Vamwe vari kutaura kuti Amai muri kutaura nyaya ye factionalism, musanetsekane maYouth, moment of truth ichasvika very soon.
Ndati vane dzimba dzema girazi musakande matombo, nekuti iye zvino izvi factionalism kana iripo vanhu vanoshandiswa asi kunenge kune munhu hwani ari kushandisa vanhu iyeye.
Ndiye manje akasaterera zvatiri kutaura kuti pasi ne factionalism, akasai stopper, ndati the moment of truth ichasvika.
MaYouth akambondikwenya, vakati Amai ngatiregei kuita zvemadimikira. Ari kuita nyaya ye factionalism, ivo vacho vari kutumwa ngavatitaurire kuti vari kutumwa nani timuendere manje feya feya. Ndakati aiwa chimbomirai, chimbomirai. Ndakati inini Baba, ndakati kuna Baba, baby dumping munoiziva here?

Zvikanzi ehe. Ndikati munhu iyeye arikutungamira factionalism toda kuti muite baby dumping.  Mukasa mudumper isusu tichamu dumper. Tichaita isu baby dumping nekuti zvino divider musangano. Zvati dhivhaidhira musangano. Ndasvika kuno uku kuine mood iya yekuti vanhu vanga vasingafari. Vakafana vaudzwa, iya inonzi indoctrination yekuudza munhu kuti unodai, unodai kana mai Mugabe vasvika, usasekerere. Zvino inini, inini handimbozvitsvagi, handina basa nazvo.

Nyangwe ndikataura ukasekerera ndezvako ukasasekerera ndezvako. Asi inini munhu iyeye mumwe chete iyeye ano leader nyaya ye factionalism, ndiye munhu umwe chete iyeye anotaura kuti onai mai Mugabe vane madiamonds avari kutengesa. Iwe uriwe une mugodhi wema diamonds, woenderera mberi wotaura iwewe kuti hanzi Mai Mugabe vanokara mari. Inini mabusiness angu andiri kuita ndakaatanga from scratch. Hapana chandakatorera munhu. Iwewe manje unoita basa re extortion usiku nesikati. Uchiita basa rekunotora ma10 percent kumacompany. Wondiudza iwewe, wondiudza iwewe kuti Mai Mugabe vanokara mari. Iwewe urikuenda uchinopiwa ma10 percent ugere, uchibhadharwa ugere. Hanzi kuripwa kugara. Kuripwa kugara?

Ndiwe woita turnaround wotaura iwewe kuti Mai Mugabe vanokara mari. Iwe ukasvika company yega yega 10 percent unayo, 10 percent ukaenda kupi. All the companies zita rako riri kubuda saka unofunga kuti vanhu vano kuvenga?

Kwete. Nyatsotererai. Factionalism urikuitungamira. Madiamonds uriko. Kuma company unema sheya ikoko. Saka ari corrupt ipapa ndini here kana kuti ndiwe?
Saka ndati Baba vakasaita baby dumping, tichaenda mberi nebaby dumping isusu. Ndo nyaya yandatoona kuti ndoingatoshande yekuenda kuno dumper mwana mustreet, agodyiwa nemagora mustreet imomo.

Ehe, nekuti kana takuita expose kana nhunzi chaidzo ukange wafa apo uchinhuwa hadzidi kutombosvika padhuze newe. Nekuti dzinenge dzavakutotya corruption iri pauri, nhunzi chaidzo. Kana imbwa chaidzo dzinenge dzavakutotya kusvika padhuze nekuti unenge wava kunhuwira munhu wega. Munozivaka vamwe vanhu they take advantage of their positions. Vanoona isu vana Mugabe tanga takanyarara vachitirima kusvika kunotenga masheya mumapepa kuti nyorai mukadzi waMugabe mumusvibise.

Muti kana nehama dzemurume wake hadzimude. Aah! Ko iwewe, une relationship yakaita sei nedzewako? Handifunge kuti izvozvo zvichakusvitsa kure. Kana uri munhu akangwara ibva watozvikanda pasi izvozvi. Nekuti, nekuti vanhu vati enough is enough. Hatichambodi. Ehee, nekuti zvese izvozvi zvinoitwa, kukanzi ku gold uriko.

Iyezvino izvi mwana wangu ari kupi, Russell huya pano. Ngauye zvake pano apa. Ari kupi Russell?  Iye zvino kunonzi Kitsiyatota. Ndamubvunza iye mwana wangu, he is my first born, mukomana uyu. Anoita mining kuKwekwe. Iye zvino kunonzi Kitsiyatota.

Kuri kunzi Kitsiyatota, munoona zvinoita vanhu. Iye munhu mukuru, mukadzi mukuru ndiye ariku organizer vamwe vanhu kuno torera vanhu mugodhi wavo. Wotora zvaakajaira kundiita toilet wokuti kana onzwa ondiisa mweya wakashata. Aiwa ngazvipere izvozvo. Ndamubvunza mwana uyu. Ndikati koiwewe zvinonzi Kitsiyatota, zvikanzi kwete kuda kusvibisa zita renyu Amai. Nekuti izvozvi ndakange ndakamboudzwa zvanzi Amai varikutora, ini ndanga ndisingambozivi kuti Kitsiyatota zvinorevei, handitombozivi zvinorevei. Ndiri kungofungidzira kuti ikangodirwa mvura kitsi iya inobva yatota. Izvozvo ngazvipere. Kujaira kushandisa zita revamwe. Ngazvipere. Factionalism muno yaora, kuora chaiko. Vanhu kutadza kufunga nefactionalism. Muno umu mune vana vakarwira hondo, vakafira hondo. Ngatiitei tichinyara, ngatiitei tichinyara. Hatiregei kupota tichidaro.

EDITOR’S NOTE: Kitsiyatota is an informal settlement just outside Bindura town where some gold was discovered and gold panners are mining.

You Might Also Like

Comments