We have no time for small minds: President
mugabe

President Mugabe is welcomed by Vice Presidents Cdes Emmerson Mnangagwa and Phelekezela Mphoko at Harare International Airport yesterday.- (Pictures by Tawanda Mudimu)

This is the full transcript of President Mugabe’s address to party supporters and senior Government officials who gathered to welcome him from his annual vacation at the Harare International Airport yesterday.PAMBERI neZanu-PF! Pamberi nekubatana! Nekubatana! Pasi nezvituta! Pasi nevasingade kubatana nevamwe! Icho! Icho! icho!

Cde (Emmerson) Mnangagwa naCde (Phelekhezela) Mphoko maVice President edu, nhengo dzePolitburo nevanotungamira zvikwata zvedu veYouth neMadzimai. MaWar veterans, ma detainees vana mujibha, vana chimbwido, vese varipano. Vashandi. Vanoti tsigira nguva yose, vanamati vechipositori.

Ndinoda kuvamba nekukutendai nekuuya kwamaita. Ndichitendesesa zvikuru kubatana kwanga kuripo mushure meCongress.

Tichitevera gwara ratanga tagara tinaro muZanu-PF rakasimbaradzwa kuCongress.

Ndinoda kuti tinehurombo takatora nguva yakati wande tiri kunze. Hatina kumbodya Christmas kuno, aiwa. VaMai Stop it! Vaive neparutivi pagara pachivarwadzwa. Tikati tinoda kunovhenekwa asi iyoyi nguva yatinoti vana nesu tose tiende kunovhenekwa kuti tionekwe kuti mukati umu makamira zvakanaka here? Zvino Mai vakanga vavakuzorwadziwa chose. Hameno kakanonzi kapart naMwari kanonzi appendix karimukati umu. Kune vamwe hazviitike, asi kune vamwe nguva nenguva paunodya iko kanenge kachishamao kachitambira mbichana, grain by grain. Zvino zvakanotambira hazvibude, zvozoorera mukati, zvorwadza munhu. Kakakuputikira ikako ndizvozvo mukati umu. Saka ndiko kakaonekwa kuti karikuvarwadza Mai. Kanonzi appendicitis kakabviswa.

Hakana basa rakanoita. Vanachiremba vanoti hakana basa rakanoita asi nguva nenguva vanhu vanokuvadzwa nako. Zvino Mai zvakatora nguva nekuti vanga vasingazive kuti chinovarwadza parutivi chii. Kakazobviswa zvakanaka.

Vakatobuda muchipatara marimwe zuro chaiwo iwo. Saka ndakatovasiya vavakuzorora.

Vanoti, ndakavati ini ko why did you say Stop It! Tichiseka zvedu. Vanoti endai neshoko rekuti “hatimire, forward ever, backwards never”.

Vatakati Stop It! Zvimbwasungata. Saka kuLeague vanoti rambai muchienderera mberi ndiri kuuya. Vakanzi vozorora kwema svondo maviri ane hafu. Asi vachazenge vachizouya pakati paFebruary. Saka ndavasiya vachitsutsumwa kuchema kuti mava kuenda, ndikati aiwa basa rino sungirwa kuitwa. Saka tinenge tichinzwa kuti muri kufambira mberi sei nezororo nekupora kweparutivi apa.

Zvino tanga tichinzwa zvanga zvichiitika. Tichitumirwa shoko zuva nezuva kuno kumusha.

Tinofara kuti Mwari akatipa mvura yakawanda yakazadza nzizi dzedu. Tinongova nehurombo kuti kune dzimwe nzvimbo yakawandisa ikazoita kuti zvidyarwa zvedu zvinyure. Ndinovimba makazodyarurura. Zvemvura zhinji zvakagara zviripo. Tichiri vadiki vakuru vaiti kana mumera wamuzodyara pa mwedzi weZvita, December wakundwa nemvura yakawandisa vaiti rambai muchidyarurura kudakara muna January. Mwari dzimwe nguva kazhinji anoyamura mvura yairamba ichinaya kudakara muna March. Saka ndizvo zvamunozokohwa izvozvo. Nedzimwe dzvimbo dzinenge dzisina kunyudzwa. Saka mukutenda Mwari kwedu, isu pachedu tinenge tichitsutsumwa kuti aah takarasikirwa nevanhu vakati kuti pamusana pema floods kune dzimwe dzvimbo.

Ndochizotiwo zvekare tanga tichiteerera zvanga zvichiitika. Hameno kuti chakapinda iyo wamunoti Gamatox iyeyu, chingave chii?

Ndotarira shure kuti kuvapa basa repamusorosoro, kuvaisa MuOffice ya President, ndimo mavakanga vari. Tichironga Congress navo zvakanaka vozonzvenga musi we Congress hatina kuziva kuti vaenda kupi? Takangozonzwa kuti aah vati ndiri kurwara vava kuSouth Africa. Ndo zvinochitwa izvozvo? Kuri kutiza kutiza, ko chauri kutiza chii murume mukuru? Zvino vava ikoko vonyorera vanaZuma (South African President) nezve Zanu-PF, Zuma anozvizivira kupi?

Ndangariro, asi kuye kunonzi kwepfungwa dzinenge dzapazika. Kwanga kwavabata here? Ndangariro dzanga dzaenda here? Handizivi kuti murume watagara naye ari pamusoro ari muOffice ya President, achibata intelligence and security angaita pfungwa yekusaziva here kuti zvese zviito zvemusangano, ndezve musangano. Anenge achiti atadzirwa, nzira iripo yekumhan’ara kumusangano. Hoo, hauchada iwe kutevera nzira dzemusangano? KwaMakoni vovhota kuti vanoenda ku Central Committee ndevapi? Waruza iwe, party yaruza? Party yaruza? ‘Uyai mundibatsire! zvinonzi ‘We’, zipepa racho. Muri vanani? ‘We, we,we’ zvekunyepa. A stupid fool cannot be corrected. Dhongi rinenge rarasika rinokuma, rokuma. So there is nothing you can do to a stray braying ass, braying ass iri kukuma zvayo iriri ukoko. Anywhere, basa redu ngarienderere mberi.

Vakanzi, vakanzi imi ibvai muzvigaro havana kunzi hamusisiri nhengo dze muparty. Vakatandwa sa (Rugare) Gumbo na Jabulani (Sibanda) ndivo vatakatanda so far. Ndivo vane mazita akauya kuPolitiburo tikati ngavabve.

Vamwe kana pane marecommendations, vauyazve, tichagara pasi. Chandingangode chete ndechekuti vanhu ava vakabviswa pazvigaro inhengo, vaine macards avo, inhengo dzemusangano vatinenge tisisada kuti vava hatichavada mumusangano tinenge tichikuudzai.

Tinoda kuti makorokoto kumaVice President edu VaMnangagwa navaMphoko. Ivai noruzivo rwokuti kune vamwe vasinga vade asi party kana yati tavada, ndizvozvo.

Va Mnangagwa havasisiri mutungamiri we Midlands chete, vava mutungamiri wenyika. VaMphoko havasisiri a leader of Matabeleland, aiwa, vava a national leader. Saka ndizvo zvatinoda kuti ivai neruzivo irworwo.

Ivo pachavo munhu woga woga nhengo yeparty munhu wavo, zvisinei kuti anobva kudivi ripi neripi neripi, ndizvo zvinoumba hunhu. Saka tinoda kuchengetedza izvozvo.

Tauya tine zvichemo zvakati kuti zvevanhu vane misha wakarakashwa nemvura vasina pekugara. Tine vachazonge vasina zvekukohwa, vose ivavo vanhu vatinosungirwa kuongorora kuti mhuri dzavo dzakagarisana sei. Zvikoro zvimwe zvakadonha, totarisa ikoko. Dzimba muma dhorobha dzimwe dzakadonha, hadzichagarika. Totarisana nemhuri dzacho.

Rubatsiro tinosungirwa kuvanarwo. Hongu tingave nekushomeka kwemari mauiro ainoota asi tino sungirwa kuchama panguva ino kuti mabasa edu anotipa mari, anotipa hupfumi, kumigodhi, mune zvekurima, kuma factory, kuma informal sector, mushando inoitwa nemadzimai edu nevamwe varume wo. Zvose izvi tishingirire kuti zvitipe pundtso, kwazvo kwazvo pagore rino iri ratinoziva kuti mvura yakatirakasha. Tinoda zvekare kuti party isimbaradzwe. VaKasukuwere vanga vachindifonera vachiti ndiri kuita basa rokufambira maprovince vachimisa zvakanaka. Kumisa zvakanaka maprovince anga akaminama. Hatidi vanga vachingosairirwa, vachingonzi ava ndivo vanhu vangu. Ko unoti ava ndivo vanhu vangu ko ava vawasiya vanhu vaani? Ndiyo nyaya iyoyo yandisinganzwisisi yaive naMai Mujuru ava vava vangu, ava vava vangu ava tava navo kwedu. Kwenyu kupi zvekare? Saivava vanaGamatox ka.

Asi toshanda nekushanda kukuru, toona kuti vana kuzvikoro hapana here vana mai nana baba vakakanganiswa nemvura vasisina mabasa varege kushaiswa chikoro. Hapana vanofanirwa kushaiswa zvikoro pamusana pekuti vanababa nanamai varombo kana kuti vashaya School fees hatidi.

Maticha, maticha, tive nekunzwisisa. Vashandi vedu, ma civil servants, vadzidzisi tine urombo nemi zvechokwadi. Asi kana tati iye zvino zviri kutinetsa kuti tiwane mari yakakwana yekuku bhadharai panguva ino movavo nekunzwisisa nokuti nguva yatiri haisi nguva yehupfumi. Inguva yekushanda chose, kuzvipira. Tose tive nekuzvipira. Iva neruzivo, hongu magara muchizvipira. Nevadzidzisi tinehurombo. Asi kana tati tine chikwereti nemi tinokubhadharai. Tinenge tine chokwadi chekuti, taunganidza mari, nekuti handi madhora mashomane. Mamillions nemamillions atinosungirwa kuwana, kubhadhara vanhu, maticha, masoja edu, vashandi macivil service vose kuitira vakwane.

Saka zvinongoremera vaChinamasa (Finance Minister) kuti vawane mari yekuparadzira kwese uku. Asi vakazviedza. Tichange tichiona kuti zvandataura izvi kuti nhengo dzedu dzandati dzino sungirwa kutipa mari, vatiratidze kuti mari yedu haisikuita ichienda kunedzimwe nyika, goridhe richienda nerwe seri kunyika dzana South Africa nedzimwe nyika, smuggling ichiitwa, corruption irimo, vanhu vachizvibhadhara mumacompany mazimari aripamusoro asi vamwe vachitambudzika. Inzvimbo dzose dzinoda kuongororwa idzodzo idzi.

Nekukanzuru,makanzuru ose ngaaongororwe ne macouncillors ngaaongororwe.

Hatidiwo zve chivake vake ichi chirikuita kuti munhu angoona gwanza avakuti aah gwanza iri harina munhu ndonovakawo.

Aiwa handizvo zvatinoita. Handizvo kwete. Vanhu munotevera tsika nemirawo. Kana inga kumaruzevha takati kune resettlement tikati vanhu vanoramba varimuma village akaitwa maraini kare ngavarege kunovakira dzimba kuhufuro.

Ko tikavakira dzimba kuhufuro ko mombe dzonozofurira kupi?

Saka tinofara nerubatsiro rwamakapa vanenge vachikwanisa kuparubatsiro kune avo vakarozvwa, tinovatenda zvikuru.

Kuma disasters, tinonzwa kuti kwakaita disaster kuNyamapanda here somewhere kana kunzira yekuNyamapanda.

Tikafirwa nevaridzi, asi pakava nevanhu vakapa rubatsiro, tinovatenda zvikuru.

Kana tafirwa kudaro, tarasikirwa nevana vatanga tichazokudza kuti vave vachengeti vemhuri dzavo, vave vatsigiri vehurumende, vave vatsigiri vemusangano, tine hurombo nezvakaitika ikoko.

Mayouth edu, ogarnaizai zvakanaka. Tinoda gwara,gwara, gwara.

Kana muchiita basa renyu muri mugwara hapana anoti pwee kwamuri.

Asi mukarasika gwara nezviito zvenyu zvinorasikawo. Vanamai zvimwe chetezvo, ngatichengetedzei gwara remusangano.

Tochengetedza zvakare policy dzemusangano.

Tive nokubatana paprovince yoga, yoga; padistrict yoga, yoga; pa branch roga, roga.

Nhengo idzodzo dzibatane. Ndopatingazoti tava nemusangano wakati twi.

Ndinovimba kuti ndozviri kucherechedzwa nava Kasukuwere pavari kuenda nzvimbo nenzvimbo.

Ehe.

Ndopedzisira ndichiti pane vatakavakidzana navo ndichiti eeh aiwa congress yatakaita yaiva Zanu-PF.

Mapato edu anotibatanidza Sadc, Comesa neAfrican Union misangano kwete yevanhu pachavo asi yenyika dzavo.

Naizvozvo Gamatox kana avhiringika achifunga kuti nyaya dzeZanu dzinoyambutswa dzoenda kuSadc kana uko vanhu vanoti asi munhu uyu ibenzi kani?

Nyika ndoinouya nezvichemo zvayo kwete vanhu.

So these organisations are not organisations of membership of individuals, it’s the membership of countries, of nations. Ndozvazviri.

Ndozvakaitawo United Nations even, saka ichinzi United Nations.

Isu munyika medu ndisu tine the people’s party. Saka nyaya dzeZanu dzinotongwa kuZanu.

Kana ani wekunze achipindira tinomuti hamba, hatikuzive, ndiwe ani?

Aiwa ndinotenda. Ndadzoka, ndadzoka kubasa, ehe gear tinoisa gear.

Gear remberi kuti ndima dzakasarira shure tidzibate dzienderere mberi.

Tienderere mberi nomusangano, tienderere mberi neZim-Asset.

Zim Asset yedu.

Ava vanouya nezvichemo zvavo zvakatongwa kare varege kutikanganisa.

Kana paine zvichemo zvitsva hongu tagara tichizvinzwa.

Tirege kumiswa nanaGamatox, no!

We will have no time for individuals of little brains, disorganised mentally, deranged, if not close to being insane.

Batanai.

Mukaona vamwe vachienda izvozvi izvi, vatosvika nekuvarungu kare tava neruzivo rwekuti vamwe vasvasvamhira ku America kuti tibatsirei, vamwe vasvasvamhira kuBritain kuti huyai mupindire munyaya dzedu.

Ndopatinomiraka ipapo kuti Zimbabwe for Zimbabweans, Zimbabwe for Zimbabweans, America for?…. Americans.

Saka Zimbabwe will never be a colony again.

Aiwa ndoda kutenda ndoda kumbonozorora zuva ranhasi takamirira kunzwa zvinobuda kuZambia kuti wazobuda shudhu ndiani.

Saka hatisirisu tinosarudza kwete, vanozvisarudzira, hama dzedu idzodzo dzekuZambia.

Wavanosarudza iyeye ndiye watinopa rukudzo sezvavanoitawo ivo kwatiri.

Pamberi nekubatana!
Pamberi neWomen’s League!
Pamberi Youths League!
NemaWar veterans!
War detainees!
Nemisangano yavo yese
Pamberi nevabhuru vedu vechipositoru
Nekubatana
Nekubatana
Nekusadzokera shure.
Ndatenda!

You Might Also Like

Comments