ngatimutumirei kuIndia kunova ndiko kwaakafunda zvikurukuru akawana madegree emberi anga achitaurwa apa Bachelors neMasters in Economics. Hondo yedu haina kungovamba iri muno vanhu vachironga vari muno. Aiwa. Haasiriwo mavambiro ayakaita kudivi redu rekurwisa varungu, struggle yedu.

Taive nevamwe vakanga vatama vachibva kuno vachinogara kuZambia vaisevenza nemakambani akanga aine maHeadquarters kunana Zambia. Vanhu vacho vamwe vaisevenzera makambani iwaya vaigara munaLusaka vamwe kuCopper Belt, vamwe vaivewo nemabasa avaiita vamwe vaitove vanotengesa. Ko nyaya yedu yekutengesazve ukangowana mukana yekuda kutengesa, ukangowana mukana unoda kutengesa twako kuZambia vaivako vakadaro.

Kuno kwabva dama, takanga tava muNational Democratic Party yavamba musiwa January 1, yakavambwa nana Nkala nana Morton Malianga nevamwe musiwa January 1, 1960. Vakazotsvaka rubatsiro kuZambia kukava nevaitungamirira musangano ikoko. Isuwo tambokumbirwa navaNyerere kuti dai mambotipawo gweta renyu ,ndiro rataingove naro rimwe chete raitibatsira vaChitepo riuye rimboshandawo kuJudicial Establishment yedu Tanzania.

Hatina kana mumwechete zvake kunze kwemunyowani achangouya kubva kufundo yokuti ave lawyer ndiye watinoda kuti apote achitungamirwa navaChitepo kuvaprosecutor tanga tichingova nevarungu chete, kana vachitepo vanga vasati vambova prosecutor asi vanga vachiziva basa racho kuti rinoitwa sei, ah takati nhai vakomana saka toita sei ndovatanga tichisimba navo kumhosva dzedu kana dzaparwa kumusangano weNational Democratic Party kwatiri kudaro.

Ah, takumbirwa, hatingarambe. Tabva tati, aah, VaChitepo endai. We wish you well. Saka ndivo vakazosimudza judicial process prosecution side yekuTanzania vachishanda nemunyowani uyu ndakanganwa zita rake wekuTanzania. Zvino, atove mazuva, takati, aah, wagara ave mazuva, aive nenjere yekupota achituma mudzimai Amai Chitepo vachiverevedza kubva muTanzania kuya vopinda muno munyika. Hezvo, voverevedza kuuya kuGokwe, kuSikombela kwatakange takavharirwa netsamba nenhauro yaibva kuna Chitepo achitiudza kuti akadii.

Vakauya kechiposhi takati zvakanaka tinovimba kuti arikuita basa zvakanaka. Kechipiri isu takange takasungwawo, takawanda nevatungamiriri vana Mudenda, vanaMahwema vana Nkala navana Malianga, taikwanisa kuita musangano wedu, takauita.

Vauya rwechipiri, takange tambosangana zvino takati, aah, tine vamwe vedu vakawanda vakange vabuda kunze kunana Zambia, vana Simpson Mutambanengwe, vanaMukono, vanaChikore, vanaShamuyarira, aah vakawanda varikunze. Tingade kuti vabatane vauye pamwe chete vogoita Dare reChimurenga. Ndookwarakabva. Mai Chitepo ndokuenda, takati tinoda kuti ritungamirirwe naVaChitepo. VaChitepo ngavachisiya basa kuTanzania kwavaive, ndofunga vakakwanisa kuita zvainzi vaite naVaNyerere.

Aah, mazuva awanda, takudawo kuti vachitishandira, vaite dare reChimurenga rinobatanidza vatungamiri vose vanganzi inhengo dzeCentral Committee nevanga vari pamusoro pacho, vogovamba hondo yeChimurenga, vovamba struggle variko. Mai Chitepo vakatora gwaro riye vakaenda naro VaChitepo vakadaira. Vakaunganidza hongu macomrades edu vose vamwe vakange vave varikoko kunana vaTongogara vanaKadungure nevamwe, ndopakavamba Dare reChimurenga, rakazonovamba hondo kunze kwenyika.

Asi murikuona kuti izvi zvaiitirwa kuZambia, ndiko kwatakanga tichikwanisa kuzviitira nokuti kuZambia yaive yana unip. Vambobva kuAfrica congress pamwe chete naKhumbula yavaitungamirira pamwechete navaK.K Kaunda naKhumbula, vakambosiyana ndokuchiita unip, asi tainzwanana navo kuti tiri National Democratic Party takati mozemberana neUNIP mopota muchipiwa nzvimbo yekuti muronge maZimbabweans vari ikoko kuvaisa pamwechete, ndokwakaenda hama yedu yatiri kuradzika nhasi VaDon Muvuti.

Zvandiri kutaura izvi OAU yakange isati yavapo, yakazovapo muna 1963, kuEthiopia kwaitwave musangano, vanhu veAfrica maleaders eAfrica asangana ikoko vakasiyana siyana vamwe vaitongwa nemaFrench vamwe nemaPortuguese sevana Mozambique vanaAngola. Vamwe vaitongwa nemaBritish, vamwe vaitongwa nemaFrench, asi vanhu vatema vakange vazvipira kuti vabatane, ndokubatana kwavakazoita.

Dare reChimurenga rakatenge raitwa kare, kushanda kwavaiita uku kuTanzania ndipo pavakanzi ndimi moona kuti misangano iyi yose yekurwira rusununguko nyika nenyika inowana rubatsiro here, ndipo pakabva paitwa liberation committee yeOAU kumusangano wakaitwa kuEthiopia 1963.

Tanzania yakabva yanzi ndimi mova headquarters yemapato ese iwayo, movatsvagirawo nzvimbo and ichokwadi ndopakazonzi ah, zvose zvatanzi tipiwe nzvimbo kuTanzania tochitama kubva kunanaZambia toenda kuTanzania tose tasangana ikoko with Mozambique, Angola vana Golden Roberto vekuGuinea Bissau, Cape Verde aah, tazowanda, ndopakabuda mbiri yeTanzaniawo ipapo, asi vana Ghana vakambenge vachidana musangano OAU isati yaitwa tichimboendawo kuGhana kunosangana navanaNkurumah, Nkurumah achiti nguva yasvika yekuti tibatane, vese vanaNkuruma maleaders aya ndivo vakazovamba OAU in 1963 .

Ehh, uku ndokwatakazonosangana toumba zvakanaka bato redu rokurwira rusunguko, ndokwazouya vana Muvuti nevamwe tichishanda navo, vamwe vechidiki vataiti ava ndeve hondo vakange vatovamba kare vachiri kuZambia vananaTongongara, vananaKadungure, vananaMeya Urimbo nevamwe ndovatakati ndeve divi rekurwa kurwisa mabhunu ndofanirwa kudeveloper now the armed struggle.

Apa ndirikutaura ndatodadzurana neZapu tabva muZapu, but veZapu vaita zvimwechetezvo asi ava vakanyanyogara kuZambia kunana Freedom Camp kune dzimwe nzvimbo ndokwatakaita macamp avo akawanda. Isu macamp edu takazomaitira kuTanzania anaDorove, naChimoyo, kuTanzania kwese ikoko ndikoko kwatakati tinoda vamwe vezvinyora vakafunda saDon Muvuti, toda vamwe vatinoti ava macomarades, mawar veterans.

Ndokurwiwa kwakaitwa hondo yedu yeChimurenga. Ndopota ndichikupai zvimwe zvamunenge musina kunzwa kana musingazive kuti muvene nhorondo yekwatakabva. Zvanga zvakaoma zvinhu, tisina kwokuti chaikoko kwatinga wane rubatsiro rwatino zembera narwo ndorupi, hama kunana Lusaka kana vaisevedza kuLonrho kana kuCopperbelt kana vave netumabusiness twavo ndovaipa rubatsiro rokuti vanhu vedu, vanhu vedu vakabatsirika zvikuru. Torega kuzvikanganwa. Ndiko kwataipiwa sadza vanaMuvuti ndovaipa rwekutanga kuti vanhu vedu, ndidzo dzaive hama dzedu kudakara nguva yeyainge yasvika yekuti maliberation committees ngagare kuTanzania ndopatakaita husahwira nenyika dzakawanda anaChina, naRussia nanaSoviet Union nanaYugoslavia, Romania, Hungary and so on.

Vana Cuba dzadzatova shamwari, saka apo rubatsiro rwanga rwawanda zvino rokupiwa mari yekupota muchitenga zvekudya nembatya, zvombo zvekuti muchirwisa zvino vavengi izvo zvakazovamba chaizvoizvo mungwara rakanaka kumaparty ose tavakuTanzinia ndipo patakanyanya kushanda pamwetese navanaMuvuti. Saka hondo yedu haina kurwiwa nemunhu mumwe chete.

Uyu watiri kuviga pano, kunyanya ave munyori, zvokuti munhu wangasiya kumusha mudzimai nevana hongu vaivepo, wangovimbawo kuti hama vakoma nevanin’ina vandakasiya aiwa vachavachengeta. Usiri pabasaka rinokupa mari yekutumira kumusha, aiwa hapana kana cent rataitumira kumusha kana, taingoti vanozvionera ikoko vanorima vachizvionera vachiwana chekudya.

Zvaivaremera madzimai nemhuri kunyanya, vanamai zvaivaremera kuti vana vakaenda kunze tichavaona vachadzoka? Tikavaona zvechokwadi saka moyo yanamai chido chavo ndochakaramba chichivarwadza asi vakazofara vazhinji tadzoka tiri vazhinjiwo, asi vamwe vedu vakange vadanwa naiye musiki vachinzi imi munosara hamuchadzokera kunyika yamakavamba kurwira ndostruggleka zvayakanga yakaita.

Tingatye kuti takarasikirwa vamwe vanoti takarasikirwa nevakawanda kune dzimwe dzimba two brothers like what we heard mwana achitaura pano kuti munin’ina waDon aive doctor and we knew him kuti aishanda akabatsira zvikuru-kuru taive naye asi hatina kudzoka naye kwakarwiwa kukafiwa, kwakarwiwa tikava nemisangano yakawanda ndichayeuka takaenda ku Lancaster 1979, tikawirirana neconservative government yamaiThatcher ndivo vaitungamirira ndovaive Prime Minister mazuva acho kuti tichawana independence yedu, tichawana ivhu redu nerusununguko rwakakwana. Takuronga kudzoka tochiti ngatichiudzanai nokuti vakomana vepfuti vangangoramba vachidzidandaura asi hondo tichiti yapera.

Iwe Tongogara chienda unodana vose makurukota vana Mujuru nemacommanders ese tanga tinewe kuLancaster. Hondo yepfuti yapera, unovaudza kuti haihwa hondo yapera ngatichigadzirirai kuenda kumusha, asi hatina kusvika naye kumusha. Achienda kuChimoio kubva kuMaputo kwatakanga tiri. Chauya chauya. Ndokufa mota zvatakaudzwa izvozvi zviye. Ah, uyu mumwe waenda zvechokwadi, ehe waenda zvechokwadi.

Ndoyeuka zvaakanga andiudza tichangopedza musangano kuLancaster zvikanzi ah, nyika taiwana tinofara tikati ahya todzokera kumusha zvino zvikanzi ahaya asi President hatisi tose tichanosvika kumusha zvikanzi vamwe vachasara. Ah, handina kubvunza kuti urikurevei, asi ndakazoziva zvino ndanzwa kuti ashaya ndikati ko chii chaimuudza kudaro kuti vamwe vachasara tichavasiya hatisi tose tichazosvika kumusha ndomatauriro aakaita. Saka hatisi tose takazosvika, iye nevamwe vakasara.

Tinovarumbidza, takatakura mitumbi yaanaChitepo, maskeletons avo kuti tiavige kuno nemitumbi yavo ivekuno tive nekugutsikana kuti tinavo kuno kumusha kunyika yavakarwira. Don futi takadzoka naye tikashanda naye, urwu rwaverufu rwehurwere haana kuzenge aita zvakanaka mazuva ekupedzisira aingogara achirwara rwara. Takaedza nepatinogona asi mwari akanga atara kuti hupenyu hwake hwakupera.

Hongu takazonzwa kuti arwarisa takazonzwa kuti haasisiko zvino kana zvadai tinochema hongu kusvimha nemhuri yake ndozvatinoita magamba edu tine tinemi pamoyo tinemi pamoyo, tinemi mupfungwa nekuti ndozvatoitika izvi asi tinoguma toti musiki wedu ndozvaada.

Kuti tichiviga mumwe wedu isu ndisu tozoti tomuviga sei tichiona mashandiro atakaitawo naye vamwe tinoti vanopihwa hukuru maHeroes vanovigwa kumaprovince vepamusoro tinenge tichiti tinovaviga panapa dzinenge dziri shungu dzedu dzekuti maheroes edu nevari kumaprovince vave pamwechete havangakwane. Saka tinokamura toti ah maprovince movigawo vamwe asi vepamusorosoro ndovatinotora toisawo pano, ndozvatakaita vaDon Muvuti takagara pasi tikati aiwa vane kodzero nekushinga kwavakanga vakaita nebasa ravaiita from day-to-day you didn’t tell him to get up and go to work aiwa vaiziva basa ravo.

Vakanga vainechirwere chekuda basa zuva nezuva haumbomubvunza kuti arikuitei arikunyora chete arikunyora chete .Saka vemhuri vaiva nemufaro iwoyo kuti ah vaDon Muvuti vakasarudzwa kuva pano izuva hongu ratinochemesesa kuti tinovasiya pano asi tichifarisisawo kuti mukuvasiya pano tikuvasiya pamufaro vose nevamwe varipano kuti vakapiwa hukuru nenyika .

Tinotenda veZAOGA nemazwi amatipa tinotendawo vaimbi vatiimbira dzimbo dzinopindawo mumoyo medu. Baba vedu varikudenga, our Father who art in heaven in English and in song. Our Father who art in heaven. Ehe, ndoovasiki vedu. Zuva rakaita sera nhasi tose tofanira kuriyeuka kuti hatina kuzvikanda pano pasi. Hapana vanhu vangati isu takangobudawo muvhu sezvinoita makurwe zviya. Aiwa, takabva mupfungwa yevari kumusorosoro. Tinoyeuka izvozvo. Kazhinji tinogara tisingayeuke asi tinoyeutswa. Vanoenda kusvondo, vafundisi vanovayeudza vave vafundisi vakanaka, vanoda Mwari. Kwete vanoshandisa zvekwamwari kuti vapfume kurozva vanhu ndirikunzwa kuti kunotoita kunedzimwe church kunonzi madrum anozara ini ah ndinoti ko anozara sei vanhu vedu vanongochema vanongoti hatina mari hatina mari.

Asi pastor akauya achiti mose muripano zuva ramwari richasvika hapana anozonzi murombo mose muchava mupfumi nemupfumi mupfumi nemupfumi imi motendera izvozvo murikunyeperwa tanga wazvipfumisa iwe kwete kuuya nebhagidhi kuti rizadzwe inga takadzidza.Zvino aah aah mufunge tava vanhu vane njere, vanhu vanokwanisawo kuverenga bhaibheri nepedu toga. Nyanzvi dzefundo asi dzinonozadza bhagidhi iroro.

Vamwe varikuenda zvino vachida kunzwa kuti vanongoramba vakadaro here kana vachapfuurira kuenda kumusoro. Maelections arikuuya aya aah mapastor anogarawo akagadzirirazve, hameno kuti mabhaghidhi aya vanofana vatenga here. Votoenda ikoko, ndicho chii ndiudzei munhu waMwari, son of God ndiudze. Iye anokuudza kuti, aah, iwe mangwana iwe ndiwe, uchava Vice President.

President kana vaenda zviri pauri iwe ndiri kuzviona, ndiwe ndiwe ucha ooh ooh. Wogozvaira kuti uchatora nhaka, uchatora nhaka ye Zanu PF yehukuru oooh tiri vanhu vane pfungwa dzakadini nhai nhai fundo yedu irikutipa chii.

Mumwe anobva ati aah iwe iwe unoda kuzvinzwa saani ndinokukoromora ikokumusoro kwauri uko hakupere svondo usina kudonha iwe wogogwasha zvino kuti maiwe ndakufa. Ndakufa ndoenda ku..mamaiwe.

Yaa izvo izvo zvinoregererwa toti zvandisingaregereri munhukubata kamwana kadiki kane mwedzi mitatu, gore rimwe chete wokarepa woita sex nakokuti upihwe hanzi zvinopa maluck, kupa hupfumi aah vanhu vakomana. Vakadaro ndivo vanoda kufira mujeri hongu.

Kozoti zvino nyaya yekuurayana, svondo nesvondo tongoti kusvika paMonday takutodembakuti ndopatinoudzwa zvino navachihuri vachibva kuhome affairs. Vanotiudza zvose zvinenge zvakaitika musvondo rapfuura iroro aaaah ‘mai vakabaiwa baba vabva mukunwa pakaona mudzimai mvura ichifashaira pamoto paakange akubika sadza. Zvikanzi ko sadza ranguzvikanzi ndorandakubika iri zvikanzi wanga usina kubika nguva yese iya iyi . hauna kubika sadza. Mhesvi yatorwa pamusana pamai vobva vafa. kufira sadza?kwete,kwete kwete kwete.

PaMusamhi kune nzvimbo dzinonzi dzakakosha dzaMwari. They are Catholics, kunonamatwa kune madzimai akazvipira kutihatiroorwe tinova masisters manun, sekunana Dominican Convent kuya. Zvinokuna nun vakange vachienda kunonamatapane imwe nzvimbo yakakosha ndokukaririrwa ipaponemumhu anotozivikanwa kut iuyu ndewemunzvimbo iyoyo. Nun akapfeka hanzu dziye idzi dzechisister womushaya woti komumwe wedu uya akaenda kunonamata ngatimutsvage. Wotsvagwa mazuva maviri wakamushaya. Ngatirambei tichitsvagisisa angagova akaenda kupi. Munhu waMwari, munhu sister ndokuzoona aaah, munhu akatodarika ari mudhamu, akabatwa, akadzipwa,akaitwa rape, akauraiwa ndokubva akandwa mumvura. Vakomana zvichiitika munyika yedu yatinoti nyika yerusununguko.

Ndozvakarwirwa nanaDon, ndizvatakarwira izvozvo, aah, kwete saka pfungwa dzinoramba dzichiuya dzichiti patakatora isu tsamba kubva kuvarungu takabva tamisa kuti nyaya yekuti hongu munhu akauraya mumwe yemurder, munhu asungirwa for murder munhu auraiwe. Tirikukumbirwa nedzimwe nyika nyika kutidai mamboongorora kuti zvakanaka here kuti titi uyu afa touraya mumwe wechipiri vanobva vava vaviri. Tinoda humanitarianism kuti tive nepfungwa yekuregererana aah tichiona kuti aah kuzviisa mumwoyo murimimaurairwa hamamoti uyu uyu aahakakanganisa zvake asi ndaaregererwe zvinenge zvichirema asi tanga tichimboramba takadaro tichiitira tichiziva kuti tine pfungwa dzakasiyana siyana even muCabinet medu tiri vatatu. Ini ndaiti aah, ngauraiwe, VaMnangagwa vanoti ngatiitei tsitsi, VaMphoko aah, handisati ndanzwa pfungwa dzavo panyaya iyi.

Saka aah, ndafunga kuti kwete let’s restore the death penalty. Vanhu chionai varikutamba nerufu kuuraya vamwe. Ko ndozvatakarwirwa. Tiri kuviga Don nhasi apa, ndozvatakatambudzira here vakomana mumasango. Takati nyika iuye nyika yemufaro nyika yekugarisana, kwete nyika yekuurayana.

Saka ipapo mukazonzwa zvokuti munhu akuuraiwa zvino akauraya vamwe moziva kuti pfungwa dzavaMugabe dzakabva dzazoguka zvino vakanga vakamira parobot iri green zvino robot yaared. Hatidi, hatidi, hatidi, hatidi, hatidi kuramba tichinzwa izvozvo asi ipai rudzidzo kuvana vedu vechidiki ava varikukura. Zvino murume mukuru angapihwe rudzidzo rwekuita sei.

Aiwa tinotenda nekuuya kwamaita zvinopa rufaro kumhuri yavaDon asi titikuteverawo tsika yavakatisiira. Tive vanhu vanodanana munyika, vanowirirana kwete vanoda kugara vachirwa. Avo vanoti isusu aaah tiri pedu toga. Zvinotaurwa naVaMugabe hazvina nhingi izvi, hazvina musoro. Vamwe vakutoti kuno uku hakusi kwavaMugabe.ko VaMugabe havana kumboti uku ndokwangu uku hakusi kwangu ndinoti nyika ndeyedu tose saka vakomana ivavo vanoda kudzorwa pfungwa dzavo dzakaenda mudondo. Aiwa ngatinamatei ngativei nepfungwa yekuti runako rwatinoda munyika, kunzwanana kwatinoda munyika rwupfuuridze kumamana ose ose zvavo. Hapana mana rinofanirwa kushorwa. Hapana rudzi runosungirwa kushorwa muno munyika pahutema hwedu. Ava vatakabvutira nyika ivhu redu vaive vakanganisa vane ravo kumisha kwavo saka hatimboita apologise to anyone.

Aiwa ndoda kukutendai tive nepfungwa dzakanaka nemoyo yakanaka. Independence is our achievement together. The freedom is therefore, ours together.

Pamberi nekubatana! Pamberi nekubatana! Pasi nevasingade kubatana nevamwe!

Ndatenda.

You Might Also Like

Comments

Take our Survey

We value your opinion! Take a moment to complete our survey