Time for euphemisms is over, names coming First lady Dr Amai Grace Mugabe . . . Zanu-PF Central Committee resolved to recall her accusing her of promoting hate speech.

Ndozvandisimudza izvozvo kuti ndoda kutoenda kuvanhu nditsvage chekunopa vanhu nekuti vanhu vari kutambura. Handingagare pasi ndichitya kuti vanhu vanoti ndoda kuita President.

Ndogoda kuita President ini ndichitonzi Mai President? Handigare! Handigare!

Basa rangu ini samai ndere kuuya kuvanhu kuzovataurira even tisina zvekuvapa kuti vaite maprojects. Zvakangonakawo kuti munhu auye kuzokutaurirai kuti tatadza nekuti hatina chatiinacho.

Kwouya bandiko rimwe remasocial services. Munozviziva kuti nguva patakatora Independence, Zimbabwe kwanga kusina zvikoro. Asi, Hurumende yedu yakativakira zvikoro.

Vana vedu vaakukwanisa kudzidza. Zimbabwe iye zvino panyaya yefundo tiri pamusoro-soro. Hapana anoti pwe-e. Vanhu vamwe vaitoti Mugabe anopenga. Angade kueducator munhu wese? Asi zvanga zvakanaka.

But imimi madzimai ndoda kukuremekedzai. Imi ndimi maikuya dovi, kukanga nzungu kuti vana vaende kuchikoro. Honai patave nhasi? Madzimai ndino kuremekedzai.

Ngatirambei takangoshinga. Iro bandiko remasocial services, mahospitals kwanga kusina. Zvikoro chaizvo kana zveprimary izvo zvaive zvishoma, nekuti vaRungu vaida kuti vazhinji vasawane fundo. Kuwana fundo kwataita iye zvino ndokunoita kuti tikoshese ivhu redu nekuti taakunyatsonzwisisa kuti ivhu iri, it’s a resource isingaite increase or grow. Hatingati pano apa Mwari itai mashiripiti kuti Zimbabwe iyi, pano patigere kana patigere pano apa pakure, hazvichaitiki. Nekuti Mwari ndiyo nyika yaakagadzira yakadaro.

Population ichiwandawo, population density inoenda ichidzika. Saka ivhu iri. Ndofanira kupabata futi apa. Kana vanhu venyika vachiwanda, vanaMai vachiramba vachibara vana.Nyika yedu iyi, magariro atinoita, neinonzi population density pachirungu. Density zvinoreva kuti panenge pavakugara vanhu panenge pachiita padiki padiki.

Zvino iwewe nhasi ukanzi munda uripo tora woramba kuutora? Mwana wako achazvarawoka vazukuru vachiwanda. Vachauya vachikubvunza kana nepaguva chaipo sevacharipaza kuti makange muripiko vamwe vachitora minda? Nokuti minda iyi haisi kuzokura. Saka chengetedzai minda.

Zvakaitwa neHurumende izvozvo kukuprotectai, nekuti vamwe vakange vakutotengesa minda kuvaRungu nekuti vaRungu vacho vanoziva kuti ivhu riri important sei.

Kwavo ivhu hakuchisina. Mapopulation avo akakura. Saka maakungoona nyika zhinji kwakungovakwa maflats. Saka ngatikoshesei ivhu. Pawakapiwa pabatisise ipapo. Haikona kumboita let go.

Ndinoramba ndichirangarira zvakataurwa namambo Mangwende vakati, ‘kana zvasvika panyaya yevhu, munhu akada ndokutorera, zvakafanana nekuti ndanzwa nenzara munhu anoda kunditiorera chandiri kutsenga mukanwa chokwadi ndinomutsenga-tsenga ruoko rwake.’

Saka masocial services andange ndichitaura iwayo. Akakosha nekuti zvinhu zvatinoshandisa tese pamwechete, zvikoro, mahosipitari, matinofamba mumigwagwa, zvese zvinhu zvinofanira kugadziriswa.

Hurumende yakaona kuti zvinhu izvi zvaakuenda zvichisakara nekuti hatichawani mari dzinopiwa dzimwe nyika kubva kunana IMF, nekumwe kunobatsirwa dzimwe nyika, asi Hurumende yedu inoziva kwekuenda. KumaChina uko.

Baba vakaenda kumaChinese. Iye zvino tichazoona maroad edu akugadzirwa, kana kuvakirwa Parliament. Parliament yedu ndiyo inoenda maParliamentarian edu vachinotaura zvido zvedu zvatinenge tavapira.

Asiwo, maParliamentarians watch out! You are not going to work, what’s wrong? What’s going on? Takaudzwa kuti hamusi kuenda kuParliament. Munhu wese anonzi Parliamentarian pano ngaaende kubasa.

Takakuvhoterai kuti munotimirira munotaura zvido zvedu, saka please endai kubasa because kwakapiwa chichemo chekuti hamusi kuenda.

Vamwe vanongosvika vongonzi vaonekwe one hour vobuda voenda. Hazvina kunaka nekuti vanhu vari kutarisira kuti muchange muchidzoka kwavari muchivataurira kuti kuri kunzi kudii? Zvino kana usiko, woda kuzongobvunza vamwe kuti kwange kuchinzi kudii? Anenge ariko, ukabvunzwa usamutaurire, nekuti anenge asiko. Nokuti unofanira kuenda ikoko kunoita basa.

Bandiko rechitatu rinotaura neaya atinoti mautilities. Mautilities aya zvakafanana nemvura yekunwa, magetsi atinoshandisa. Panyaya yemagetsi atinoshandisa, Hurumende yedu zvekare yakataura nemaChinese. MaChinese vakatipa mari kuti kuwedzerwe magetsi nekuti akakosha.

Haatikoshere bedzi pakushandisa mumba medu. Magetsi akakosha pakuti even macompany ane mafactory edu vakanga vasina magetsi havakwanisi kuproducer zvinhu zvakawanda.

Seni, pedu paAlpha Omega pamunoziva paMazowe apa, kana ndisina magetsi handikwanisi kuti ndiite mukaka uya ndiuite add value. Ndichasvika ipapo.

Saka tinoda magetsi, pamautilities iwaya. Magetsi akanyanya kukosha, nemvura zvakanyanya kukosha, nekuti kana pasina mvura hapana hupenyu.

Asi, isusu also zvatinofanira kuita, ndiri ipapo, nekuti vanhu tine problem yekuti izvo nekuti kumamisha kwakadai, vanhu vamwe vazhinji hatina magetsi.

Tiri kuita basa rekutema miti. Kana tichitema miti ngatidyarei, patinotema one ngatidyarei 20.

Nekuti zvauri kuita iwewe, muri kuona kupisa zvakuri kuita, kwaakupisa zvokupisa zviya.

Dzimwe nguva tisu tiri kuzvikonzeresa.

Miti iyi zvamunoona yakadai, izvozvi patigere pano handiti tiri kusweater? Miti iyi inoenda process inonzi transpiration, yekusweater.

Kana yasweater miti iyi pamwechete nema-dam, ma-dam i-evaporation, mvura ichienda mudenga.

Hakuna mvura inonaya pasina imwe. Saka ngatiregerei kutema miti nekuti miti iyi inobatsira also kunogadzira makore anonayisa mvura.

That’s why muchiona kuti kumadesert, nyika dziri kumadesert, gore rese hakuna kunonaya mvura nekuti hakuna ma-dam. Hakuna miti inonogadzira makore kuti aite mvura.

Saka imimi musateme miti. Nyaya yekurima fodya – toziva kuti vanhu vanoda kurima fodya, asi musateme miti nokuti tiri kuzvikanganisira.

Iye zvino mvura haichanaya nezvimwewo zvakawanda zveglobal warming zviri kuitika, and zviri kuitikawo also nekuti maindustrialised nations vane maeconomies ari pamberi apo vakabudirira vanoshandisa zvimwe zvinhu zvinoti maindustry avo awandisa.

Saka, tsvina dzese dzava kungoenda mudenga dzichinonyungudisa ice inonzi ozone layer ichingonyungudika. Saka zvaakukonzeresa kuti kunotonhora-tonhora kuye kuye, hakuchisina chando chakakwana, saka iko zvino nyika dzaakungopisa. Iye zvino muri kuona matemperature edu muno akwira zvaanga asingamboite!

Saka, zvimwe zvinhu tisu tiri kuzvikonzeresa. Mazvinzwa izvozvo musanyanye kutema miti. Ngatirimei, asi ngatisateme miti. Patinotema miti ngatidyarei imwe inokurumidza kukura. Kana tiri vefodya tinzwisise ipapo.

Nekuti vamwe dzimwe nguva kukauya vanhu vachiti ngatiregerei, veForestry vachiti ngatiregei kutema miti munenge musingazvinzwisise.

Asi ndinoziva kuti vanokutaurirai kuti sei.

Tinoenda pabandiko rechina revalue addition. Value addition inotaura izvo, madzimai zvamunoita zviya zvekuti kana marima nzungu dzenyu mokanga moita dovi. Inotonzi value addition, matorima nzungu dzenyu makanga. Tinorima chibage toita hupfu, ivalue addition.

Saka Hurumende yedu iri kuti zvinhu zvizhinji ngatichiita value addition.

Ndakaenda ini, imwe time kuIndonesia ndichinoona zvinoita madzimai, mango dzatinorima chaidzo mumusha idzi, mango idzi tinogona kudziomesa.

Ndiri kutotsvaga equipment yekuti ndigoshanda nemadzimai kuti tiomese mango idzodzi tigodzitengesa, dzigodyiwa dzaoma nekuti hadzikwanisi kuchengetedzwa dziri fresh. Dzinoshata.

Huku chaidzo, huku idzi dzatinoti maroad runners, ihuku dzakanaka chaizvo, huku dzemberi, dzisiri maGMO.

Hapana asisazive maGMO, nokuti zvakaita nyika dzakaita ana America vanoraiser mombe. Mombe! Mombe chaiyo inogona kudyiwa two months yatokura. Mombe yakadaro iyoyo, nyama iyoyo inenge isisachanake.

And also, ndozvinozoitisa kuti vanhu vadye zvinhu izvozvo nekuti iwayo tunhu twavanenge vachishandisa kuti mombe izokura, vanhu vakadya, pamwe zvinozoaffectawo vanhu.

Saka vanhu unoona vanhu vaakuita miviri yakakurisa imi. Munhu achingodya zvishoma shoma, avakukuriswa nezvinhu zviya zvamuri kunzi maGMO. Musatenge idzo huku dzamunongotenga idzodzo dzinobva kunze.

Tengai, but zvichakupandukirai. Zviri nani udye zvako muriwo, zviri nani chokwadi udye zvako nemuriwo nekuti muriwo wedu wakanaka. Value addition yekuomesa muriwo, madzimai zvakawanda zvatinokwanisa kuita tigotengesera dzimwe nyika.

Beneficiation iri ipapo pavalue addition ipapo zviri pamwe chete. Ndeyekuti maminerals edu, Hurumende iri kuti hatichada kuti tiendese maminerals kunze akangodaro asina kuproseswa nokuti tiri kupa vanhu vokunze mabasa, vedu vachishaya mabasa.

Taakudawo kuti even macompanies vanouya kuzominer muno ngavachiisawo marefineries vaprosese kuti vanhu vedu, chii, vawanewo pundutso.

Asi unoona vamwe vanhu ivavo vanozviti ndomacomrades anga ari kuhondo vachitorwira kuti dai maminerals aendeswa izvozvi nekuti tine nhamo.

Aiwaka, ngazviitwewo munomu ngatitsikeiwo madziro nekuti ukaonawo vamwe vauyi vachiti ndiri kuda kuinvestor, ndiri kuda kuminer, asi zvinhu zvese ndiri kuda kuti zvinoproseswa kunze, ari kuzviziva kuti ari kuda kugadzirira mabasa vekwake.

Ngoma inorira ichiti kwangu kwangu. Saka ngoma, iwewe kana wapiwawo position ngairire ichiti kwangu kwangu, kuitira vanhu basa.

Saka, Hurumende iri kuita zvinhu zvese izvi zvakawanda, Parliament infrastructure.

Parliament kuchauya Parliament nyowani. Pakauya president wekuChina, pakaitwa maagreements ezvakawanda zviri kuda kuitwa.

Hurumende yeChina ichativakira imwe Parliament kwamunonzwa uko, kunonzi kuMt Hampden.

Kuchavakwa imwe Parliament ikoko yekuti vanhu vanoitira basa, and nenyaya yemagetsi iyoyo yakasainirwa futi kuti kunational grid kuwedzerwe magetsi, magetsi awande.

Kukataurwa kuti izvozvi nenyaya yekuti kana munhu akarwara, munhu haakwanisi kuti ashande. Kana kurwara munhu, mishonga mishoma saka zvakaonekwa kuti kuitwe warehouse yemishonga yemapharmaceuticals kuti vanhu vawane mishonga yakakwana nekuti iye zvino tiri kunzwa kuti mishonga hakuna yakakwana.

Nezvakawanda zvimwe zvatinoitirwa nekuti vanhu vanonyanya kuti Hurumende haina chairi kuita. Asi chinhu chatinofanira kurangarira ndechekuti tine masanctions, asi Hurumende yedu haichemi bedzi kuti tine masantions, vagere. Vari kuonawo zvekuita kuti vanhu vawane kurarama muZimbabwe.

Kuri kushandwa. Handidi kukunyeperai, kuti ndingati Hurumende inoswera igere, vanhu vanoswera vachitamba kwete. Maministers vari kuswera vachishanda, vari kuona kuti vanhu vorarama sei.

Ndozvatingadai tichiita izvozvo zvekuti vanhu tione kuti vanorarama sei nekuti iye zvino izvi nzara sekutaura kwandaita, nzara iri kuruma.

Vanhu havana chekubata, havangotariswi toti zvionerei. Kwete! Saka, tinodzoka panyaya iya yekuti isusu seZanu-PF, taisa maprogrammes ese aya in place.

Panze pekuti tichiona, tibatsire Baba sezvataurwa naVaMphoko kuti tapiwa basa, Baba vasarudzwa nemi, havana kusarudzwa nemunhu mumwe chete anowisher kuti Baba dai vafa. Kwete!

Tese takanoisa X kuti Baba tiri kukudai. Nezvamuri izvozvo tinokudai. Ndakataura ini ndikati ini mudzimai wavo, Baba vaye vanonzi Mugabe kana vasisagone kufamba ndichavaisa mubhara ndichiuya navo kubasa.

Mudhara handeyi kubasa, ndakakokorodza bhara, ndahaya zvipfanha zvinenge anaNyaruwata izvi kuti zvidzure ndove tichienda kubasa kunoshandira Zimbabwe.

Nekuti ndiri kuona kuti vazhinji vacho vanoda hutungamiri havana kukwana. Chokwadi nyika iyi inotengeswa, nyika inoenda masikati machena. Musasiyane nemudhara wenyu. Ndiri kukuudzai kuti vaMugabe havazi munhu ane chaainacho. VaMugabe vakazvipira.

Let me tell you. Vamwe vanoti kana vabva kubasa voenda kudoro. Vamwe voenda kumvana dzavo, masmall house. VaMugabe vanobva kubasa very late vachikushandirai, vouya kumba. Havana munhu wavanonogara naye pasi kuti, nhaiwe toita sei, dai tambodai, dai tadai nhingi dai tamuti, havadaro.

Vangori concerned nekuti mhuri yangu yogara sei chete. Ini ndiri kutaura, ndinogara navo. That’s why ndiri kutaura kuti ini, I’m prepared kuvaunza nebhara kubasa, kukunguruka nebhara navo.

Nekuti vamwe vakati hanzi wheelchair, ndikati wheelchair inodhura. Ndouya nebhara chairo kukungurutsana naro ndigoti kumudhara, taurira vanhu vako ava, ita basa.

Nokuti, chiri kunetsa ndechekuti vataimbofungira vacho kuti ha-a vangangotora mabasa akadaro, ha-a hatichina kana confidence navo.

VaMugabe ndivo vatiri kuenda navo kumaelections 2018, nokuti vamwe vari kufunga kuti izvo 2018 kunenge kwakubviswa maleader.

Tiri kuenda, takatobvumirana isusu kuti patakaita Congress yedu kuti munhu wedu watiri kususukidza 2018 ndiVaMugabe.

Hatisi mapenzi. Tiri kuziva zvatiri kuita. Nokuti tinoda runyararo.

The only person anokwanisa ku-keeper Zimbabwe iri intact muine peace is this man.

Nokuti tigereso unonatsoona kuti Baba ava vane wisdom, nokuregerera pamwe chete.

Takagaroso vanhu vanenge vachitaura, vachitaura nhema dzega dzega, but vanoteerera.

Inini handina patience dzakadaro, dzekunzwa munhu achindirevera nhema ini ndakamupa basa. Kundirevera nhema inini muera Soko, mwene wazvo; mahomu-homu, makwira miti! Uchindirevera nhema, ini ndakaku-appointer kuti ita basa apa.

Ha-a ndinoku-kicker out, chokwadi oh!

Ndakaona patience, ndakaona patience, marimwezuro vanhu vachinyepa.

Asi vakangoteerera zvavo, mwana waBona ndikati, Mwari akuropafadze, Gushungo.

Ndikati ini Mwari haambondiropafadze. Ndotoda kunobvunza mai vangu kuti makandiwana kwaSatan here.

Nokuti aiwaka, unombotanga uine mwoyo wakanaka, but vanhu vanokuita kuti usvibe mwoyo. Mwoyo utarise kuseri, nemaitiro avo.

Nokuti haunganyepi tese tichinzwa nenzeve.

Ndakanzwa nzeve yangu yakurira kuti ngirir-r-r-r-r-r ndikati, Baba, ndibatsirei. Ndakazvibata, handina kuita hasha. Nekuti twunombouya.

Chokwadi hatidi vanhu kuti vatore vamwe vanhu kunge mafuza.

Vagarisa, vagarisa vachingotanga. Unoziva unongoti pindei kudai so-o, wobva vatogarisa iwe uchangopinda!

Nokuti hazvina kunaka, hongu tinozviziva kuti isusu nyika ino yakauya nevhu.

Veduwe, inini kana dai ndiri inini handizi munhu angambofa akataurirwa kuti inini Mai Mugabe havadi mawar veterans.

Hazvifi zvakaitika izvozvo. Ndokudzidzisai nokuti ndini mai, ndini ndine responsibility yekutaura twese twandinoda.

Ehe handiti munonditi mai. Ndisati nda50 years maingonditi kamai kedu.

Vanhu vakatoona kuti amai vaakusvika 50 years chiregai manje vachitaura.

Zvino ndauya chiteerai munzwe. Ehe nokuti tinokuremekedzai makatirwira nyika.

Ndakati ndinogara negamba guru ndichiribikira sadza.

Handiti wakaenda kuhondo iwe, but hauswere uchiuya uchindivhairira ini, inini mukadzi waMugabe ndinovhairirwa nekamwe katsotsotso zvako, kuti ndakaenda kuhondo, handiudzwe naMai Mugabe kuti iwewe usaite zvakati, nokuti ndakaenda kuhondo! Kundityisidzira inini. Aiwaka! Issue iripo ndeyekuti makaenda kuhondo tinozviziva, nokuti mese makaenda kuhondo muri registered.

Ini handina kumboti ndakaenda kuhondo nokuti hapana akandiona ikoko. Handitika! Kana variko vakakuona iwewe kuti wakaenda kuhondo, vanozviziva kuti wakanga unesu, takanga tichirwa tese.

Takatakura gidi tese, handiti?

Why do you have to go mupublic uchiti ndakazorwa hondo; ndakazodai; Mai Mugabe havafaniri kundiudza; havachadi maex-combatants.

Iwewe chete, kuti ndisakutsiure ndichiona kuti uri kuparadza party.

Kwete! Pasi newe!

Handirege kutaura. Inini zvandinoita, ndinombokutaurira tiri tega. Ukasanditeerera, then ndotanga kuchikurima, ndichitaura ndisingataure zita, but next rally watch that space.

Huya unzwe, tichidoma mazita, baba nhingi, mai nhingi zvogara zvakadaro.

Hatidi kutyisidzirana muno muZimbabwe, because tinoda runyararo.

Tinoda investment kuti iuye, nokuti tinoda runyararo.

The issue iyoyi yokuti hanzi munorongana motorana nemasoja kunobomber, it will not work.

It will actually work against you.

Nokuti zviripo ndezvekuti kuda kutyisidzira VaMugabe naMai Mugabe, kuti tikavatyisidzira kuti takunobomber kudairy kwavo, vanozotitya, vozotipa zvigaro.

Unopenga! Unopenga! Chigaro chipi chacho? Chaani? Wanzwa kuti hakuna vacancy.

Ndichiriko kuState House, ndine zvinhu zvangu, hembe dzangu dziriko nevana vangu.

Ndichiriko, ndimi makandiisa kuState House, saka ndichivhaira nekuti ndimi makandiisa ikoko. Ndichabuda kana imi maakuda kuti ndibude ikoko. Saka handidi kutyisidzirwa nemunhu kuti ndinonobomber.

Vaida kunobomer, its not just that.

Hanzi vaida kunobomber, hanzi vaida kubomber Alpha Omega, vaida kubomber imagine, vana vandinonhonga ndichichengeta.

Humoyo wakashata wakaita seyi wakadaro? Mademons akaita sei akadaro, and you want me to respect you?

You really want me to smile at you and say well done?

Oh no, zvichasvika nguva yacho nokuti hazvina kunaka izvozvo.

Ndakashanda ini naBaba kuti tivake dairy. Ndakashanda inini kuti ndivake, that’s why vanhu vekuMashonaland Central vachindifarira. Ndikakuudzai kuti ndakabvumidzwa ini kuvaka apo pagomba paMbuya Nehanda ini.

Ndakabvumidzwa! Mukapinda muoffice mangu mune statue yaMbuya Nehanda yamakapa Baba pabirthday ravo apa, ndikati haipfuuri paMazowe ine zvainoreva iri ipapo.

Haikona kutamba neni. He-e-e nokuti wondityisidzira hautambe neni.

Fungai kuti tingasvike here pastage yekuti vanoda kunouraya mwana wangu Bellarmine?

Is it fair, ndikusekerere? Iwewe unofunga kuti ndiwe wakangwara unotaura kuti zino irema rinosekerera warisingade?

Inini unofunga kuti zino rangu irema rinokusekerera?

Harizi rema zino rangu. Tinonyarara, asi tichazviclear zvese pamwe chete.

Tingadaro here? Haunyare here? Kundiurayira vana iwe unevako 20 000, Mugabe ane vatatu chete. Wonyepa kuti ah, Baba tiri kufara kuti makaitawo mhuri.

Iwe uchida kuuraya mhuri yaMugabe yese, uchinyepa hanzi ndinokuda, ndinokuda! Inhema, ndozviziva.

Nhema, hatidi kudarano. Mugabe munhu wevanhu, anodiwa nevanhu saka iwewe kana uchidiwa nevanhu ingoitawo zvakanaka kuti vanhu vakude. No, hatidi kuti vanhu vatiti isusu vatityisidzire nokuti takungogara tichityisidzirwa nenyaya yekuti takaenda kuhondo.

Inini ndakataura kuti mwana wamai vangu inini first born yemumba mamai vangu, akauya nzeve dzisichanzwi.

Nekuti kuhondo hameno nzeve dzake dzakaita sei, akaputika nzeve dzake ear drum ikabvaruka, akauya asingachanzwi.

Asi haana kumbenge achivhaira, vanhu vanoziva hanzvadzi yangu aigara muno.

Vanozviziva aigara muno muMash Central ane minda yake, mudzimai wake achiri muno.

Haana kumbenge achivhaira, but chaakanga achingonditaurira, no hanzvadzi ini handipindi denga.

Ndikati nemhaka yei hanzvadzi? Zvikanzi, ndakarwisa muRungu ini hondo ikapera hanzvadzi. Ikozvino munhu wese apihwa farm kunoku ndinenge ndichienda naye, vaRungu vakangonditi ba-a, voti, Marufu avo.

Ndikati hanzvadzi ndizvo zvakanaka izvozvo. Kunorwira vanhu kuti vapinde paminda pavanenge vapihwa. Ndizvo zvakaita hanzvadzi yangu izvozvo.

Akafa achidaro. Vanhu vese vanozviziva. Handisi kunyepa Dinha munomu.

Vana Goche vese vanozviziva ava kuti ndozvaiita hanzvadzi yangu.

Vari pano aGoche wani vari pano. Vanomboswera vachizvirova dundundu? Makazviona vazvinyora mumapepa kuti ndakaenda kuhondo.

Vakawanda vari pano vasikana nevakomana, vana mbuya nana sekuru vari pano vakarwira hondo asi havazvipembedzi.

Siya tikupembedze nemabasa ako aunotiitira akanaka.

Tinokusema iwewe kana uchiida kuti tikuseme, nekuti chokwadi munhu unozviparadza wega nemaitiro ako.

Munozviziva magariro edu ukada kusorana nevanhu unosora nepamwe pausingazive pekugumira. Izvozvi tinenge uchikuriwa. President Mugabe ichembere nemudzimai wake havaite.

Vanotida vanotitaurira kuti ndozvauri kutaura asi isu tinodii, tinokuregerera.

Asi vanenge vanzwa ivavo vakapasser vote of no confidence pauri iwewe.

Woda kuzocomplainer kuti mavote of no confidence awanda, asi paipuhwa vamwe waisekerera.

He-e, he-e aya waisekerera. You were smiling kunge muromo uchatsemuka, uchismiler kuti vote of no confidence yapihwa so and so, nekuti waisamufarira, enermy yako.

Nhasi yauya pauri wakucomplainer kuti President, vote of no confidence dzawandisa, he-e it has never happened ever muhistory yeZanu-PF.

Nokuti yauya pauri? He-e, kana wapuhwa chigaro kuti iwewe uri mukuru chiita zvinoenderana nehukuru.

Ukaita sewakadhakwawo tinongokupawo nzvimbo yemunhu akadhakwa.

You Might Also Like

Comments

Take our Survey

We value your opinion! Take a moment to complete our survey