We all played a part in the liberation struggle

1903-1-1-PAGE 1 PRESIDENT OPENS GUTI UNIVERSITY (6)The following is President Mugabe’s address to thousands of people who gathered at Chipadze Stadium in Bindura after he officially opened the Zimbabwe Assemblies of God Africa (ZAOGA)-run university.Pamberi ne zanu-PF! Pamberi ne zanu-PF! neChimurenga, neChimurenga! Pamberi nekugutsa vanhu! Nekugutsa vanhu! Nefundo kuvana! Nefundo kuvana! Utano kuvanhu! Utano kuvahu! Pamberi nokubatana! Pamberi nokubatana! Nokunzwanana! Nokubatsirana! Pasi ne MDC. Va president vedu ve Senate Mai (Edna) Madzongwe vari pano, Minister vaKasukuwere (Saviour) vanova ndo Minister vedu veku Local Governance asi kuparty varivo vanonzi mai vemusangano, commissar vedu. Ndanzwa kuti kune vamwe ma minister vabva kune dzimwe nzvimbo, VaMzembi (Walter) vari pano ndinovacherechedzawo, Mai Resident Minister veHarare vaChikukwa (Miriam) ndinovacherechedzawo, vaDinha (Adv Martin) vanova ndova Resident Minister kuno naivowo zvakare nyangwe variiwo varikutitambira zuva ranhasi kuno asi tinodawo kuvacherechedza pamusangano uno sevakuru.

Chairman vedu veMashonaland Central province va(Dickson) Mafios nemhuri yavo yeExecutive yese yeprovince, ma war veterans vari pano. VaChipanga (Kudzanayi) vanova ndivo deputy secretary wema youths nevamwe vangadai varipano. Vamwe vakamiririra madzimaiwo vari pano mose tinofara kuti mauyawo pamusangano uno.

Aiwa rwendo rwuno tanga tauya takanangana nenyaya yechikoro chikuru ichi chatavhura muno. Mashonaland Central yaive province yakanga yakadzikira panyaya yefundo. Yaingozivikanwa chete kuti yaingova neHoward, Mazowe yakazouya mushure asi yaingonzi kune Howard, Howard chete. Saka zvikoro zvaiwe zvishoma. Saka hazvina kuita kuti vanhu vakwanise kuvawo vazhinji vanofunda kudivi rino iri. Asi zvisinei takazova nenyika yedu takagadziridza izvozvo uyezve zvikoro zvawanda saka iyi iUniversity yechipiri. Kune Bindura University yakavamba kare yamunoziva.

Ndinoda kutenda nezvandaudzwa navaDinha nava Mafios wo zvakare kuti kudya kurikuuya kurikugovewa zvakanaka asi kune nzvimbo dzinoda kuti kupamhidzirwe. Tichange tichiona kuti zvaitwa izvozvo. Seruzivo rwuripo kare kunana Kasukuwere nevamwe vatinoshahanda navo muCabinet, kudya kuripo, chinoti nonoke itransport. Ndoinenge isinga kurumidze kusvitsa kudya kuvanhu zvakare kusvitsa kudya kwacho kwakakwana. Saka vanhu vanobva vangobvutidzana zvishoma izvozvo zvinenge zvasvika. Zvisinei tinotenda kuti pakubvutidzana ikoko munenge munoruzivowo kuti dai takwana tose.

Hatisati tanzwa kunzi kune nzvimbo kwakaitika rufu pamusana penzara, hatingade kunzwa izvozvo. Nemiwo mukanzwa kuti kune nzvimbo yabva yatambudzika zvikurukuru kana pane zvamunogona kuita panguva iyoyo itai isu tichigadzirira kuti kudya kusvike kunzvimbo idzodzo. Saka tichange tichiona kuti tingagadziridze sei nyaya yetransport iyoyo. Asi ndauya kuno uku, ndinoti ndauya kunzvimbo yatinoti iyo yemavambo yemarwiro edu erusununguko atakati ava matsva, ava nomusandu. Ndokwakavamba guerilla struggle, proper guerilla struggle on proper lines. Kana vana (Ian) Smith taiva mumajeri isu asi vakadura vakati aah rwendo rwuno zvatakuona zvaanomusandu, hazvisisiri zvechinyakare, totosimba, vaive vana Smith ivavo kuti aiwa pava nemusandu pakurwiswa kwatiri kuitwa. Zvavambira kupi kupurazi riya rinonzi Altena Farm.

Hameno kuti papurazi ipapo pane zvatakaita here kana zvatirikuta kuti tive nemufananidzi wekuti pane chiyeurudzo chekuti mangwana toti tazoenda vadiki vedu vanenge vachiudzwa kuti pano apa ndopakavamba chaizvoizvo usandu hwekurwisa mabhunu. Kana zvisati zvaitwa tingade kuti tigare pasi nana Kasukuwere nevamwe vekuno kuti tione kuti papurazi ipapo chii chatingaite. Kana papurazi iroro rinofanirwa kutorwa kuti rive mumaoko edu futi.

Kareko taingoti vana vanenge vanzi vanodzidziswa pfuti — vatatu, vana, vatanhatu kunyangwe kusvika gumi — chimboendai, yambukai Zambezi munonoona zvekuita kumusha kune vanhu vachakutambirai. Voenda vakatakura mikwende, ukuku vane pfuti, uku vane zvokudya netumatsimba twavo pakuyambuka kwavo vanokwira makomo emuna Zambezi iwawo amunoziva. Mvura yacho yokunwa matsime aizivikanwa vaifana vagarirwa mumatsime imomo vasvika vabatwa, vasvika vabatwa. Isu toti tirikuno kumusha ko seiko tichingoti nekuti taiva mumajeri ka vauya vabatwa nekuti vaiti vakauya mumajeri toziva votiudza kuti aah ndomafambiro ataita aya takabatwa pakati, takabatwa pakati toti vakanga vachigaririrwa munzvimbo dzavanonwa mvura, nzvimbo dzavanopihwa sadza. Zvino paAltina ndopakazovambwa marwiro akataurwa navaMao (Tse-Tung) kuti ndiwo anofanirwa kuitwa.

Imi hamungoenda chete nepfuti muchitonorwisa mubhunu aiwa, zivai kuti mubhunu anenge ane pfuti dzakakura kupfuura dzenyu zvakare vanenge vane huwandu hwemasoja kupfuura imimi muri vashoma. Saka huwandu hwenyu imi vanhu vazhinji. Vanhu pahuzhinji hwavo ndivo vanosungirwa kukutsigirai imi moenda pakati pevanhu movadzidzisa kuti kune hondo yerusununguko. Vova ivo maziso enyu, nzeve dzenyu, zvakare vanokuchengetai, vanokubikirai, zvakare kana marwara, ehe vanokuchengetai. Asi pakati pavo vaine vana vamunogonawo kutora vachienda kunze. Saka itai sehove imi vanhu vatakurei futi. Vanhu ndivo mvura yenyu. Hove hairarame iri kunze kwemvura, saka ruzhinji rwevanhu rwova mvura inokubatai ichikubatsirai inokuraramisai inoita kuti mufambe muenderere mberi. Ndopakauya tsika iyoyo itsva yokurwa nayo. Ndosaka vana Smith vakademba kuti aaah zvauya iyezvinezvi zvava zvitsva which is why taive mumajeri tichirwa vachidemba kudaro.

Saka kuno kuMashonaland Central kune mbiri iyoyo. Kune mbiri yekubatana kwevanhu, kune mbiri yekuenderera mberi kwevanhu, kutsigira chimurenga. Kana va MPs vachitiudza kuti aaah isu tinotsvaira pama elections hazvishamise nokutika ndiko kwakavambwa struggle zvinoka chokwadi. Varwi verusununguko vakabva kuma province akasiyanasiyana. Hapana province yatingati iyi yakasaririra shure. Hongu kungadai kwakaita vazhinji vamwe sokunoku vazhinji vamwe vanobva kuManicaland and so on and so forth. Asi hazvireve kuti kune dzimwe nzvimbo dzese kwakanga kusina aiwa. Zapuwo yaiitawo izvozvo kuMatabeleland vachitorawo part of Mashonaland West kunana Hurungwe nana maarea eku Kariba iyo iya iyi. Saka vaipinda naikoko asi pamusana pekutadzirana kwakavapo kuZAPU nana Chikerema nana Nyandoro vakurwisana vachiti ah no munetribalism vanaChikerema vakubuda vachinovamba FROLIZI . ZAPU yakamboti dzikirei pasi . . . asi ZANLA yakangoramba ichienderera mberi. Asi tazosvika zvino muna 1976-77 vakazozviumba patsva eh ZIPRA vakazotuma vanhu vakatiwande kunze. Patakazosvika 1979 kuLancaster vakanga vane dzamatsama remacomrades ratakanyoresa.

ZANLA yakanyoresa kuti tine 22 000, iyo ZIPRA ikanyoresa kuti tine 16 000 zvichiitirwa pakupinda kwatakaita kuti kana togamuchirwa divi redu kunogamuchirwa vakawanda sei. Now hondo yechimurenga yakarwirwa kuti ruzhinji rwevanhu vave nerugare, vave nerufaro, vave zvakare varidzi venyika varidzi vevhu, mabhunu vachitorerwa mapurazi.

Ndosaka takati isu kuLancaster kunodiwa land reform programme yokuti titore mapurazi asi maBritish aifanirwa kubhadhara compensation yevanavavo. Kwete kuti vanhu vedu isu vabhadhariswe mapurazi iwaya nekuti havana kunge vamboatengerwa. Havana kumbenge vapuhwa mari kuti taakutenga mapurazi iwaya kuti taakukutengerai mapurazi iwaya.

Haana kutenga kuvatema akatorwa nechisimba saka isu hatingazobhadhara vakatitorera nechisimba mari. Imi maBritish ndimi munosungirwa kuvabhadhara .Vakabvuma kuti ehee kunyange vakazonzvenga paapashure vanaBlair vaakuda kutimanikidza kuti tibhadhare.

Ndipo patakazosiyana navoka kunyanya. Zvino yandinoda kutaura ndeyekuti mawar veterans ngatizivei kuti hondo patakairwa iyi takairwa pamwechete nevanhu. Tabudirira takati vanhu, the people’s war is over, our people are free. Vanhu vedu vaanerusununguko, vanhu vedu vane nyika yavo, naizvozvo vanhu vedu vane simba iroro, ndivo vane samba rekusarudza vatungamiri — kusarudza hurumende.

Hatinakuti isu varwi vehondo zvavari ivo vaiva nepfuti ndivo vachazova mberi pakutonga aiwa. Takati isu pfuti inotungamirirwa nepolitics. Ndiwo marwiro ataiita. Saka kana paine vamwe varasa pfungwa ndidzodzatirikuda kuti dzitwasanuke idzodzo. Kunyangova paine vamwe vanoda kuti timire kumawar veterans kwedu kuve negroup inonzi it’s a political group yemawar veterans.

Zuva remaelections rasvika tinga hwine here? Saka isu takati mawar veterans zvino ndimi maive nyanzvi dzekurwira nyika yedu saka pindai mumusangano muve nesimba rekuti pamunogona kutungamirira motungamiririra muchipa vanhu simba rekuti vabatane pamwechete asi vari vanhu vazhinji vedu member dzeparty muve nhengo dzeparty imi kwete kuti muzvisarudze momira kunze kweparty.

Aah. Handizvoba. Saka takati tinoda zuva mawar veterans, ehe musvondo rekutanga ra April ramuchanzi muuye kuHarare tisanonyatsotaurirana nyaya idzodzo. Asi tinenge tichida kunzwa zvichemo zvenyu tinyatsoita ruzivo rwekuti vamwe vana vavo vanga vasinga bhadharirwe ehe, kwakanga kusingauye rubatsiro runosungirwa kunge rwuchiuya kwamuri. Zvichemo izvozvo tinoda kuzenge tichizvinzwa asi isuwo tinofanira kutwasanura pfungwa dzine vamwe and pfungwa dzacho dzirikubva dzapihwa vadiki vedu dzakakombama kudaro kuti ah ngavatuke First Lady ngavatuke President.

Mukatarisa zviri kuenda Internet kutuka kusina kunaka kunonzi padano renyu kutukirira nemazwi etsvina, kufundisa vana kudaro. Zvichibva pai, mupfungwa yaana Chris Mutsvangwa. Pfungwa yacho ndeyekuti ahh, President vagarisa dai vabva. Ko kana ndichibva handiti takabva kumaelections, ko takaenderei kumaelections, takaenda kumaelections kuti ndibve pakati peterm yacho isati yapera here?

Mirai tiende kuCongresska. Kana paine vamwe vamunofunga kuti ava ndivo vangagone basa kupfuura President movaisa mberizve. Congress ikati yaa ava ndivo vatada fine. Saka ndipo patiri kusiyana ipapo nevamwe venyu ende vanobva vada kuenda mberi, vachienda kupi nemaChina vese vanobva vaudzwa kuti taakuda mutungamiriri mutsva.

Zvino chii chiri kuitwa izvozvo. Ini ndiri kuAfrica uku, AU, asi ivo vari kurima President kuno asi ini ndiri kuyedza kusimudzira zita re Zimbabwe, aahh.

25 to 35 minutes

Ko ideology inonzi ideology rufundo rwataipa rwakaenda kupi? Zvakapera? Kuti haa unosungirwa kupa rukudzo kuvatungamiriri, zvakare kana paine nyaya kuine ma contradictions anogarirwa pasi mumusangano mokurukura moona kuti gwara ramungatora nderipi. Ndo zvatinoita kumusangano.

Kana munhu warasika, arasika waenda tome waenda tome saka hatidi kuti vanhu vatakagara navo hondo vakatambudzika nokuti wazouya kuno kumusha waona kuti aaa ukatora rimwe gwara ringakupe mufaro unopfuura wauinawo wobva watsvedza kudaro izvo Kwete. Hatidi matsvedzero erudzi irworwo saka ma war veterans huyai ku Harare muchapiwha date muna April svondo rekutanga tikurukurirane and hapana zvekutyanana tinenge tichiti taurai zvirikumoyo kwenyu . Kana maakuda kuti vatungamiri vabve, ini ndibve ndinobvaka kana madaro, zvauya nokuparty but zvinokubatsirai here iyezvino.

Vana Mujuru vakada kuzviita muna 2008 nana Simba Makoni nana Dumiso ndokubva vabatana. Mujuru waiti aa no vanhu havangatambudzike muno munyika achitaura nenyaya yema sanctions aakupomera ini ma sanctions acho. Havangatambudzike pamusana pemunhu mumwechete, people cannot suffer because of one person, Mugabe, ngaabve horaiti saka ngaabve netsika ipi, ngativambei imwe party ndokubva vatsveterana nana Simba Makoni ndokuita chi party chavo ichochi chainzi mavambo. Aaaa vakazosiyana vasati vambosvika kuma election asi zvavakazoita ndezvekuti, vofamba muma province vachiti aaa kuma elections regai kuvhotera President akawhina kare asi mamwe ma constituencies ava ma delegates ehe and takazobuda 2008 taruza. We got 43% Tsvangirai akawana 47% asi constitution yedu yenyika yaiti kana makwikwi ari evanhu vanopfuura vaviri, makwikwi ehu President anowhina anosungirwa kuwana 50% plus. Ndozvakandiponesa chete izvozvo nokuti vamwe vakadanzuka vachinovhotera Simba Makoni vamwe vakanzi regai kuvhota President akawhinha kare kuuraya party izvozvo pfungwa yave yei, a mistaken view yekuti aaa kana president akaruza ndiye anenge aruza, tikawana majority chete ku parliament neku senate aaa tozoita Government iye anenge aruza tozofoma isu cabinet yatinoda na leader watinoda vasingazive kuti Kwete yerudzi irworwo yokuti mune majority ku parliament yakafa patakabva yehu Prime Minister na president Banana ndopatainzi ve parliament kana anenge awana majority ndiye anozosarudzwa anonzi asarudze kuita hurumende yake iye ari prime minister .

Iyiyi yi yi ye executive presidency ndeyana Goliath yekuti isa wako umu munhanga isu tiisewo wedu anodemwa iyeyu akademwa nerudzi rwake rwese vakamumirira varuza. Ndiyo yatiinayoka executive iyi. Saka if the president loses hazvinei kuti wawhinha ku parliament aa waruza uyuyu hazvinei kuti anevanhu vashoma ku parliament anonzi iwe chiita hurumende yaunoda, unokwanisa kutora vamwe vanobva ku party yako nevamwe vanobva ku party dzevamwewo futi woisa hurumende yako as long as the presidencial candidate wins ndizvozvo and if you lose zvafa kwenyu. Takaedza kuvadungunurira mava mumashure zvikanzi aa ndozvazviri! Tikati ee ndozvazviri dai takanga taruzisa zvekuti Tsvangirai awana 50% plus dai ndisina hurumende yanga yaingeyakatorwa but chionai zvakaitika even ipapo isu tine 43% Tsvangirai 47. America, ma British ku Europe zvikanzi aaa ndizvozvo ma elections achaitwa eyi, kana ku SADC vamwe vana Thabo Mbeki vakanga vati its usless for you to go to another election no one will recognise them ehee neku AU but takaita insist tikati no we go to elections on the basis of our constitution and our laws. Law yedu haibvumire kuti kana munhu asina kuwana 50% plus anzi awhinha. Saka we must have a run off, ndokusaka takazoita run off vanhu vachenjera zvino ndoopatakazowhina. Tsvangirai akafunga kuti zvaawhinha uku angazowhinha ndokubva anyoresa kuti ehee, tazova pakati aona kuti aa akunoruza aakufurirwa kuti aa iwe urikunoruza ndokubva ati aa ndaakubuda mu election zvikanzi hazvichaita watobatwa neriva wagara wapinda wapinda. So ngativei vanhu vanehungwaru tirege kungozvidhivida chionai zvi party zvirikungokwachuka, uyo abuda nepapa ada kuita zvake kana ku MDC ikoko vanobuda vanoti taakuita chimwe chi party, chi party ichocho chokwachukawo futi havana ideology, Havana pfungwa dzakanaka, Havana zvinangwa zvinovabata Havana zvakare history yatingati history ye struggle yavanotarira shure kuti takabva kupi navanaani chii hatakaitawo ikoko. Chavanongoda chii Mugabe ngaabve Mugabe ngaabve chete. Zanu ngaibve Zanu ngaibve ko vakabva chamunoda kuitira vanhu chii? Hapana.

 

35-45

Ah mabhunu ehee ndo policy dzavo. Mabhunu ngaadzoserwe ma praz avo, zvino ungaterere iyezvino zvonzi mabhunu ngaadzoke?Vouya vachiti chii? Kuti ibvai pama praz iyenhasi uno? Ahhhhhhh.

Vana Tsvangirayi ndozvavari kuda izvozvo kuti ngava dzoserwe ma praz avo. Hanzi ma praz avo, avo?! Zvichireva kuti nyika yavo yavo. Hapachina pfungwa yekuti ma praz iwaya inyika yedu yavanga vatora kaiyi, nechisimba, zvino takatora kudzosera kuvanhu ne chisimbawo. Iwe woti kuti ngava, iwe woti ngavadzoserwe, uchiri wedu here pachivanhu? Mazviona?

Mai Mujuru ndevenyu ka kunoku? Madzimai akati yaah takuda kuti pane mapresident matatu, president nema vice mumwe ari mudzimai. Ndokubva madzimai vafarisisa including Mai Mugabe ava, zvikanzi toisa Mai Mujuru, toisa vakanaka. Tovarera, takavarera zvakati kuti nekuti kwavakabva kure, taitoti endai kuchikoro kuti vazvisimudzireiwo. Panyaya yefundo vanga vazvi simudzira. Zvino hameno pfungwa yakazouya sei, yekuti ahh zvandava pachigaro che number 2 ichi, iyo number one haigoneke here? Number one haigoneke here? Ahhhh taiwona zvekuonerera, kwavaienda vachipihwa nyungururwi. Munodziziva nyungururwi? Zvinodzoiswa muchirongo ……………. Zvorwisana, imwe ndinika, imwe ndivo, hameno kuti ipapa kuti yairumwa ichikurira dzimwe ndeipi. Asi vakazonzi aiwa, nekumapositora zvikanzi aa rasai izvi, neku n’anga. Asi vaizviti tiri veku Salvation Army, tino namato ikoko. Zvino zvinofambirana neku namata here? Hameno. Ezvino varikuti vari kuti kuti ahhh no vane masecrets akati kuti, ezvanga zvichiitwa ku Zanu.

Vakutaura kuti ma election aitwa rig. Ko aitwa rig urikupi iwewe? Ok wonoudza nhingi,Tsvangirayi kuti hee taita rig ma elections, wochitaura kuti ehee, ivo vairiga uripapi? Ini handizive kuti maelection airigwa, vanhu vaingo enda kuma election fair fair, vachi vhota vachiwonekwa pachena chena apana kwainzi imi vhotai kaviri vamwe katatu. Atina kumbodaro hatimbofa taka biridzira maelection isu.

Kotino biridzira vanhu tinenge tisina here support? Right, party inoda kuramba yakasungana, hatina kusungana zvakakwana ezvino. Kune nzvimbo, tanga tichikuudzai nezvimwe zvanga zvichiitika, nekuma youth kwedu futi kwanga kune nyaya dzanga dzichiitika. Kwete chete kuma war veterans. Saka nyaya imwe chete iyo ye ambition,ye number one iyoyi. Zvino number one ka ndiyo yakapihwa VaMugabe 2013, kuti ndimi moenda pa number one.

Ko for five years ka? Tozoenda kuma election kucongress kwedu five years dzapera. Aninge achida number one wouya pamberi , woti ahh ini ndanga ndichidawo kuno kwikwidza hazvirambidzwe. Vanhu kana vakuvhotera vakuvhotera zve. Zvino, hameno imi mongoramba makateya wonzeve, nekuti pfungwa dzacho dzingaku svikireiwo and hatidi kuti mutengwe hatidi kuti muudzwe zvisirizvo.

Kuma war veterans edu hatidi zvakare kuti muudzwe zvisirizvo, muudzwe zvekutukirira maleaders, aiwa, hatidi ba. Musangano wanga wadanwa wakazo unzwa mapurisa atina kunge tambouziva isu , kana. Chawanga wadanidzirwa hatimbo chiziva. Nekuti tanga tisina kumboudzwa. Va Sekeramayi ndi secretary vacho vanga vasina kumboudzwa. Saka takati toita musangano wakanaka muna April, vanhu mokokwa zvakanaka. Ma leaders vanenge varipo todana vese vataive navo kuhondo, vana Sekeramayi vana Minister muno muziva, minister ari ku security mazuvano, hamumuzive perhaps vamwe vacho, murufu uyu anonzi Mohadi. Ndeve kusecurtity vaive kuhondo vaive ku Zipra.

Saka vese vanouya ivavo, ne veku defense toda kuti vavepo ikoko. Kune commander vari kumusoro. Kunoti we army, weku airforce, Va Chihuri vese taive navo kuhondo, Va Zimhondi veku ma prisons vese taive navo vese tinoda kuti vavepo kuti titwasanure maitiro edu as war veterans.

Nekuti pane pfungwa dzirikusiyana, dzinoti siyanei ipapo. Ndati tanga tauya kuzo kupembedzai toramba takadaro moona kuti chikoro ichi chaenderera mberi chi-chirichitsva pachiri kuvakwa. Pachiri kudiwa zvakare ma teacher apamusorosoro anonzi ma lecturers, vanotsvagwa vatinoti vane ruzivo vanoenda kuma discipline akasiyana siyana nekuti vanoda kuti chikoro ichochi chive neruzivo ruzere pavene ma disciplines. Kana tichiti madisciplines tinenge tichireva ma subjects makuru anotevedzwa se agriculture tinoti idiscpine iyoyo. Law idiscipline iyoyo. Health yeku trainer ma doctors idiscipline iyoyo

45—56minutes

Kwese ikoko kunodiwa vanodzidzisa ikoko vepamusoro soro vane experience ne malectures epazasiwo zvekare kunodiwa equipment malaboritories kana kuri kunana biology ne kuhealth akati wande saka vabatsirei vanotiwo vanoda kuti university ivakwe nesimba revanhu zvichireva kuti toramba tichiita chioko muhomwe chioko muhomwe. Asi zvatisingazode ipapa ndezvekuti kanzuru youya yoti bhadharai 2million dollars aaaa zvauya nepapi izvozvo ndozvatati kwete hatidi takakaupai sehurumende yanga iri land yegovernment hatingakubhadharisei vanhu varikuita university yekuzvivakira zvonzi zvamauya apa tatozviwanira po kanzuru kana yanga ichitsvaka mari haiwani mari nomutoo iwoyo hatidi isu.Itai migwagwa mugadzire zvakanaka dzimba dzevanhu mowana marates enyu nemari dzenyu zvakanaka. Aiwa ndopedzisa ndichiti panyaya yandambotaura yekudya,regai kunyarara regai kuva nekukwikwidzana kutorerana kubvutirana zvokudya todakuti zvigovewe zvakanaka. Kana munhu ashaya nhasi hazvireve kuti mangwana anenge achishaya. Kudya kugovewe zvakanaka ana Comrade Machese mobatsira mateam anenge achiuya angave mateam evanhu veagriculture kana mateam anenge arongwa nehurumende mobatana navo asi tipeiwo ruzivo rwokuti ndokupi nekupi kunosungirwa kuenda chibage kune nzara yakanyaya.Zvatinodai tirikutarira ramangwanavo asi ramangwana tinenge tichiti tirime nemasimba, tirime nematractor asi takabatana kune mvura kunematsime,madhamu matsime makuru ikoko tiite minda inodiridzwa ikawanda nekuti madhamu atiinawo anenge akati wandei chibage chatinowana chinge chakati wandeiwo ikozvino tirikutenga chibage kuZambia. Zambia yakatora masimba emabhunu aive kuno ndokuvapa nzvimbo dzokurima ndosaka vane chibage chakawanda kupfuura chavanoda ivo. Asi ivo zvakare vanodya mupfarinya saka havabva vangoti sadza mangawana mangwana sadza isu tinongova sadza sadza chete kana tambochinja toita karice zvino uku vanochinja nezvakawanda wanda even mabanana ma plantains vanomabika kana kumafrier asi izvezvi tinenge takuenda kumberi kunana west Africa. Vana vanosungirwa kuenda kuchikoro tinonzwa kuti kune vana vakafirwa nevabereki vamwe vane vabereki vasingagoni kuvabhadharira vakatandwa kuchikoro BEAM yedu yanga isingavabhadharire asi vana tinoda kuti varanmmbe vari muzvikoro. Inyaya idzodzo dzamunosungirwa kuti mutaure kwatiri tive neruzivo rwekuti fundo yatiinayo iyi irikupundutsa vana vedu here kana kwakuenda nevana vanodropper vakawanda muzvikoro vatisingazive,maprovinces ane basa iroro rekutiudza kuti aaa kuzvikora vna varikutandwa, mateachers ari kutanda vana kuzvikoro takati regai kutanda vana kuzvikoro takati mari kana dzisina kubhadharwa tiudzei isusu tive neruzivo rwekuti ava vana vangabhadharirwe ne BEAM here. BEAM yedu tinoda kuti izenge ichishanda asi tinonzwa kuti kurikuramba kuchiwanikwa vana varikudropper muzvikoro ko zvino zvikoro tinogozviwanzirei kana vana vacho vasingaende vachizadza zvikoro zvacho.Madzimai tinoda kukutendai nebasa ramurikuita makabatana imi zvikuru kuru hakuna zvinyeke nyeke kumadzimai zvinofadza izvozvo. VaChipanga kwenyu kwanga kwapindwa nezinyeke nyeke tinoda kusanoongorora the youth kuti ndepapi nepapi pakange papindwa nezinyeke nyeke tigadziridzane ikoko tive nemusangano wakasimba unozvinda nemapazi acho maviri the women’s league and the youth league zvino tikaenda kumaelections tisina kugutsikana vanhu vakangozunguzika kumabazi iwaya hatizoduda ne apona apona yatakabuda nayo muna2013 Zvino comrade Mathias vatisimbisa kuti tinotsvaira ehe rambai muri ipapo pekuti tinotsvaira asi muine chokwadi chekuti pasi apa makaronga pakabatanwa kumadzimai kwakabatanwa kuma youth kwakabatanwa kuvanhurume saka musangano wakaumbika chaizvo izvo kuno kuMashonaland Central tinokutendai. Zvino tichazenge tichiita marallies atinenge tichiti tione nenyaya yandataura yekuti remangwana redu tingarambe tichikumbira here chekudya kana tingauye iyezvino tine maprograms ekuti tiise mairrigation schemes kunzvimbo dzakasiyana siyana saka mofana matibatsira ipapa ve province kutiratidza maonero enyu kuti seprovince ino tine nzvimbo dzakati dzakati pangaitwe maprojects iwaya e irrigation ekurima chibage,ekurima soyabean ekurima zvimwe zvakasiyana siyana. Ndozvatinoda izvozvo saka tichazenge tichifamba tichitevedza maprovince tichida kuti tiite irrigation yakakwana nekuti tirikuwana equipment from Brazil tikuwana equipment zvakare irikubva kushamwari dzedu dzekunana Russia neku China wo zvakare. Saka tirikuda kuona kuti equipment iyoyi irikushandiswa zvakanaka here uye irikuenda kunzvimbo dzinosimudzira here nemaprojects acho nzvimbo idzodzo dzinosimudzira here nyika yedu dzinosimudzira here ZimAsset.

Ndinotenda va Kasukuwere, tinotenda vose vapa kunzimbo. Ndati ndingade kukwazisa ma chair person akwanisa kuuya kuno mberi. Kana paine ma Chief vauyevo mberi patava kusimuka tinoku kwazisayi. Pamberi nekubatna Pamberi nekubatana. Pasi ne MDC. ndatenda.

You Might Also Like

Comments

Take our Survey

We value your opinion! Take a moment to complete our survey