First Lady’s address at Mucheke Stadium First Lady Amai Grace Mugabe addresses zanu-pf supporters at Mucheke Stadium in Masvingo
First Lady Amai Grace Mugabe addresses zanu-pf supporters at Mucheke Stadium, Masvingo, yesterday

First Lady Amai Grace Mugabe addresses zanu-pf supporters at Mucheke Stadium, Masvingo, yesterday

UZIVE kuti you are appointed, iwe wakapiwa chigaro. Waudzwa iwe kuti wapiwa chigaro haikona ku abuser chigaro ichocho. Vakawanda umu, vakawanda vakadzikama vanogona basa iroro. Vakadzidza, izvi zvitatu izvi, vanogona basa iroro. So don’t take position iyoyo yauinayo for granted nokuti mangwana uchasara wava wega.

Factionalism yakatotanga kupera nezuro kuHarare. Zvatauya nhasi kuno kuMasvingo, factionalism ngaitopera izvozvi. Hanzi kusina baba namai hakuendwe.

Listen to the full speech below

Nokuti ukaramba iwewe uchimisa gotsi kuti ndiko kwandiri kuenda, ko wauri kurwira iyeye akazoshaya unozoitasei? Unoenda kunani? Nokuti wauri kurwira iyeye akatorwirwawo?

Zvino iwe wapiwa basa wochirwira akapiwa basa, akaburitswa basa iwe ukaburitswa basa uchaenda kunani?? Kurumidza, kurumidza kudzoka. Kusina mai nababa hakuendwe. Kurumidza kudzoka.

Kunouku unoona zvinoitwa zvacho, zvakapusa zvinoitwa zvacho. Zvokunyatsoona kuti apaka apa wavakutoda kutodururira wisdom. Mukasa dururira wisdom apaka apa musi wazvinopera tichanzva kuti vanhu vaita stroke.

Gadzirirai kuimba gadzirirai. Nokuti vamwe vachaita stroke. Mukasa terera zvandiri kukuudzai iyezvino, muchaita stroke. Nokuti uchazvidya moyo.

Uchazvidya moyo kuti dai ndakangoterera zuva riya. Date ririkuti chii nhasi; 9. Musi wa 9 October, unyore pasi. Kuti dai ndakangoterera. Zvino dai inenge yakatopfuura kudhara.

Hatifaniri kunge tichiita zvinhu zvakadaro muno. Musaona vana mai Mahofa ava, mukafunga kuti mapenzi. Mukadzi mukuru uyu. Chandakaona paari, ane pfungwa dzine udzamu. Ndicharamba ndichiuya kwamuri imimi kudzidziso. Handimboregeri.

Ukavasvora iwewe. Ndakatoona kuti kune vamwe vanhu vanoshandiswa naMwari. I think she is one of them. That’s why ukaona vamira pane vanhu, havana chavanotya kutaura, nekuti shure yavo inenge yakachena. Zvitarise iwe pachako kuti zvandiri kuita izvi zvinosvika kupi?

Tinoda kuita dwell on this subject at length because yaputsa musangano vanhu vachifurirwa kuti uya kwangu iwe, zvinoda ini ndichazenge ndava kukutungamirira mangwana.

Tabva kuma election only last year. Aiwa veduwe, tikavhota zvakanaka kudaiso. Ko nguva yekuti maprogrammes ekuti vanhu vabudirire munoiwana kupi? Imi muri busy kupa vanhu mari nekutenga motokari muchipa vanhu? Haa don’t do that. Ino, zvaungaite dai muchitengeraa vanhu bhurugwa remukati zvirinani nekuti hapana anoriona. Hapana anoriona bhurugwa iroro. Ukatenga mota tichaiona. Tichabvunza kuti mota yakabvepi.

Asi mota painenge ichiti burururu apo tichaiona. Vanhu vazhinji vachaita inquisitive mubvunzo kuti asi nezvavari, mota yavari kufamba nayo iyi yakambobvepi? Zvino kana vanhu vava kuuya vava kuku confronter woti vakashata? Hatidi kudzikisa musangano wanga wakura. Hatidzidzei chidzidzo cha2008 kuti nyika yanga yaerera. Munoziva? Hanzi tinodzidza from the mistakes we make.

Takaita mistake 2008 vamwe vachiti bhora musango, bhora musango. Zvikasvika kupi? Vamwe ipapo nguva iyoyo ndofunga vanga votofunga kuti Zanu-PF yapera.

Kunedzimba dzevanhu dzatinoziva kunonzi maparty ose anonyuka ndokwaanogadzirwa. Ndokwaanogadzirwa ikoko. Zvino vaMugabe ziii zvavo, zvikanzi chatsidza chachemberar. Okay, tichaona kuti chatsidza chachembera ndiani. Tichachiona. Nekuti Mwari wekudenga, Mwari wekudenga haazi wekutamba naye. Ndirikuona kuti dzimwe dzenguva hatinzwisisi kuti sei tiri pasi pano.

Takauireyi? For what purpose? We all need each other, but tiri pano hatingadi kuita zvinhu zviri chaotic, kuti Mai Mugabe varikutonga nepapa, eeh Mai Mahofa nepapa apa, va Mavhaire nepapa, kwete. That’s why tichitsvaga leadership but tinotsvaga leadership ine wisdom, ine hungwaru.

Leadership yatinoziva kuti haingwengwendeki kana zvinhu zvaoma. Mhepo hatimbodzidi. Kune vamwe vano vhuvhuta kunge mhepo vakavharika kumeso vasingambozivi kwavari kuenda.

Zvino ungade kutevererana nemhepo iyoyo? Mhepo nespeed yainayo ungaibata? Thats why uchiona kuti munhu, munhu asina hunhu, speed yake haina kana kutombonaka. Haina kana kutombonaka. Izvozvo unoona, pose patinenge tiri yowee tinokufarirai, tinokudai. Asi day of reckoning richasvika. Nokuti party yaenda pasi.

Tine maprogrammes kuno uku anofanira kunge achibatsera vanhu. Ndirikunzwa kuti even nevamwe kusugar. Kubva pandabva kuHarare ndanga ndine mapaper ekuti sugar yanetsa. Ndiri kunzwa kuti vanhu vakurukuru vanopa President impression yekuti tiri kutora 10 000 hectares tichipa vanhu.

Zvadaro but kuno uku ndirikunzwa a different story, kuti vanhu havasikutombopiwa zvavaifanira kunge vachipiwa. Veduwe, veduwe, nyarai.

Munofanira kupota muchinyara nekuti vanhu vamugere navo vanenge vachiona, even vamwe vachona kana vachinge vazviona, nekuti vamwe vanotya Mwari. Usati iwe zvausingatyi Mwari vamwe havatyi Mwari.

Vamwe vanhu vaunenge uchishandisa ivavo ndivo vachanotaura, thats why zvichisvika. Usashamisike kuti zvinosvika sei. Uri kumupa mari, uri kumupa mota uri kutaura kuri asazvitaura but ari kuzvitaura be careful nekuti munhu wauri kushanda naye pamwe ispy. Spy yangu, inini. Handimbotsvagi spy, handiitsvagi. Nekuti ininika kana ndamira pamberi penyu ndinotaura zviri mumoyo wangu.

Nekuti inini handisikuzoti zuva riya rokutiizvo, huya iwe, uya ndimbo kupa mari, uya undiitire zvakati, handisi kuzoita izvozvo.

Kana ndada kuti ndinokutsvagirai zvandinokutsvagirai, ndichishanda nemi, ndinopa munhu wese, zviri pachena.

Nekuti hauzokwanisi kumira pamberi pevanhu uchitaura zvese, uchitsoropodza vanoita zvakashata nekuti iwe uchiziva kuti uri mukati mazvo. Zvino hunhu hwakadai, teerera regera kuita hunhu uhu.

Ndati kana usinga goni chera gomba ndidaidze ndiuye neexcavator tikubatsire usvipire mate akashata aya, uvhare ubve wati ndapfidza nhasi.

Nokuti, mondibvumidza ndotaura zvandinoda. Aah ko ndinotyei. Makandipa mandate yekutaura. Makambondiona makore ndigere muchair ndakanyarara muchindidzidzisa saka chimbomirai ndimbotora nguva. Ndipeiwo nguva yekuraira mhuri.

Veduwe tine programme yedu yeZim-Asset. Kunze kwekuti tione kuti tanyatsoizeya. Tikaona kuti chii chiri kuda kuitwa, kuti vanhu vabudirire. Isusu tiri busy kuti haa hazvina nebasa rese.

Ngatinzvisisei programme iyoyo kuti ikureveyi. Haisi kutaura izvo kuti tangonyora chete tongogadzika chibook apa, kwete, pane vanhu vakatofunga.

There are thinktanks vakauya nema ideas iwayo.

But kwava kuda imimi leadership vanomirira maprovince nemamwe maprovince kuti muite implement zviromo mublueprint iyoyo. Zvino kana muri busy kuti tiri kuenda ku Congress, haa va Mugabe vanotobva, iwe, haikona kutamba nemoto.

Uchatsva, kutsva zvigunwe ukatadza kunyora. Ndiri kutokutaurira.

Full audio clip is on www.herald.co.zw

You Might Also Like

Comments

Take our Survey

We value your opinion! Take a moment to complete our survey