The Herald

‘Let’s unite against factionalism’

The First Lady Amai Grace Mugabe shares a lighter moment with Cde Dickson Chingaira “Cde Chinx” and outgoing zanu-pf secretary for the Women’s League Cde Oppah Muchinguri at her children’s home in Mazowe yesterday

We publish here the full speech delivered by the First Lady Amai Grace Mugabe to war veterans in Mazowe yesterday.
Ndanga ndichikumbirawo kuti mese muripano kudai makarwa hondo mukatisunungura vamwe vakasara variko vakafira ikoko, saka tatichiti musumuke timboita observe a minute of silence tichivarangarira.

Listen to the full speech below

Garari pasi maita henyu.

Takamboita gathering zvedu pano asi inoiyi iri kuratidza zvinoinda mberi.

Uwandu hwacho haitwa pano hwatotyisa. Kwakambouya vanhu but not nenzira iyi.

Pano patiri kuMazowe kunonzi kugomba. Kugomba kunouku muvalley asi pane chiremerera chenzvimbo ino iyi.

Mbuya Nehanda vaibva pano paChiweshe apa. Pakauya vakauya kuzoti gara matumba vakanga vachida kuvaitisa zvavasigadi, ivo ndokuita rebel saka hanzi vakazobatwa pazasi apo pazasi pedam pane shrine iripo, but haina kugadziriswa ipapo ndipo pavakazotengeswa, vatengesi vanowanikwa.

Ndopavakatengeswa ipapo ndokubatwa ndokunouraiwa.

Asi maonero andiri kuta zvinhu ndeekuti Mbuya Nehanda vakati mapfupa achamuka, mapfupa ari kumuka hazvisi zvekumbotamba nazvo.

Ukaona varwi verusununguko vaungana kudai zvinoratidza kuti pane zvikuru zvinoda kuitika.

Anenge asingazvioni zvikuru zvinenge zvichida kuitika zvazvake.

Akaenda veduwe mukatirwira zvichirwadza. Mukaona vamwe venyu vachifa ikoko vachikuvara. Mukaona vana vadiki madzimai vachiuraiwa makatarisa, kushaya chikafu. Mugere ipapo umwe neumwe anoziva ndaive nanhingi, anoziva nhingi akaita zvakati hazvisi zvekumbotsvaga kuti ini ndakadonhedza ndege, hazvisi zvekumbotsvaga nokuti hakuna munhu aifamba ari ega achienda kunorwa hondo.

Saka munhu akangwara, anoziva zvaanoita, anomirira kuti vamwe vataure kuti taive naye nguva yakati, akazoita zvakati ndozvatinenge tichida kunzwa izvozvo. Zvekukwiridzirana pasina chawakabata, vamwe vaivepo vozokuudza kuti hazvisizvo zvakaitika. Hatishori kuti munhu akatirwira asi ngatimirei nechokwadi. Chokwadi hachioputse hukama.

Ini ndiri munhu anoremekedza vanhu vakarwa hondo nekuti makaita sacrifice yaka oma yatisingambofaniri kukanganwa.

Tikakanganwa hameno kuti tinenge takufunga sei.Asi kuhondo ikoko kwaiva nevatengesi munozviziva saka zvinhu zvinenege zvichiitika hazvifaniri kushamisa. Saka munhu anenge achitengesa anofanira kuudzwa nguva ichiripo nekuti tikanonoka dzimwe nguva hatizozvikwansisi kuzvigadzirisa.

Makadzoka veduwe mukatisusngunura, nhasiwo vana Mai Mugabe takatorawo farm. Tatovakawo children’s home. Ifarm randakatopihwawo under the land reform programme.

Saka ndakati handidi kunyadzisa baba ndoda kuti vanhu kana vachindiona vati tinaMai. Asi ndinogara ndichitaura kuti ndiri munhu wenyama ndinotadza. Pandinenge ndichitadza ndinotii (Oppah) Muchinguri huya undibatsire.

Ndoinonzi wisdom iyoyo. Nokuti kune vamwe pakati pedu vanoti takarwa hondo saka hatiudzwi chinhu nokuti takaenda kuhondo. Dai VaMugabe vachidaro vangadei here vachikunzwirai tsitsi, kukurwirai?

Murikuyeuka here kuti panyaya yevhu zvanetsa nokuti maBritish vakange vapromiser kuti kana ten yes yapera tichazotaura nyaya yeland.

Asi vakange vainayo vadzvanyiriri vakange vasinagde kuita let go. Mawar veterans vaona kuti zvanetsa zviri kutora nguva isusu tirikurabana population irikukura vakati takupinda muminda. Makanotora minda zvikanzi nevarungu Mugabe tumira masoja nemapurisa anorova vanhu, Mugabe akati handiiti izvozvo iright yavo. Zimbabwe will never be a colony again.

Zimbabwe ino ndeedu tinofanira kuichengetedza. Hazvina basa kutodeuka kwerimwe ropa hakuna basa tichidefender Zimbabwe iyoyi. Mwari akatipa nyika iyoyi isusu vanhu vatema tema kuti tigare muno.

Akatipa maresources kuti tigare muno, akatipa zvese zvatinazvo kuti tigare takadekara. Zvekuramba vanhu vachiti Zimbabwe ndeyavo ivo aewa ngavatobvuma kuti chimurenga chakarwiwa takakunda, hondo yeminda yakarwiwa takakunda.

Pangava nekutsutsumwa hongu semi kunyanya imi vakarirwa verusungunuko Ini ndozvinzwisisa. Chokwadi dai zvaiita ndimi maifanira kutanga kuwana munda varwi vehondo yerusununguko.

Tingadai here tichiri kutaura nhasi 34 years after independence kuti ma comrades haana munda. Chinhu chinonyadzisa mungadai musingambochemi chemi nokuti ini ndakambo maBritish even maAmericans pavaiita maworld wars aya aya pakupedzisira vairecogniser kana imbwa chaiyo.

Kune mamonuments akanyorwa mazita embwa kuti so and so akanga ari kuhondo. But tingaiswa here palevel yembwa. Saka isu tirikuti aewa zvinokunetsai zvese zvofanira kutariswa zvakanyanyisisa.

VaRuwodo vanga vachitaura ndanzwa kuti vanonyanya kukumirirai. Vandiudza kuti ndinoedza asi mari panenge pasina. Tichanyatsoitaura nyaya iyoyo nekuti pandespondency.

Ndozvamunofana kunge muchiita. Hapana anofanira kukutyisidzirai. Mawar veterans vanga vachitaura even nyaya yembeu. Matambudziko enyu akawandisa mataura, medical aid nokuti vamwe vakatokuvara, vamwe vanorwara, vamwe vatova vanhu vakuru. Zvinofanira kutonzisiswa kuti vamwe vave vanhu vakuru havachakwanisi kuzvibatsrira.

Vamwe vakauya pfungwa dzisisashande zvakananaka. Ini handizvinzwisisi maAMercians pavaiita ma worlds wars vai recognizer kana imbwa cahidzo kuisa ma labels.

Saka isu tingaiswe here pa level panembwa isusu vanhu, saka aiwa zvinokunetsai zvese zvinofanira kutariswa, zvakanyanyisisa. Ndozvamunofanira kunge muchiita.

Hapana anofanira kukutyisidzirai. Ndizvozvo chaizvo. MaWar Veterans vanga vachitaura zvekare nyaya even dzembeu kuti hatiwane mbeu, mechanisation hatiwane tinoda zvekurimisa.

Ndofunga nyaya iyi ndotoudza baba kuti ngaitarisiswe nekuti hamungarambe mongotambudzika imi murimi makatiunzira rusununguko.

Ndinotofara kuti takwanisa kuti tisangane kuti mutaure zvido zvenyu asi tichataura zvisina ruzha because zvimwe handisikuzvinzwa.

Tichanyatsotaurirana asi zvakanaka kuti kana zvinhu zvisirikuitwa nemazvo munoprotesta, you have the right, its your right. Ndazvinzwa zvese kuti maschool fees evana haabhadharwe, tazvinwa kuti kana pachenyu munoda kuenda kuchikoro.

Saka zvese izvozvo ndichanosvitsva kuna baba, handirege. Asi dzimwe nguva zvechokwadiwo mari panenge pasina asi panofanira kutariswa kuti chii chingaitwe kuti vanhu, especially vana vasarega kuenda kuchikoro.

Iwewe wotadza kuenda kuchikoro nekuti wairwira nyika, mwana wako otadza kuenda kuchikoro, haa, hachingave chinhu chakanaka.

Zvinofanira kutonyatsotarisiswa nekuti ndirikuona kuti kutsutsumwa kwakanyanya. Zvino ana mai mawar veterans ndinogara newar veteran guru rakazvipira kurwira nyika ino iyi kusvika nanhasi vamira vega kudai, vachirwira nyika ino iyi.

Saka chimwe chii chatingade kana tiine mutungamiri akashinga kudaro. Vanoshinga, iyezvino vanoziva kuti, munoziva takaisirwa masanctions nenyaya yevhu iyoyi, asi baba vanongoshinga kuti ngatishingei, zvichanaka rimwe zuva.

Munoona even maprogrammes arikuitwa eZimAsset kuti tiwane pundutso, zvese maclusters iwo arikutaurwa ekutaura nezvechikafu nemiviri yedu kuti tive vanhu vari productive tinofanira kunge takaitasei neinfrastructure zvese izvozvo zvinongouya pamwechete kuti vanhu vawane kugara kwakanaka vawane magetsi, vamwe venyu murikurima fodya chinhu chakanaka chamurikuita kutaridza murungu kuti hausiwe wega unogona kuzvigona nesu tinokwanisa kuzviita.

Saka zvinokudzwa asi ini ndinoda kuti makorokoto nehushingi hwenyu, kushinga kubva kuhondo, kushinga zvinhu zvarema, kushinga ikoko kunofanira kuramba kuchienderera mberi.

Munoziva panyaya yeminda pakauya nyaya yeminda iyi, inini fanika inini ndini ndakaitwa bin, ndaktaura kuit inini ndini ndakaitwa bin, bin iri because vaifunga kuti mukadzi wavaMugabe zvaari mudiki tikamutukirira zuva nezuva haa, achaita bow down, kana adaro mukadzi waMugabe and then tichanzwa atachaudza Mugabe kuti ngatiregerei nyaya yeminda.

Ndopakazouya MDC kuma99 ikoko. Asi MDC iyi yauya kudaro ini ndakataura kuti MDC hapachisina kutya, hapachisina kutaurirana nemadimikira, ino iyi yave final push ino iyi, final push munoiziva?

Zvakanzi Mugabe must go vachiita final push but isu tirikuuya neyedu semadzimai nemi mese kuti final push.

Munoziva kuhondo, kuhondo kwakatangwa Women’s League ichinzi itarise zvido zvemadzimai ende nguva iyoyo vanamai, the late Mai Sally Mugabe vakanga varimo vakazotungamirawo imwe nguva saka handifunge kuti chinhu chinoshamisa kuti madzimai vati mai titungamirirei.

Handifunge kuti chinhu chinoshamisa ichocho. Pakatanga MDC zvinhu zvakange zvichirwadza.

Takangomuka I think 2000 takaruza maMP akati wandei zvikatyisa zvakanyanya. I remember tichienda kuVictoria Falls I think 2003 conference ya2003.

Conference iyoyo kwakawiriranwa on a quarter system yekuita mainstream madzimai muparty muZanu-PF.

Zvikanzi izvo kubva top echelon yemusangano wedu, hierarchy yemusangano pane three vega vega kubva President nemaVice President panofanira kunge paine mudzimai.

Saka zvadaro paive neConference yemadzimai kuSports Centre saka ini ndakakumbira I remember very well kuti ndakakumbira Olivia Muchena ndikamuti inini munongondisiya ndine zvandinenge ndichidawo kutaurawo zvemadzimai.

Saka ndakaenda ndikanotaura ipapo kuti pane quarter system iyi asi imi hamusikuda kuitora kuti muiendesere mberi.

Madzimai munenge murikuitirana shanje.

Ndipo pakabva patanga, ndini ndakazvitanga, ndini ndakazvitanga, hapana angazvirambe, ndobva vanhu vave kuzouya kwandiri vachiti toitasei.

Ndini, ndirikuziva kuti makanyarara, ndini ndakasusukidza Mai Mujuru inini. Ndini ndakaita kuti Mai Mujuru vave paposition yavari.

Hapana asirikuzviziva izvozvo. Ndini ndakazviiti. Vakazosvika pakuitwa Vice President zvese izvozvo, munoziva ndakafara zvisinakumboonekwa ndikati isusu taelevetwa, tiripamusoro apa, tichadonha nekufara.

Kufara kwatirikuita hakuna kumboonekwa genuinely, I am telling you, genuinely nekuti ndaida kusimukira kwemumwe mudzimai.

Yanga yave 2004 pavakaita Vice President Mai Mujuru, tichizobva ipapo kuenda kwese uku, ndinoda kuti munyatso understanda nhoroondo nekuti nhasi ndati ifinal push.

Tichizoenda pese apa munoziva kuti ndakaona Mai Mujuru vakundiitira an about turn kana wanga wauya uchisupporter Mai Mujuru buda izvozvi.

Nekuti zvauchanzwa pano kana uri murume wotosunga mabhurugwe kuti diarrhea isabude. Kana muri madzimai, motoona zvekuita nekuti moment of truth yandakupromisai yazosvika.

Ndakashamisika, munhu haachada kana kutiona, munhu haachada kana kutaura nesu. Instead yekuti kana wapihwa chinzvimbo chakadaro uchishaya nepatsime rewisdom naVaMugabe, itsime rewisdom worega kuti baba ndakuda kudzidza, ndidzidzisei kuti basa rinoitwa sei.

Iwewe ndopowotanga kufunga kuti aiwa ndanonokerwa Mugabe ngaachibva pachigaro. Hamusikuona kuti hazvisikuita.

Ndinoda kuti ndiri kunyepa, munhu auye apa andichallenje. Andichallenje because ndakataura inini ndikati MDC yakafomwa kumba kwavo, Mavambo yakafomwa kumba kwavo, nezvimwe zvandichataura.

Ndiani acharamba, ndiani acharamba, hapana.

Mumapaper, opposition ndiyo irikuvarwira, zvinorevei izvozvo, zvinorevei? Kana, kana isusu, isusu tirikushanda newe, isusu tirikushanda newe, opposition ichikurwira isu takanyarara, muchati Mai Mugabe varikunyeba, papi pacho ipapa.

Handisikutaura zvandisingazive. Dzimwe nguva vamwe vangatoti Mai Mugabe vakupenga, asi ngandipenge, ngandipenge pachokwadi, pachokwadi.

Saka kubva ipapo zvakangove zvekuti, ende futika, hatisati tamboona Mai Mujuru vachiti pasi neMDC, hatisati, handisati ndambozviona, anenge azvionawo, ndezvake.

And munoziva pataka…handitye, handitye. Ndirikunziizvo tichakuuraya, ndakati ngavanoudza Chiwenga kuti ngaauye nefiring squad ndinyatsodaiso kuita pump the bullets into my body asi ndichafa ndakanyemwerera nekuti vanhu vanenge vasara vachiziva chokwadi.

Saka, 2008, 2008, 2008 murikuziva kuti zvainzi bhora musango. Kutanga kumba kwaMai Mujuru kusvika pasi apa vachiti bhora musango takangonyarara ende hanzi ngatirambe takangonyarara, hatisikuzoda.

Nyika iyi yakadeuka ropa, yakadeuka ropa. 2008 takaruza maelections vanhu vachienda vachinzi vhoterai MDC musavhotera vaMugabe, maMP kune dzimwe nzvimbo vachiwana mavotes akadarika avaMugabe.

Asi dai pasina iyo iyi yekuti 51 percent yakaitwa iyi, yaasina kuzosvika Tsvangirai 50 plus 1 percent tingadai takayerera, tingadai takayerera pasisina that revolutionary party yatinoziva zvakadzokera kuvarungu.

Munoziva ukange uri muposition of authority ukara mari so, ukashaya hunhu so, ndozvaunoita. Zvakaratidza kuti mumwe wedu haana hunhu, mumwe wedu pfungwa ishoma, zvikaratidza kuti mumwe wedu haana gwara, zvikaratidza kuti mumwe wedu anogara nevanhu vasingamu advise zvinhu zvechokwadi.

Munoziva pandakaenda kuManicaland ndakati inini ndangosarudzwa kuti ndiite leader wemadzimai chete. Handina kunzi tora chigaro chaMai Mujuru hachizi chemunhuka. Hachizi chemuinhu. Isusu vanhu tisu tinokupa chigaro kuti iwewe tinoda kuti ugare apa.

Ndakawana ndakarongerwa inini kuti vanhu vandiite hackle vandinyadzise. KuManicaland uko.

Ndakangotaura zvangu sepasina chandirikunzwa kungoshinga. Asi kwakanga kwakarongwa vanhu kuti mukadzi waMugabe hatimude muitirei noise.

Kwaka kwakahiya zvikomana zvakazvakadhakiswa ikoko uko. Tikanyarara.

Tikafamba kumwe kose kwatakafamba tikasvika paMashonaland Central. PaMashonaland Central ndakasvika zvhchinzi pano zvinhu hazvina kumira mushe. Ndikati nhasi vanhu ava vanosingoti Mai Mugabe, ndakarova matable. Handidi kukunyeberai. Vaka varimo vana Kasukuwere ava vanozviziva.

Ndakabhamura matable zvekuti dai panga paine zvinhu zvaka flier.

Ndikavaudza kuti kwete hatidaro. Imimi vanhu vekuno uku vano supporter Mai Mujuru hamungadaro, ndaitaura nezita, haungandidaro nekuti Mai Mujuru kuti vave muposition ndini ndakava supporter.

Saka ini ndiri kungonzi tungamira madzimai, whats the problem? Whats the problem ipapaapa? Let me tell you, kubva pandakanzi inini madzimai vanoda kushanda neni, havasati vambo ndicongragulator kusvika nhasi. Ehe, ehe, but ndanga ndakangonyarara as if hapana chiri kuitika.

Saka pandakasvika ukokauko, ndakazobvaruka manje because ndakaona kuti munhu ava kutoenderera nemwenje mudziva. Ndichiita madimikira asi nhasi the moment of truth yasvika.

Tikazoenda kuMashonaland East ndikaona kuine, takanga takagaraso. Ndikaona kune ma youths. Paiti ivo Mai Muchinguri apo, Kaukonde apa, Mai Sandi apa, Muchena apa.

Mayouths atanga kuiita noise vachiridza ngoma. Vanhu taakuda kutanga ma proceedings zvataita izvi kuti uye ndiye arikutaura, uyu ndiye arikutaurama tikaona ngoma yava kurohwa. Ndikati Kaukonde enda unonyararidza vanhu avo. Akaenda ndokubva angodzoka, vanhu vaya ndopavakatonyanya kuridza ngoma. Ndikati Kaukonde, I am telling you to go and stop those people right now.

Ukaregera I am going to walk out and go back to Harare. Ndakamuudza strongly, ndikati you are smiling but the situation haisi, hai warrant kuti uite smile. So you must go and stop those people. Ndopaakazoenda ndobva anovastopper.

Ndokuuya ndokugara pasi. Zvinhu zvakadaro handifunge kuti chinhu chakanaka.

Ndiri mudzimai waPresident, ndiri First Lady wenyu. Todakuonana tichipana rukudzo.

Handina ini musi wandakambosvora Mai Mujuru, handina ini kana zuva rimwechete.

Ndaingovasusukidza saizvozvo. Asi pazvasvika nhasi kudai, handifunge kuti vanhu ndingadai tichanyarara. Hatichambonyarari zvekare.

Anenge achinyarara kutyawo kwake hameno anenge apihwa mari. Zvinotingaite munhu, takazoenda kuma elections last year Baba vaka winner zvinemutsindo. Ivo Mai Mujuru nevanhu vavo vanovasupporter vakanga vasingade ma elections. Vanga vasingadi.

Vakanga vachiti izvo aiwa todakuramba tichishanad neMDC. Kuti tipihwe mari. Its not about kupihwa mari, nani wacho anopa mari? Vanopa ani wacho akamboipihwa toda kumboiona mari yacho.

Munoziva zvinoitika? Vakaona kuiti zinyekenyeke. Munhu asina maprinciples. Saka ndakataura inini kuti vakaona kuti zveMDC zvaramba vanofanira kutora someone within our party woshandiswa iyeye.

Vachipa Mai Mujuru mari, vachivapa zvinhu kuti vaite sei, vape vanhu saka makaona pamayouths conference pakashanda mari hatidi kunyeberana mari yakapainda.

Zvino makamboona vaMugabe vachidaro here? Kuti vaMugabe vanobva kumusororo uko kudzika down kucell uko vachiuya kuzo organiser vanhu.

Hunhu hwakanaka here ihwohwo? Uchi imposer vanhu, uchizviita position. Saka munenge muchiti zvatinenge tichiona izvozvo. Takati kunyarara hakusi kusataura. Hazvisi zvinhu zvinopa hunhu pamberi pevana kuit uiite izvozvo.

Saka uri kutaura kuti vana ve3se ava varikukuvenga vari kukunyebera? Ini ndakataura kuti izvo iyoyo nyaya yekuti MDC dzaka fomwa kumba kwavo neMavambo. Ndikataura kuti kuma diamonds variko.

Ngavauye apa. Havangazvirambi. Kumacompany kwakawanda vane ma10 percent. Ngavazvirambe tione. Zvino ndozvinoitwa here nemunhu anoda kutungamira nyika izvozvo. Aiwaka ndozvinoitwa here. And futi you know i exortion iyoyo, i extortion.

Nekuiti zvinoitika ndezvekuti unoenda uchintyisidzira vanhu because of your position uchita blackmail people. Kuti ukasandipa chakati hausi kugara muno muZimbabwe.

Ivo varungu ava nyangwe dai takavatorera minda, asi vane macompany avowo avakatangawo. Nyangwe dai paine indigenisation inoitwa but indigenisation haisi kuitirwa mhuri imwechete yekwa Mai Mujuru, inoitirwa munhu wese.

Kwese mukasvika hakuna kwavasina ma share. Ndoda kunyatsokutaurirai zvandinoziva inini kwete zvekunyepa. Aiwa hatidi kuti munhu aite nenzira iyoyo. And you are undermining the authority of the Head of State uchiita zvinhu uchironga husiku.

Kana wovaona masikati woti ndinokudai baba uchivanyepera. She must stop it. She must stop it. Iye zvino izvi pane murume akauya akabva, moziva vakanga vaka former company nevarungu, maBritish kuBritain yainzi ARC. Yainzi African Consolidated Resources.

Ndoyainge ichinzi ma diamonds ose muno muZimbabwe aende kwaMai Mujuru. Madiamonds ose even negold ne maminerals aende kwavo.

Nguva iyoyo kuma 2006, zvikarambwa kuti kwete madiamonds aya ndeye ndika yeZimbabwe. Hamungati mhuri imwechete ichatsvage vanhu vayo kuti va mine. Izvozvo kune kuri kuzvi postioner kuti ndikangowana mari ndozoishandisa, murikuzviona zviri kuitwa, ndozoishandisa kuti ndiite tropple Mugabe, ndidepote Mugabe.

Kutenga vanhu nemari iyoyo. Saka company iyoyo vakaita nharo vakaenda kumacourts vakamiramira zvikaramba. Asi zvaramba kudaro recently, not long ago, vakauya futi neumwe murume aibva kuma Emirates uko. Vakauya naye. Murume iyeye akanyeberwa ndikamunzwira tsitsi. Akanyeberwa kuti tine company yema diamonds inonzi ACR kunzi chitenga mashares imomo ndokupiwa ndofunga $10 million dollars pamwe ndiyo iri kusplashwa kudai.

Hameno zvakanzi $10 million hatizivi kuti imarii kana yakanga yakawanda ndizvowo.

Asi kunyebera munhu iwe uchiziva kuti zvakanzi kwete madiamonds ndee nyika asi unoramba uchidaro.

Hunhu hwakaita sei ihoho?

Zvainzi nyararai chete. Zvanzi nyararai.

Munoziva zvakazvaitika 2004. Let me just go back to 2004. Munoziva kuti Mnangagwa, Mnangagwa uyu Mnangagwa uyu. He is somebody we must respect. Munoziva zvaakaita Mnangagwa, Mnangagwa akavhoterwa nema provinces eight vachimuda kuti aiite Vice President, but nokuda kwekuti Baba vakati aiwa Mnangagwa you have to stand aside Mai Mujuru vapinde kuita Vice President.

Handina kumboziva kuti ndozvaakaita, handina kumboziva. Ndiri kutya ini, ndirikutya. Saka Mnangagwa akangoita exactly saizvozvo nokuti Mnangagwa anotya President.

Dai aida kuita nharo aingoti ndahwinha ini ndotopapinda kana kuti ndabva kubuda muparty. (inaudible)