Time for euphemisms is over, names coming First lady Dr Amai Grace Mugabe . . . Zanu-PF Central Committee resolved to recall her accusing her of promoting hate speech.
  • First lady Amai Grace Mugabe addresses zanu-pf supporters at Kanyemba Secondary School in Chiweshe yesterday

    First lady Amai Grace Mugabe addresses zanu-pf supporters at Kanyemba Secondary School in Chiweshe yesterday

    The following is a transcript of the address by First Lady Amai Grace Mugabe at Kanyemba Secondary School in Chiweshe yesterday.

Pamberi mberi nekubatana! Mash Central woye-e-e! Pamberi neZanu PF! NaVaMugabe! VaMugabe woye-e-e! Gushungo woye-e-e! Pamberi-mberi nekubatana! Nekugarisana zvakanaka! Nekudanana! Nekuchengetedza nyika yedu! Pamberi nekuchengeta mhuri dzedu zvakanaka! Nekudzidzisa vana tsika dzakanaka! Nekushandira nyika yedu! Nekubikira vana baba sadza rakaibva! Pamberi mberi nekushandira party yedu! Nekuendesera zvido zveparty yedu pamberi! Pasi nevasingadi kushanda nevamwe! Pasi nadzo mhandu! Makadiiko vana baba navana mai? Aiwa tinotenda. Tatenda Governor nekutitambira kwamaita. Tinongokutii Governor. Tajaira kuti Governor Resident Minister.

Asi chimwe chinhu chandangandisingazive ndechekuti Governor, um-m vanoziva. Ndiscientist werudo; vanoziva inonzi ndofunga paholiday apa vanga vachistadha inonzi love law.

Ah, saka varume motoona kwekuenda. Madzidziswa! Asi ndofunga chimwe chinhu chavanofanira kuzodzidzisa varume vazhinji kuti kugeza mazino nekuti hanzi tsvodo yaakuenda pamberi.

Saka mozodzidzisa vamwe kugeza mazino musati mataura zvetsvodo. Saka, aiwa tinotenda masikati ano hatidi kusiya munhu, kuzoti ndasiiwa naamai, havana kundirangarirawo.

Madzimambo vari pano vese tinokutendai nokuti ivhu rino nderenyu, kuva kwedu pano ndokunge mabvuma kuti tive pano.

Saka ndinoremekedza madzimambo ese vari pano, ndisingadomi nemazita, asi ndaona mambo wangu Negomo vari pano nokuti kwandinoshandira mazuva ese ndiri under mambo Negomo.

Honourable Vice President wedu baba VaMphoko, tinokutendai Baba munotitsigira pese patinenge tiri semadzimai. Women’s League yenyu munouya kuratidza kuti muri kufarira kufamba kwatiri kuita.

Nyararaika veduwe, nyararaika mai vakutaura. Mai vanotswinya mukaita noise. Moda kutswinyiwa here?

Ah, Honourable Minister of State for Mashonaland Central Advocate Martin Dinha, naPresident vedu veSenate Umama Madzongwe vari pano; chairperson wedu wemusangano weMashonaland Central VaMafios mavanzwa vataura eeeh kuti izvo chibage chinenge chamaX agara akamirira kuvhotera VaMugabe.

Zanu-PF political commissar vedu, National Commissar vedu VaKasukuwere vari pano, tinokutendai nebasa ramunoita. Nyangwe dai vamwe vakasazviona havo, asi munoita basa. Makapihwa basa mune energy yekuriita. Rambai muchiriita pasina anokutyisidzirai.

Mamwe maMinister ese ari pano; member dzese dzePolitburo dziri pano, neveCentral Committee vari pano, Honourable vedu venzvimbo ino Mazowe South, mukoma Chasi namhamha Chasi, tinokuremekedzai pano.

Member dzese dzeWomen’s League, Youth League vari pano. Kana paine maService Chiefs vari pano vatikutawo pano; chete musazongotibhombere bedzi kuDairy chete! MaWar Veterans vari pano nemaWar collaborators, nemaex-detainees, nemarestrictees vari pano.

Vana baba nanamai, tinokutendai nekuronga kwakadai. Eh nzvimbo ino yeMashonaland Central yakanyanya kukosha zvakanyanya.

Eh isu semadzimai eLeague makanzwa Baba vachitaura musi wechitatu tiri kuZanu-PF headquarters kuti Women’s League ndiyo yakabata musangano. Zviri zvechokwadi nokuti kanatasvika panyaya inonzi nechirungu mobilisation isu ndobasa redu rekumobiliser vanhu kuti vasapote musangano.

Saka takapihwa basa isu madzimai zvikanzi tungamirirwai naAmai Mugabe. Mai Mugabe vakabvuma.

Mai Mugabe vabvuma kudaro, Mai Mugabe havazi munhu anogona kugara pasi. Kana ndiri muoffice vandinoshanda navo vanozviziva kuti handigone kugara 0ne hour ndinenge ndava kuvaviwa, ndinenge ndichida kufamba ndichienda, nekuti ndinoda kushanda.

Saka ini ndakapihwa basa, ndicharishanda. Anenge asvotwa, ngaasvotwe, agorutsa. Anorutsa kusvika afa nekuti basa ndichariita.

Gore riri kutanga, tiri munaJanuary, tatotanga nendima. Tasimudzira ndima, tinofamba kuenda muvanhu. Hatizouyi kwamuri nekuti tavakuda kuvhoterwa maelections.

Toda kumbochinjawo maitiro chaiwo, kuchinja maitiro chaiko chaiko, not kuchinja maitiro ekurasa nyika asi maitiro ekushandira musangano nekushandira nyika.

Saka ini ndakaona zvakakodzera kuti ndinofanira kuramba ndichienda muvanhu, kuti vamwewo vachazouya pamashure kwangu vaone kasitaira, kasitaira kaMai Mugabe kekuti vanhu unofanira kuramba uinavo vasafungidzire kuti uri kupi.

Kana uchirwara ngavaudzwe kuti Mai Mugabe vari pamubhedha vari kurwara. Kana uri mutano huya vanhu vakuone kuti Mai Mugabe vari kufamba, vasanyeberwe kuti Mai Mugabe vari kurwara. Ndiri pano ndakasimba.

Ndakauya ndasimba, ndadya ndagainer weight kuzofamba nendima.

Ndataura kuti nzvimbo yenyu yakakosha, yakakosherei?

Pataifamba gore rakapera takaenda uko pasi kuMatabeleland South kumusha kwavaVice President vedu VaMqabuko Nkomo vakatisiya. Tikazofamba futi tikaenda kwaVaMuzenda. Nhasi pano tasvika kwakabarirwa VaMsika.

Ini pandakati hatiendei kuChiweshe nokuti kuChiweshe kuri munzvimbo yeMazowe mandinoshandira mazuva ese. Ndinoshanda ndichifambira vamwe asika zvinonzi charity begins at home.

Ndomandinogara muno. Ndinoda kumbonoswera nevekwangu. Zvikangoitikawo kuti tauya kumusha kwaVaMsika. Ndinonzwa kufara zvikuru. Vanhu vese vandataura vanhu vakuru, vakarwa hondo, vakazvininipisa.

Handina kumbonzwa kana zuva rimwe vachizvirova dundundu zvataakunzwa mazuva ano kuti ndini ndakazodai, ndakaita chakati. Nekuti vaiziva ivo kuti sevana vevhu reZimbabwe, vane mandate; vane responsibility yekuita basa ravakaita rekunorwira rusununguko rweZimbabwe. Zvatava kuchinzwa nhasi handizive kuti zviri kubva nekupi.

I think manzwa Baba vedu vachitaura, Baba vedu VaMphoko, hakuchisina kurova imbwa takaviga mupini.

Patakambotenderera gore rapera iro tichitaura pakanzi vanhu vaakuda kuti Mai Mugabe vatungamire madzimai takaenda kuma rally 1, 2, 3, 4, 5 tichingoti pasi nefactionalism, pasi nefactionalism tisingadome chii, mazita. Iko zvino tiri kuenderera mberi tichiti pasi nechii? Takafunga tazvipedza, isu takatozvitanga. Tisingazive kuti takatoita empower imwe faction.

Saka ehe-e? Saka iye zvino zvatiri kutanga kudai vari kuita zvefactionalism ngavazviregere. Stop it forthwith! Nekuti nguva yaakukwana yekuzotaurirana chokwadi.

Imbwa iripo apo handivige mupini, ndoiponda nemupini inini. Inini hapana chandinoda chokwadi nekuti ndiri panyanga kudhara.

Pane kutonga kushoma saikoku uku? Zvinongosweronzi he-e Mai Mugabe vaakuda kutonga, Mai Mugabe vaakuda kutonga, ini ndichitotonga!

Manzwa Baba vachitaura hierarchy zvayakaita munyika muno. Zvanzi President apo, naMai Mugabe. Havana kuti President vega, saka nyanga yandinoda yakapfura iyi ndeipi? Hapana chandinoda ini nokuti shuwa. Asi hamumbonzwa ndichifamba ndichivhaira kuti ndiri Mai Mugabe ini, ndinofanira kuremekedzwa nokuti ndakazodai. Nokuti zvatiri kunzwa zvinosemesa, tinobuda nzeve dzaakuda kuvharika nezvatinonzwa.

Vanhu vachizvirova madundundu. Ukazoda kutarisa kumashure kuti uyu munhu anozvirova dundundu zvaari kutaura zvakaitika here chaizvo nokuti munhu kana uri munhu akaita saVaMugabe, akaita saVicePresident vari papa wakaita chinhu, hauswere uchizvirova dundundu. Vanhu vanoona.

Tine maziso isu, tinavo vasingawone but vanotoziva kutopfuura iwewe unoona.

Nekuti vanoudzwa vachiteerera kuti tine mutungamiriri wedu anonzi Gabriel, ane maprinciples. Mutungamiri wedu anotida, mutungamiri wedu ane gwara remusangano raasingarase pasi.

Nzvimbo ino kukosha kwayo zvekare, nzvimbo ino, ini hangu ndinonzi Mai Mugabe, asi Mwari akandikanda muno. Handibve muno muMash Central. Handibve muno!

Ndinobarwa kuMash East, ndigoroorwa kuMash West asi Ishe wekudenga uyu, zvakuenderana zvamboverengwaka naself-ordained reverend, pastor Mahoka. Pasto Mahoka.

Taverengerwa pano, VaRoma, Romans 13 vhesi 1, kuti simba rese rinenge rapihwa mutungamiriri rinobva kuna Mwari.

Ini ndiri kufungawo kuti inini muno kuuya kwandakaita Mwari ndoakauya akandigadzika pano for a purpose.

Ndataura kuti nzvimbo ino yakakosha, ndikataura zvaBaba Msika. Nzvimbo ino yakakosha nekuti mudzimai akanga asingafarire zvaiitwa nevarungu, udzvanyiriri hwakange huripo, aibva muno muChiweshe — Mbuya Nehanda.

Saka hazvisi zvecoincidence kuti Mai Mugabe vange vari pano.

Hapana anozvibvisa, nekuti ishe wekudenga akaona zvakakodzera kuti mudzimai mukuru akatanga kurwira nyika akaurayiwa 1898 anobva muno. Saka iye mudzimai wemutungamiriri, waPresident, mudzimai waPresident Mugabe ngaauye azovaka panonzi Pagomba. Pagomba munopaziva? PaMazowe apo, ndopakabatirwa Mbuya Nehanda, vatengeswa nevatengesi. Hatichada kutaura kuti vaibva kupi, chi-figure-iwo out mega!

Kune vamwe vanhu vanogara vari vanhu vehutengesi; vari vanhu vehutengesi ivavo havambofa vakawana nzvimbo dzepamusoro nekuti vatengesi.

Tine zvinhu zvatinoziva, zvakadzama, zvepasi pasi zvatisingatauri. Asi mukada kutisora, tinozvireva. Tinozvireva!

Ndakati inini ndinonzi Mafirakureva. Hapana asingazvizivi anogara muMash Central umu kuti akatengesa Mbuya Nehanda ndiani. Vese ava vanozviziva, asi kunyarara nekuti hatidi kusorana.

Tinonyarara nekuti hatidi kusorana, nekuti tiri maZimbabweans, tinoda runyararo. Hondo yemuno muZimbabwe yakatangwa nemudzimai, akafira kuti nhasi tive takasununguka.

Hakuna history yeZimbabwe ingataurwe without the mention yemudzimai anonzi Nehanda. Hazvikwanisike. Saka isu tinofanira kurangarira kuti ivo vakaenda kuhondo mavaona ava, vava varume vakuru nevakadzi vakuru.

Zvambotaurwa naMahoka kuti vanhu vanenge vachiti Mugabe achembera ngaabve, ivo vachiri vadiki here? Inga vangoo chembere wani?

Taakutongoda kufambawo takavaisira torch kuti vaone kuti vari kuendepi. Hanzi iwe unoona katsotso kari muziso remumwe, danda riri mako haurione?

Gwara remusangano — isusu takanga tiri kuno kuZimbabwe, vamwe vakaenda kunorwa hondo, maida kuti tisimuke tese ngwanda ngwanda kuZimbabwe? Kana wauya kuno waizobikirwa nani? Hatidi kutaurirwa zvinhu zvisina nemusoro wese!

Hatidi kutaurirwa zvisina nemusoro wese nekuti iwewe pawaiuya, Nyaruwata pawakauya muno wakadya sadza, wakabikirwa nani?

Hauna kubikirwa sadza nambuya vangu? Nhasi waakuda kuti hee, Grace Mugabe haafanire kunditsiura! Iwe Nyaruwata!

Handitsiurwi naMai Mugabe inini, nekuti ndakarwa hondo! Inini ndinokutsiura. Ndikakutsiura ndichipfuura nepauri ndikakutsiura kuti iwe, rega zvauri kuita.

Ndakamutsiura nezuro, marimwezuro. Ini ndinotsiura, handinyare. Ndakamutsiura. Ndakamutaurira kuti iwe zvauri kuita regera, kana ukasazviregera isu vanaMafirakureva kana tabuda panze, tikatanga kutaura, wapera.

Kune vamwe vanhu vanofunga kuti vakangwara chaizvo, ndini ndakaenda kuhondo, ndakazopfuura pakati, ndikazoridza pfuti yakadai; tikamupa izvezvi kuti pfura ndipfure anozvipfura iye.

Chokwadika anozvipfura-pfura — bhu bhu — munhu afa, asi wambenge uchivhaira kuti ndini ndakaridza pfuti ndikazouraya mabhunu akati. Tokupa pfuti yacho, kuti iyo iridze.

Nekuti hazvina kunaka kuswera uchisorana nevanhu nekuti inini ndakataura musi weWednesday pataitambira Baba kuti, Baba tiri kutenda nebasa ramakatiitira kuAU. Eeeeh zvazvekutaurirana pachokwadi handiti!

Ndakataura ndikati inini zvekutukana ngatiregei. Asi bepa ramangwana rakazobuda zvikanzi Mai Mugabe vataura zvikanzi, hee, Jonathan ari kutuka vanhu. Jonathan waipopota wega? Uri benzi unopopota wega?

Jonathan haazi benzi uyu anopopota ega! Ibenzi? Such an intelligent person akadai iyeyu anopopota ega. Aipopoterana nevanhu vanotaurawo saiye.

Unoona kuti bepa riri controlled nani. Journalists whats happening there? He-e haikonai kupota muchipihwa mari, muchinyora, because tinoverenga, tine pfungwawo.

Ehe hatidi kudaro nekuti yaakungosarira munhu one sezvinonzi aipopota ega. Izvezvi zvandiri kutaura ndiri kutaura ndega here ndiriktaura kwamuri, kuvanhu.

Saka tinoda nyika yakarongeka. Kana tapihwa mabasa, zvataurwa naBaba VaMphoko pano, kuti kana iwe wapihwa basa chingoita basa uzive kuti waka-appointwer iwe. Woita basa rako, isu toona kuti unogona kushanda.

Kana paine chinzvimbo chiri vacant chambotaurwa naaMafios pano toti gadzikwaka zvako, but pane chimwe chinzvimbo chisingamboite vacant. Chinotoita vacant iwe wafa.

Iye akambokuudzai kuti Mugabe anofa ndiani? Nguva yese yatinongoenda kuholiday, munongoswera muchitaura Mugabe achafa, Mugabe achafa, chiiko chamuri kumboronga? Tiudzei zvamuri kuronga!

Mwari, Mwari zvaanoita, Mwari ndiye anoona pakakodzera kuti uyu ndiye mutungamiri anobatanidza vanhu muZimbabwe. Hatifanire kunge tichibvunza kuti sei Mugabe asvika 92 years achizvifambira ega asina tsvimbo.

Hatifanire kuzvibvunza kuti sei Mugabe ari 92 achiri sound mentally, very lucid, vachiremember zvese. NdiMwari nekuti VaMugabe vane basa ravari kunzi naMwari pedzesa, pedzesa basa Mugabe.

Hazvisi zvega; hazvisi zvega. Vakataura Baba, zvinhu zvakabata vanhu, pamuchato wemwana kuti ndakabara mwana uyu ndakura.

Zvino dai VaMugabe vanga vari munhu anorara pese pese, dai vakazadza nyika ino nevana. Imimi hatizvitaure zvevana vamakazadza nyika, asi munoda kuswerotukirira. Mugabe akatora mukadzi wechipiri zvakanyatsonaka, ndikaroorwa zvakanaka ini.

Handisi hure raMugabe ramunoswera muchitaura ini! Mahure amakabhedha nanhasi amuchiri kubhedha mangani?

You stop talking muchiziva kuti kumashure kwako kune tsvina. Tikazviti yatya panze apo, hamubude panze regai ndikutaurirei nekuti we are being abused.

Ndinogara ndichiabhuyuzwa. Regai ndikutaurirei: paiswa picture yaSally apo, poiswa picture yangu naMugabe! Hanzi, hee kamukadzi aka hakazi kamunhu.

Inini manje handizi munhu, ko imimi mune vakadzi thousand, vana hundred thousand zvinotaurwa nani izvozvo?

Mugabe munhu akadzikama, kudzikama zvakanyanya. Handimbodi kuti ndirambe ndichitaura nekuti vanhu vanozviziva. Vakashanda navo, nevari kushanda navo, nevanogara navo vanozviziva kuti munhu akaita sei. Ukaona murume anoti pano arara nemukadzi asiya, arara nemumwe asiya, arara nemumwe asiya woziva kuti haana respect for women. Pasi naye!

Ataura Dinha kuti ndazvisiya. Ndakataura naye kuti unofa iwe! Unokunguruka kuita manhede tongokuendesa kuti gamba rauya. Dzimwe nguva vamwe vanopihwa hugamba hwavasingakodzere kupihwa. Zvinofanira kutariswa even social life yako kuti unokodzera here unovigwa paHeroes Acre.

Nekuti kuti munhu unzi hero — hunhu hwako — hunofanira kunge huchikodzera, nokuti unongovigwa zvako ipapo isu tichingoshinyaira madzimai tichingobuditsa misodzi tichingoti zirume riye rauya zvekare nhasi, rinorarira mangai munoriziva here rwiyo irworwo?

Hatidi kuti tishorane? Toda kupanana respect. Nekuti chinhu chinoitika ndechekuti inini Mai Mugabe iye zvino izvi kana ndiri parally ndine vanhu vangu vanenge vachisimuka vachiti, he-e Mazoe Crush! Imboitaika Mazoe Crush, tinzwe, Mazoe Crush!

Hesi Zindi, handina kumbenge ndakuona mwanangu, wakadii? Welcome to Mazoe Crush, Mazoe Crush, Mazoe Crush!

Kana zvino tagara manje padariro manje, Kasukuwere avakundibvunza kuti Mazoe Crush zvinoreva chii, ndoramba kuti handizive kuti Mazoe Crush zvorevi inini? Ndinopenga?

Ndozviri kuitika! Vanhu vari kuswera vakapfeka maT-shirts akanzi Lacoste. Vaakubvunzwa kuti Lacoste zvinorevei? Vaakuti iperfume. Aiwa. Hatizi maremaka isusu. Don’t abuse mutupo waPresident. This is public knowledge. We saw the pictures in the papers; vana vakapfeka maT-shirt akanzi Lacoste, aka-embroidhwa neflag reZimbabwe.

Hatidi kuabuser that flag. Ine meaning yainoreva flag iyi. Let’s not abuse it.

Munodarirei? Kana vanhu vachikudai regai vanhu vakusarudzei. Tanga takangozvigarira zvedu isu vanaMai Mugabe isu, vanhu vakatiti muri mafuza.

Mugoti unopihwa anyerere. Hatirege kutaura zvefactionalism nekuti iye zvino izvi zvatonyanya and vanhu vachifurirwa. Ndinoda kuti ndikuudzei kuti musanyeperwe kunze uko. Tine basa, tine basa. Takati isusu tine mandate.

Takaita mapromises kuvanhu muna2013. Iye zvino basa ndere kungorwisana kuti Mugabe achembera, Mugabe azofa iye ari mupenyu, tichirega kuitira vanhu basa. Iye zvino mvura haisi kunaya. Kune nzara. Panzvimbo pekuti tigare pasi tirangane kuti toita sei, vanhu vari kufa nenzara?

It’s not just hupfu hunodiwa nevanhu. Munhu achada mafuta, munhu achada sipo. Ndiro basa redu tese isu seHurumende, nesu tese, nemaminister ese agere apo ayo. Ndiro basa renyu rekumirira vanhu. We do not want people who are selfish.

Iye zvino makambani ari kuuya mamwe anodzimara adzokera achikumbirwa ma30 percent. Tinozviziva zvese izvozvo zviri kuitika. Tinonyarara hedu tichiti pamwe vanhu vachaona kuti zvavari kuita zvakashata. Corruption, pasi nayo!

Vanhu vari kuda kuti Zim-Asset yatinoswera tichishambadza iitwe fulfilled. Handiti munoizivaka Zim-Asset?

Ndinombotaura zvinonakidza, ndotaura zvinobhowa. Chokwadi Ini mukandipa nguvaka, kana muchida kugara 5 hours, ndinogona kutaura for five hours. I can talk, inini!

Zim-Asset, yakauya, tikafamba nayo tichitaurira vanhu kuti Zim-Asset inoreva chii. Zim-Asset yakaitwa mabandiko mana aya, mabandiko. kukataurwa nyaya yefood security and nutrition.

Seiko kuchitaurwa nezvechikafu nekusimbaradzwa kwemuviri kunoitwa nechikafu? Nokuti, kuti munhu uite basa rinoonekera, haungakwanisi kuita basa rinoonekera uine nzara. Saka Hurumende yakaona zvakakodzera kuti inyanye kutarisa bandiko iroro rekupa chikafu kumhuri yeZimbabwe.

Ndosaka muchiona Hurumende yenyu pasi pebandiko iroro ichiunza matractor, magejo, nezvimwe zvekushandisa, maboom spray maharvester kuti tirime.

Nemhaka yeiko? Zimbabwe yanga iri bread basket. Zvichitaura kuti Zimbabwe yanga iri nyika inorima chikafu chekuti kuti tikwane muno nekutengeserawo mamwe macountries akatikomberedzawo muregion medu.

Asi iko zvino nekuda kwekuti masanctions, Hurumende yedu dzimwe nguva inowanikwa isina mari yakakwana kuti itipe zvese izvozvo zvekushandisa asi kune vamwewo vanhu vanotinzwisisa seZimbabwe, zvakaita seChina, Belarus neBrazil vakati tinokupai zvinhu nechikwereti mozobhadhara.

Saka muri kuona kuri kuuya matractor amuri kupiwa. Asi matractor ari kuuya zvino haasi kupiwa maindividuals. Ari kupiwa muri ma co-operatives, makaita gungano sekuti muri vashanu, 10 kana gumi nevashanu muchirima pamwe chete nekuti zvakaonekwa kuti vanhu vakapiwa matractor dzimwe nguva havachakwanisa kuabhadhara.

Uku kuitira kuti vanhu tidye tichiguta tirarame. Isu tiri vanhu vari very modesty, vari humble. Tinongoda bedzi chekudya kuti tirarame. Zvinorwadza chaizvo madzimai kuti uwane mwana afa nenzara uchitambudzika kuti toita sei. Hurumende yedu yakaona kuti Zimbabwe inoda izvozvo. Takaita land reform programme asi hatingangopi vanhu minda chete tisina kuvabatisawo chekushandisa mumunda imomo.

Saka Hurumende iri kuti, hezvo zvekushandisa vanhu vawane kurarama, vakudze mhuri zvakanaka. Kukudza masoja enyika, kwete anonobhomba kwaMai Mugabe, kwete but masoja anondiprotecta neni inini nekuti ndiri citizen yeZimbabwe.

Ndozvatinoda izvozvo. Saka bandiko iri ibandiko rakakosha. Nekuti tinofanira kushanda, tizvirimire tichidya, but unfortunately, mvura haisi kunaya zvakanaka. Chokwadi zuva riri kupisa nekuti kwese kwandinenge ndiri ndinenge ndichitambudzika.

You Might Also Like

Comments