VP Mnangagwa’s remarks at Mahofa’s memorial in Gutu Sen Mahofa

Ngatigarei hedu pasi. Eh, hanzvanzi mubati wetsvimbo ye ruzha. Pamusoroi Mahofa. Pamusoroi mhuri yokwaChivaviro. Pamusoroi minister member yePolitburo sekuru VaHungwe, ne member dzePolitburo dziripano. Pamusoroi mambo vatanzwa kuti varipano, pamusoroi madzishe mamwe atanzwa kuti varipano. Pamusorori vekereke varipano. Ndafara ndichivona vekwangu vehwisiri varipano. Musanyanya henyu kufara ndinemakore akawanda ndisati ndauya kuchurch. Asi nokugwara kwandavakuita ndava kuuya.

Pamusoroi vashandi vehurumende varipano nehukuru hwenyu. Vatungamiri vemusangano varipano nachairman wedu weMasvingo VaChadzamira nemadzisadunhu enyu ese kubva kuCentral Committee kudzika pasi. Ndauyavo ini ndakatsigigwa nachairman wangu wekuMidlands VaMackenzie, mavaratidzwa nemember yeCentral Committee vaJuly Moyo na secretary vedu vepublicity, nevamwe.

Ndingati sekuru ndanga ndisingazivi. Nguva dzino zuro ndanga ndiri South Africa, ndokwandanga ndiri. Pandakadzika manheru ndakawana tsamba iri muoffice pandakapfuura ndichitora mapepa muoffice, ndikawana tsamba ichiti nhasi izuva rememorial service yomuzukuru Shuvai Mahofa. Saka ndakabva ndataurira director wangu vomuoffice vaGwatidzo varipano kuti ndingakwanisa kuti ndisvikevo here nhasi.

Ndokuronga kuti ndikwanise kuti ndisvike. Zuva ranhasi harisi rokuchema. Izuva rokupembedza mabasa akaitwa naMinister Shuvai Mahofa, akaitwa ne member yePolitburo Shuvai Mahofa. Arondedzegwa pano newatanga kutaura. Ndakanga ndisipo pavakashaya. Ndinofunga kuti zvakaitika kwavari 2015 kuVic Falls ndozvakazoitikawo kwandiri kuGwanda. Saka musi wa 12 August ndakabva kuGwanda, zvimwe ndavakuudzwa nokuti ndakanga ndisingazivi zvaiitika. Ndakabva ikoko kuGwanda ndichiunzwa kuGweru.

Mafambiro acho handimazivi, ndikaendeswa kuSouth Africa. Eh, 12, 13, 14 ndipo pavakashaya. Hapana zvandaiziva. 15, 16 nechitatu pandanga ndavakuziva kuti ndirikupi ndipo pandakanzwa kuti Cde Shuvai Mahofa vashaya ndirimuchipatara. Ndikazonzwa zvekare kuti President vedu VaMugabe variko kuSouth Africa. Ndakazokwanisa, ndawana mukana, kwapfuura mazuva maviri ndava nesimba, ndikataura navo. Vakandiudzavo kuti takarasikigwa kumusha naCde Shuvai Mahofa. Zvakandibata zvikuru nokuti taiwirirana chaizvo.

MuPolitburo medu umu anga arimunhu akasimba, waunoziva kuti kana nyaya yotaugwa, eh, tigere takadai zvandakambotaura musi uya pakasvika President, varume takawanda, vanhurume takawanda, asi varume vashoma. Saka ava Mai Mahofa ndoumwe wavaiziva kuti tiripadare ndine umwe.

Chokwadi chakangonaka nguva dzose. Nhema dzinotanga mberi, kana chokwadi chouya rima renemha rinotiza nekuti chokwadi chinenge chauya. Saka takazosvika pakuti vachengetwe. Handina kukwanisa kusvika, asi takataura naPresident kuti ndinoshuvirawo kuti deno ndanga ndasimba, ndasvikawo. Ndinotenda vamwe vangu zvikuru sei ivo President vedu muZanu-PF nemunyika nemakurukota avo vakavapa ruremekedzo kuti vachengetwe pagomo. Haungopihwi wapupurika seshiri yechirimo.

Unopihwa varume, makurukota agara pasi aona kuti apa pakakodzera, wopihwa ruremekedzo rwakadero. Vuye wafamba gwendo gwawafamba ukasatsawuka uchiramba urimugwendo. Kukatonhora, urimugwendo, kukapisa urimugwendo, kukanaya urimugwendo, kukaita zhara, urimugwendo, kukaita maguta urimugwendo.

Hagupihwi rukudzo gwakadai vanachura vasingatevedzeri zhira yavafamba nayo nokuti gwendo gwachura hagutevedzegwi. Rinokwakuka roenda uko, ukati rangariripano, zura razoindepi? Unotoziva kwaraenda wavona pariri. Asi gwendo gwakamba unoona nemuzira. Shuvai Mahofa anomuzira unorondedzeka murevolution yedu yokusunungura nyika ino. Anomuzira, anenhorowondo yemusangano. Munoziva kuti 2015 vakagwara zvikuru asi sokutaugwa kwazvaitwa nemwana, mazuva avo avakapihwa namwari anga asati akwana, se angu haana kunge akwana.

Achakwana nenguva yaanokwana nokuti kana ukashuva rufu gwoumwe iwe rako rinda risina chawakaisa hauna chawagona. Hapana unopinda guva romumwe. Ndandichiudziwa nasekuru vaHungwe kuti taive tose, kuti ndakafonegwa kakawanda naCde Mahofa vachibvunza kuti sekuru vangu vavasei, varipi? Rudo igogo sekuru gwavanga vanago. Vamwe vaifona kuti vachivapenyu here? Zvose zvinosvika muzheve. Asi tinotenda ruzhinji nomunamato yamakaita, ndinokutendai. Ndinotenda.

Cde Mahofa vakashanda muno. Hongu vanobva kwaChivi seni ndiri mwana waChivi. Eh, asi vakashanda muno. Panenhorowondo dzakawanda dzemabasa avakaita ekusimudzira muno nemaclub, zvikuru sei kumadzimai. Tinovatenda basa iroro. Pamusoro paizvozvo, kuma commanders edu muhondo vaka operator kuno kuFort Victoria vanotaura pamusoro pekushanda kwavakaita navo. Cde ava vanga vakashinga, vanga vakatsunga.

Kune kusiyana kutsunga nekushinga pachikaranga. Gwizi guzere mhiri uko kune doro, kuno kune zvidhakwa. Zvidhakwa zvoda kundomwa doro mhiri kwegwizi guzere. Chidhakwa chakatsunga chinovambuka kuenda kudoro. Vakashinga vanogara kusvika gwizi gwapweva. Ava vanga vakatsunga mumusangano. Vanga vakatsunga mumusangano. Haungonokogwi urikwauri kuuya mudare rePolitburo woti zvangoitikawo, bodo.

Vanotarira, vagoongorora, vagovheneka, vagovona kuti mazvirokwazvo mazvirwokwazvo uyu anokodzera kuti auye kumusoro. Ngatizivei izvi, gwendo ugu rurefu. Hatitangi gwendo tiritese, gune vanotanga vagofamba negwendo, vachifamba negwendo. Vamwevo vachipinda mugwendo, asi gwendo guchingofambiwa. Saka kana iwe wazopinda mugwendo kune vakagutanga wofunda kuti gunofambiwa sei.

Kana iwe wapindira gwendo wobva wati gwendo gwava gwako usati waziva kuti gwendo kunofambiwa sei, hausviki kunofanigwa kuti gwendo gukusvitse. Kumusoro uku kuna Mwari, kumosoro kuna Mwari. Zvakamufadza Mwari kuti pakati peZambezi neLimpopo paiswe isu. Hapana akakumbira Mwari kuti agare muno munyika, wakangovona wavemo. Shoko rinoti iro Mwari anoziva gwendo gwako gwauchafamba usati wagufamba. Ukavona anoti anoziva gwendo gwaMwari, mubikire doro kuti Mwari wakurasha. Vakaropafadzwa avo varipakati pedu vanotivo ivo nguva yatinayo pano pamusoro penyika voyevuka kuti tirivaenzi pamusoro penyika vonamata. Ndahwa kuti muimba yekwaChivaviro kunevanamati, kunemapolitician, kune vaimbi, kune vafundisi, imba iyi.

Vakaungana vakadaro mufundisi arikuna Mwari, muimbi ovaimbira kuvafadza, politician oti Jehova wakati pamusoro penyika kuchaita madzimambo. Saka pakati pedu tinaye arimo arimuimba youtongi saMahofa anga ari muimba yeutongi yepolitics.

That is a complete family saizvozvo. Kumagumo kunenyaya. Tasvika here panyaya? Takahwa patakauya kuno kuti kumagumo kune nyaya. Zvino ukahwa vanhu vachiti kumagumo kune nyaya zvivheneke kuti painouya nyaya iyi unenge wakamira papi nenyanya iyoyo. Kana magumo asvika pava nenyanya, unenge uripapi nenyaya yauya kumagumo. Isu mupolitics kumusoro uku, kana zvikanzi kuMasvingo, tavakuziva kuti kunemusvo wemusangano.

Eh, regai ndikuudzei zvidukuduku, asi kunevakakumbira kuti tokumbirawo gamba redu murikudze ndovokuno. Haukumbigwi kuti uite gamba nevasiri vekwako. Saka gara nevekwako kuti mangwana vagokukumbiriravo. Hauindi kudenga usina kumbirigwa nevamwe vekwako vekereke.

Zvinhu zvose zvineronga. Kuisa duvu mugwizi kuti ubate shuro hazvigoni. Mashoko ngaafambe neronga. Vupenyu ngavufambe neronga. Vanohwisisa hwisisai. Vanovona, vonesesai nguva ichipo. Tavungana pano ndafara zvikuru. Ini ndafara kuti ndawana mukana uno. Ndakaita shungu zvikuru kuti mumwe wangu akachengetwa ndakabatikana ndisinga kwanisi.

Kana izvozviizvi ndakabuda zuro kuhospital asi ndati kana zviite sei regai ndisvikevo kuti vazukuru vangu vazive kuti sekuru havana kukangamwa. Ndinotenda kuti iye pachake Shuvai asununguka kuti haiwa kamudhara kauya kuzonyaradzana nemhuri. Nhasi ndoenda kundozorora zvakanaka ndichiziva kuti ndakwanisa kusvika. Ndakwanisa kuuya pano kuzopembedzana tose kuchema deno tikasiya shure.

Toramba takabatana tichiwirirana. Hadzishaikwi nhinhi apa nepapo, bodo, dzinofanira kuvepo mukati medu asi gwara tichirivona, zhira tichivona, kwokuenda tichikuvona, vatungamiriri tichivaona, tichitevera mukuru wedu. Ndichainda kundovudza mukuru wedu President kuti vose vanga vachitaura vanga vachikutendai nokupa ruremekedzo kumwana wavo.

Asi vagara vachiziva kuti Masvingo yakabata musangano. Kungava uyo neuyo angava achireva nepamwe, rinopinda nekuku richibuda nekuku asi Masvingo irimumusangano weZanu-PF takabatana, tigoramba takabatana tichingofamba takangobatana, tichichemana takangobatana.

Hama dzangu, hama dzangu, ndinokutendai, ndinokutendai nerudo rwamaratidza. Ndahwa nevasikana veZilwaco vabva kwaMutare vanachimbwido nana mujibha vakasarudza Shuvai kuva patron wavo for the whole country. Chii chavakaona? Kuvimbika nekutsunga. Hongu toziva kuti vose vanoti Jeso, Jeso havasi vaKristu. Vose vanoti Zanu-PF vamwe havasi Zanu-PF.

Vose vanoti ndinokuda, ndinokuda, kwete kuti vose vanokuda. Ivo pachavo Jehovha ndivo vanoziva zviripakati pemoyo wako. Ungauya kwandiri uchindisekerera ini ndinokutambira nekuti wandisekerera, asi Jehova anoziva kuti wanyepa, wanyepaaaaa! Wanikwa urimunhu uripa chokwadi. Chawada reva kuti ndada, chawaramba reva kuti ndarambaaa! Ndizvozvo.

Saka ndokutendai, maita. Vafundisi, vakomana maimba vasekuru, vekwaMutendi maimba kuti ndire ndire. Ndogufarira zvokuti heki asi makumbo haasati asimba, next time tichatamba tose kana mazoimba. Ndotenda zvikuru. Haiwa vabati vetsvimbo yeruzha ndatenda hangu nenguva yamandipa, Ndotenda.

You Might Also Like

Comments